ShonaTeam 1 Chronicles « 2 »

Vanakomana vaIsraeri

2Ava vanakomana vaIsraeri: Rubheni, Simioni, Revhi, naJudha, Isasikari, naZebhuruni,

2 Dhani, Josefa, naBhenjamini, Nafutari, Gadhi, naAsheri.

3 Vanakomana vaJudha: Eri naOnani naShera; vatatu wakavaberekerwa kubva kumukunda waShua mukadzi muKenani. Asi Eri dangwe raJudha waiva wakaipa pameso paJehovha; iye ndokumuuraya.

4 Tamari muroora wake ndokumuberekera Perezi naZera. Vanakomana vose vaJudha vaiva vashanu.

5 Vanakomana vaPerezi: Hezironi naHamuri.

6 Nevanakomana vaZera: Zimiri, naEtani, naHemani, naKarikori, naDhara; vose vaiva vashanu.

7 Nevanakomana vaKarimi: Akari, mutambudzi waIsraeri, wakadarika pachinhu chakayereswa.

8 Nevanakomana vaEtani: Azariya.

9 Vanakomanawo vaHezironi vaakaberekerwa: Jerahimeeri, naRamu, naKerubhai.

10 Ramu ndokubereka Aminadhabhu; Aminadhabhu ndokubereka Nahishoni, muchinda wevana vaJudha.

11 Nahishoni ndokubereka Sarima; Sarima ndokubereka Bhowasi;

12 Bhowasi ndokubereka Obhedhi; Obhedhi ndokubereka Jese.

13 Zvino Jese wakabereka dangwe rake Eriabhu, naAbhinadhabhu wepiri, naShimea wetatu,

14 Netaneri wechina, Radhai weshanu,

15 Ozemi wetanhatu, Dhavhidhi wechinomwe.

16 Nehanzvadzi dzavo dzaiva Zeruya naAbhigairi. Nevanakomana vaZeruya: Abhishai, naJoabhu, naAsaheri, vatatu.

17 Zvino Abhigairi wakabereka Amasa; uye baba vaAmasa vaiva Jeteri muIshimaeri.

18 NaKarebhu mwanakomana waHezironi wakabereka kuna Azubha mukadzi wake uye kuna Jerioti; vanakomana vake vaiva ava: Jesheri, naShobhabhu, naAridhoni.

19 Zvino Azubha wakafa, Karebhu ndokuzvitorera Efurati; iye ndokumuberekera Huri.

20 Huri ndokubereka Uri; Uri ndokubereka Bhezareeri.

21 Zvino shure kweizvozvo Hezironi wakapinda kumukunda waMakiri baba vaGiriyadhi, waakawana ava wemakore makumi matanhatu; iye ndokumuberekera Segubhi.

22 Segubhi ndokubereka Jairi; iye waiva nemaguta makumi maviri nematatu panyika yeGiriyadhi.

23 Zvino wakatora Geshuri naArami pamwe nemisha yeJairi kubva kwavari, pamwe neKenati nemisha yaro, maguta makumi matanhatu. Ava vose vaiva vanakomana vaMakiri baba vaGiriyadhi.

24 Zvino shure kwekufa kwaHezironi paKarebhi-Efirata, Abhija mukadzi waHezironi ndokumuberekerawo Ashuri baba vaTekowa.

25 Zvino vanakomana vaJerahimeeri dangwe raHezironi vaiva Rami dangwe, naBhuna, naOreni, naOzemu, Ahija.

26 Zvino Jerahimeeri waiva neumwe mukadzi, uye zita rake raiva Atara; waiva mai vaOnamu.

27 Nevanakomana vaRami dangwe raJerahimeeri vaiva Maazi naJamini naEkeri.

28 Nevanakomana vaOnamu vaiva Shamai naJadha. Nevanakomana vaShamai: Nadhabhi naAbhishuri.

29 Uye zita remukadzi waAbhishuri raiva Abhihairi; iye ndokumuberekera Ahibhani naMoridhi.

30 Nevanakomana vaNadhabhi: Seredhi naApaimi; asi Seredhi wakafa asina vana.

31 Nevanakomana vaApaimi: Ishi. Nevanakomana vaIshi: Sheshani. Nevanakomana vaSheshani: Ahirai.

32 Nevanakomana vaJadha munin'ina waShamai: Jeteri naJonatani; asi Jeteri wakafa asina vana.

33 Nevanakomana vaJonatani: Pereti naZaza. Ndivo vaiva vanakomana vaJerahimeeri.

34 Zvino Sheshani waiva asina vanakomana, asi vanasikana. Uye Sheshani waiva ane muranda, muEgipita; nezita rake raiva Jariha.

35 Sheshani ndokupa mukunda wake kuna Jariha muranda wake kuva mukadzi; iye ndokumuberekera Atai.

36 Atai ndokubereka Natani; Natani ndokubereka Zabhadhi;

37 Zabhadhi ndokubereka Efirari; Efirari ndokubereka Obhedhi;

38 Obhedhi ndokubereka Jehu; Jehu ndokubereka Azariya;

39 Azariya ndokubereka Herezi; Herezi ndokubereka Ereyasa;

40 Ereyasa ndokubereka Sisimai; Sisimai ndokubereka Sharumi;

41 Sharumi ndokubereka Jekamiya; Jekamiya ndokubereka Erishama.

42 Nevanakomana vaKarebhu munin'ina waJerahimeeri: Mesha dangwe rake, waiva baba vaZifi; nevanakomana vaMaresha baba vaHebhuroni.

43 Nevanakomana vaHebhuroni: Kora, naTapuwa, naRekemu, naShema.

44 Shema ndokubereka Rahami, baba vaJorikeami; Rekemu ndokubereka Shamai.

45 Zvino mwanakomana waShamai waiva Maoni; uye Maoni waiva baba vaBheti-Zuri.

46 Efa murongo waKarebhu ndokubereka Harani, naMoza, naGazezi; Harani ndokubereka Gazezi.

47 Nevanakomana vaJadhayi: Regemu, naJotamu, naGeshani, naPereti, naEfa, naShaafi.

48 Maaka, murongo waKarebhu, wakabereka Shebheri naTirihana.

49 Iye wakaberekawo Shaafi baba vaMadhimana, Shevha baba vaMakibhena, nababa vaGibhiya. Uye mukunda waKarebhu waiva Akisa.

50 Ava vaiva vanakomana vaKarebhu mwanakomana waHuri, dangwe raEfurata: Shobhari baba vaKiriati-Jearimi,

51 Sarima baba vaBheterehemu, Harefi baba vaBheti-Gadheri.

52 Zvino vanakomana vaShobhari baba vaKiriati-Jearimi vaiva: Haroe, hafu yevaMenuhoti.

53 Mhuri dzaKiriati-Jearimi: VaItiri, nevaPuti, nevaShumati, nevaMishirai. Kwavari kwakabuda VaZorati nevaEshitaori.

54 Vanakomana vaSarima: Bheterehemu, nevaNetofati, Atiroti, Bheti-Joabhi, nehafu yevaManahati, nevaZori.

55 Uye mhuri dzevanyori, vagari veJabhezi: VaTirati, VaShimeati, vaSukati. Ndivo VaKeni vakabva kuna Hamati baba veimba yaRekabhu.