ShonaTeam 2 Kings « 25

Nebhukadhinezari anotapa vanhu vaJudha

25Zvino zvakaitika mugore repfumbamwe rekutonga kwake, mumwedzi wegumi, neregumi remwedzi, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi wakasvika, iye nehondo yake yose kurwisa Jerusarema, ndokudzika matende pakatarisana naro, ndokurivakira nhare kupoteredza.

2 Guta ndokupinda pakukombwa kusvika pagore regumi nerimwe ramambo Zedhekia.

3 Zvino nerepfumbamwe remwedzi nzara payakanyanya paguta, kwakavawo kusina zvekudya zvevanhu venyika.

4 Zvino guta rakapazirwa; varume vose vehondo ndokutiza usiku nenzira yesuwo pakati pemidhuri miviri yaiva pedo nebindu ramambo. Zvino vaKaradhiya vairwisa guta kupoteredza. Mambo ndokuenda nenzira yebani.

5 Zvino hondo yevaKaradhiya yakateverera mambo, ndokumubata pamapani eJeriko; hondo yake yose ndokupararira kubva kwaari.

6 Zvino vakabata mambo, ndokumukwidza kuna mambo weBhabhironi paRibhira, ndokutaura mutongo paari.

7 Zvino vakauraya vanakomana vaZedhekia pamberi pemeso ake, vakapofumadza meso aZedhekia, ndokumusunga neketani mbiri dzendarira ndokumuisa kuBhabhironi.

8 Zvino mumwedzi weshanu, nerechinomwe remwedzi, rinova gore regumi nemapfumbamwe ramambo Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi, kwakauya Nebhuzaradhani mukuru wevarindi muranda wamambo weBhabhironi kuJerusarema.

9 Zvino wakapisa imba yaJehovha, neimba yamambo; nedzimba dzose dzeJerusarema, neimba imwe neimwe yemukuru, wakapisa nemoto.

10 Zvino hondo yose yevaKaradhiya yaiva ine mukuru wevarindi yakaputsira pasi masvingo eJerusarema kumativi ose.

11 Uye vakasara vevanhu vaiva vasara muguta, nevawi vakawa kuna mambo weBhabhironi, nevakasara vechaunga, Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakavatapa.

12 Asi mukuru wevarindi wakasiya vamwe vevarombo venyika, kuva vashandi veminda yemizambiringa nevarimi.

13 Zvino mbiru dzendarira dzaiva muimba yaJehovha, nezvigadziko, negungwa rendarira, zvaiva muimba yaJehovha, vaKaradhiya vakaputsanya, ndokutakurira ndarira yazvo kuBhabhironi.

14 Nehari, nemafoshoro, nembato dzemwenje, nemigwaku, nemidziyo yose yendarira yavaishanda nayo, vakazvitora.

15 Nembato dzemoto, nendiro dzekusasisa, zvaiva goridhe goridhe uye zvaiva sirivha sirivha, mukuru wevarindi wakazvitora.

16 Nembiru mbiri, gungwa rimwe, nezvigadziko Soromoni zvaakaitira imba yaJehovha; ndarira yemidziyo yose iyi yaiva isina uremu hwakayerwa.

17 Kureba kwembiru imwe kwaiva makubhiti gumi nemasere; uye nhongonya yendarira yaiva pamusoro payo; uye kureba kwenhongonya kwaiva makubhiti matatu; nebasa rakarukwa, nemapomegiranati* pamusoro penhongonya mativi ose, zvose zviri zvendarira; uye mbiru yechipiri yaiva ine zvakadai, ine basa rakarukwa.

18 Zvino mukuru wevarindi wakatora Seraya mupristi waiva musoro, naZefaniya mupristi wechipiri, nevarindi vatatu vemukova.

19 Uye kubva muguta wakatora mutenwa waiva akaiswa pamusoro pevarume vehondo, uye varume vashanu pane vakaona chiso chamambo vakawanikwa muguta, nemunyori mukuru wehondo waiunganidza vanhu venyika, nevarume makumi matanhatu vevanhu venyika vaiva vawanikwa muguta.

20 Zvino Nebhuzaradhani mukuru wevarindi wakavatora, ndokuvaendesa kuna mambo weBhabhironi paRibhira.

21 Zvino mambo weBhabhironi wakavarova, ndokuvauraya paRibhira, panyika yeHamati. Naizvozvo Judha wakatapwa kubviswa panyika yake.

22 Kana vari vanhu vakasara panyika yaJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi vaakasiya, pamusoro pavowo wakaisa Gedhariya mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani.

23 Vakuru vose vedzihondo, ivo nevanhu vavo, pavanzwa kuti mambo weBhabhironi waiva aisa Gedhariya kuva mutungamiriri, ivo ndokuuya kuna Gedhariya paMizipa, naIshimaeri mwanakomana waNetaniya, naJohwanani mwanakomana waKareya, naSeraya mwanakomana waTanhumeti muNetofati, naJaazania mwanakomana wemuMaakati, ivo nevanhu vavo.

24 Gedhariya ndokupika kwavari, nekuvanhu vavo, ndokuti kwavari: Regai kutya kuva varanda vevaKaradhiya; garai munyika mushumire mambo weBhabhironi, uye zvichakunakirai.

25 Asi zvakaitika mumwedzi wechinomwe kuti Ishimaeri mwanakomana waNetaniya, mwanakomana waErishama, werudzi rweumambo, wakasvika, uye varume gumi vanaye, ndokurova Gedhariya kusvika afa, nevaJudha nevaKaradhiya vaiva naye paMizipa.

26 Zvino vanhu vose, kubva kumudiki kusvika kumukuru, nemisoro yedzihondo, ndokusimuka ngokusvika kuEgipita, nokuti vaiva vachitya vaKaradhiya.

27 Zvino zvakaitika mugore remakumi matatu nemanomwe rekutapwa kwaJehoyakini mambo waJudha, mumwedzi wegumi nemiviri, neremakumi maviri nemanomwe remwedzi, Evhiri-Merodhaki mambo weBhabhironi, mugore raakava mambo, wakasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha kumubvisa mutirongo.

28 Zvino wakataura zvakanaka naye ndokuisa chigaro chake cheushe pamusoro pechigaro cheushe chemadzimambo aiva naye muBhabhironi.

29 Zvino wakashandura nguvo dzeusungwa hwake, iye ndokudya chingwa pamberi pake rinhi narinhi mazuva ose eupenyu hwake.

30 Uye mugove wake wakatarwa, mugove wakatarwa unoenderera mberi wakapiwa iye namambo, chinhu chezuva nezuva racho, mazuva ose eupenyu hwake.