ShonaTeam 1 Chronicles « 1 »

Zvizvarwa zvaAdhamu

1 Adhamu, Seti, Enoshi,

2 Kenani, Maharareri, Jaredhi,

3 Enoki, Metusera, Rameki,

4 Nowa, Shemu, Hamu, naJafeti.

5 Vanakomana vaJafeti: Gomeri, naMagogi, naMadhai, naJavhani, naTubhari, naMesheki, naTirasi.

6 Nevanakomana vaGomeri: Ashikenazi, naRifati, naTogarima.

7 Nevanakomana vaJavhani: Erisha, naTarishishi, Kitimi, naRodhanimi.

8 Vanakomana vaHamu: Kushi, naMiziraimu, Puti, naKenani.

9 Nevanakomana vaKushi: Shebha, naHavhira, naSabhita, naRaama, naSabhiteka. Nevanakomana vaRaama: Shebha, naDhedhani.

10 Kushi ndokubereka Nimurodhi; iye wakatanga kuva ane simba panyika.

11 Mizirami ndokubereka vaRudhimi, nevaAnami, nevaRehabhi, nevaNafutuhi,

12 nevaPatirusimi, nevaKasiruhimi (kwakabudako vaFirisitia), nevaKafitorimi.

13 Kenani ndokubereka Sidhoni dangwe rake, naHeti,

14 nemuJebhusi, nemuAmori, nemuGirigashi,

15 nemuHivhi, nemuAriki, nemuSini,

16 nemuArivhadhi, nemuZemari, nemuHamati.

17 Vanakomana vaShemu: Eramu, naAshuri, naAripakishadhi, naRudhi, naAramu, naUzi, naHuri, naGeteri, naMesheki.

18 Aripakishadhi ndokubereka Shera, Shera ndokubereka Ebheri.

19 Zvino Ebheri wakaberekerwa vanakomana vaviri. Zita reumwe raiva Peregi, nokuti mumazuva ake nyika yakakamurwa; uye zita remunin'ina wake raiva Jokitani.

20 Jokitani ndokubereka Arimodhadhi, naSherefi, naHazarimavheti, naJera,

21 naHadhoramu, naUzari, naDhikira,

22 naEbhari, naAbhimaeri, naShebha,

23 naOfiri, naHavhira, naJobhabhu. Ava vose vaiva vanakomana vaJokitani.

Chizvarwa chaShemu

24 Shemu, Aripakishadhi, Shera,

25 Ebheri, Peregi, Reu,

26 Serugi, Nahori, Tera,

27 Abhuramu, ndiye Abhurahama.

28 Vanakomana vaAbhurahama: Isaka, naIshimaeri.

29 Ndizvo zvizvarwa zvavo: Dangwe raIshimaeri Nebhaioti, naKedhari, naAdhidheeri, naMibhisami,

30 Mishima, naDhuma, Masa, Hadhadhi, naTema,

31 Jeturi, Nafishi, naKedhema. Ava vanakomana vaIshimaeri.

32 Uye vanakomana vaKetura, murongo waAbhurahama: Iye wakabereka Zimirani, naJokishani, naMedhani, naMidhiani, naIshibhaki, naShua. Uye vanakomana vaJokishani: Shebha, naDhedhani.

33 Nevanakomana vaMidhiani: Efa, naEferi, naHanoki, naAbhidha, naEridhaha. Ava vose vaiva vanakomana vaKetura.

34 Abhurahama ndokubereka Isaka. Vanakomana vaIsaka: Esau, naIsraeri.

35 Vanakomana vaEsau: Erifazi, Reueri, naJeushi, naJaramu, naKora.

36 Vanakomana vaErifazi: Temani, naOmari, Zefi, naGatami, Kenazi, naTimina, naAmareki.

37 Vanakomana vaReueri: Nahati, Zera, Shama, naMiza.

38 Nevanakomana vaSeiri: Rotani, naShobhari, naZibheoni, naAna, naDhishoni, naEzeri, naDhishani.

39 Nevanakomana vaRotani: Hori, naHomami; nehanzvadzi yaRotani yaiva Timina.

40 Vanakomana vaShobhari: Ariani, naManahati, naEbhari, Shefi, naOnamu. Nevanakomana vaZibheoni: Aya, naAna.

41 Vanakomana vaAna: Dhishoni. Nevanakomana vaDhishoni: Hamurani, naEshibhani, naItirani, naKerani.

42 Vanakomana vaEzeri: Bhirihani, naZavani, Jakani. Vanakomana vaDhishani: Uzi, naArani.

43 Zvino awa madzimambo akatonga munyika yaEdhomu, pasati patonga mambo pamusoro pevanakomana vaIsraeri: Bhera mwanakomana waBheori; uye zita reguta rake raiva Dhinihabha.

44 Zvino Bhera wakafa; Jobhabhu mwanakomana waZera weBhozira ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

45 Jobhabhu ndokufa; Hushamu wenyika yevaTemani ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

46 Hushamu ndokufa; Hadhadhi mwanakomana waBhedhadhi, wakarova Midhiani pamunda waMoabhu, ndokuva mambo pachinzvimbo chake; nezita reguta rake raiva Avhiti.

47 Hadhadhi ndokufa; Samira weMasireka ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

48 Shamira ndokufa; Shauri weRehobhoti parwizi ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

49 Shauri ndokufa; Bhaari-Hanani mwanakomana waAkibhori ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

50 Bhaari-Hanani ndokufa; Hadhadhi ndokuva mambo pachinzvimbo chake; uye zita reguta rake raiva Pai; uye zita remukadzi wake raiva Mehetabheri mukunda waMatiredhu mukunda waMezahabhi.

51 Hadhadhi ndokufa. Zvino madzishe eEdhomu aiva: Ishe Timina, ishe Aria, ishe Jeteti,

52 ishe Ohoribhama, ishe Era, ishe Pinoni,

53 ishe Kenazi, ishe Temani, ishe Mibhizari,

54 ishe Magidhieri, ishe Iramu. Awa madzishe eEdhomu.