ShonaTeam 1 Chronicles « 3 »

Vana vaDhavhidhi

3Zvino ava vanakomana vaDhavhidhi vaakaberekerwa paHebhuroni: Dangwe Amunoni, kuna Ahinowamu muJezireeri; wepiri Dhaniyeri, kuna Abhigairi muKarimeri;

2 wetatu Abhusaromu mwanakomana waMaaka mukunda waTarimai mambo weGeshuri; wechina Adhoniya mwanakomana waHagiti;

3 weshanu Shefatia, kuna Abhiatari; wetanhatu Itireami, kuna Egira mukadzi wake.

4 Vatanhatu vakaberekerwa kwaari paHebhuroni; ndokutongapo makore manomwe nemwedzi mitanhatu; uye paJerusarema wakatonga makore makumi matatu nematatu.

5 Ava vakaberekerwa iye paJerusarema: Shimea, naShobhabhu, naNatani, naSoromoni, vari vana, kuna Bhatishuwa mukunda waAmieri;

6 naIbhari, naErishama, naErifereti,

7 naNoga, naNefegi, naJafia,

8 naErishama, naEriadha, naErifereti, vari vapfumbamwe.

9 Vose vaiva vanakomana vaDhavhidhi, kusingaverengwi vanakomana vevarongo; uye Tamari hanzvadzi yavo.

10 Nemwanakomana waSoromoni waiva Rehobhoamu; Abhia mwanakomana wake; Asa mwanakomana wake; Jehoshafati mwanakomana wake;

11 Joramu mwanakomana wake; Ahaziya mwanakomana wake; Joashi mwanakomana wake;

12 Amaziya mwanakomana wake; Azariya mwanakomana wake; Jotamu mwanakomana wake;

13 Ahazi mwanakomana wake; Hezekia mwanakomana wake; Manase mwanakomana wake;

14 Amoni mwanakomana wake; Josiya mwanakomana wake.

15 Nevanakomana vaJosiya: Dangwe Johwanani, wepiri Jehoyakimu, wetatu Zedhekia, wechina Sharumi.

16 Nevanakomana vaJehoyakimu: Jekoniya mwanakomana wake, Zedhekia mwanakomana wake.

17 Nevanakomana vaJekoniya: Asiri, Shearitieri mwanakomana wake,

18 naMarikirami, naPedhaya, naShenazari, Jekamia, Hoshama, naNedhabhia.

19 Nevanakomana vaPedhaya: Zerubhabheri, naShimei. Nevanakomana vaZerubhabheri: Meshurami, naHananiya, naSheromiti hanzvadzi yavo,

20 naHashubha, naOheri, naBherekia, naHasadhia, Jushabhiheshedhi, vari vashanu.

21 Zvino vanakomana vaHananiya: Peratia, naJeshaya. Vanakomana vaRefaya, vanakomana vaArinani, vanakomana vaObhadhiya, vanakomana vaShekaniya.

22 Nevanakomana vaShekaniya: Shemaya. Nevanakomana vaShemaya: Hatushi, naIgari, naBharia, naNearia, naShafati, vari vatanhatu.

23 Nevanakomana vaNearia: Erioenai, naHizikia, naAzirikamu, vari vatatu.

24 Nevanakomana vaErioenai: Hodhavhia, naEriashibhi, naPeraya, naAkubhi, naJohwanani, naDheraya, naAnani, vari vanomwe.