ShonaTeam 2 Kings « 23 »

Mambo Josia anovandudza kushumira Jehovha

23Zvino mambo wakatuma, ivo ndokuunganidza kwaari vakuru vose vekwaJudha neveJerusarema.

2 Mambo ndokukwira kuimba yaJehovha, nevarume vose vaJudha, nevagari vose veJerusarema pamwe naye, nevapristi, nevaporofita, nevanhu vose, kubva kumudiki kusvika kumukuru; iye ndokuverenga munzeve dzavo mashoko ose ebhuku resungano rakawanikwa muimba yaJehovha.

3 Zvino mambo wakamira pambiru, ndokuita sungano pamberi paJehovha, kufamba shure kwaJehovha, nekuchengeta mirairo yake nezvipupuro zvake nezvimiso zvake, nemoyo wose nemweya weupenyu wose, kusimbisa mashoko esungano iyi, aiva akanyorwa mubhuku iri; vanhu vose ndokumira pasungano.

4 Mambo ndokuraira Hirikiya mupristi mukuru, nevapristi vechipiri paukuru, nevatariri vemukova, kuti vabudise kubva mutembere yaJehovha midziyo yose yaiva yaitirwa Bhaari nematanda ekunamata nawo nehondo yose yekumatenga, ndokuipisira kunze kweJerusarema muminda yeKidhironi, ndokutakurira madota ayo paBheteri.

5 Zvino wakabvisa vapristi vezvifananidzo madzimambo aJudha aaiva aisa kuti vapise zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira mumaguta aJudha, nenzvimbo dzakapoteredza Jerusarema, neavo vaipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira kuna Bhaari, kuzuva, nekumwedzi, nekunyeredzi, nekuhondo yose yekumatenga.

6 Wakabudisawo danda rekunamata naro muimba yaJehovha kunze kweJerusarema kurukova rwaKidhironi, ndokuripisa parukova rweKidhironi, ndokurikuya kuita upfu, ndokukanda upfu hwaro pamakuva evana vevanhu.

7 Zvino wakaputsa dzimba dzengochani, dzaiva dziri paimba yaJehovha, pairukira vakadzi machira edanda rekunamata naro.

8 Zvino wakabudisa vapristi vose mumaguta aJudha, ndokusvibisa nzvimbo dzakakwirira, paipisira vapristi zvipfungaidzo zvinonhuhwira, kubva paGebha kusvika paBheeri-Shebha; ndokuputsa nzvimbo dzakakwirira dzemasuwo panopindwa napo pesuwo raJoshua mubati weguta, dzaiva kuruboshwe rwemunhu pasuwo reguta.

9 Kunyange zvakadaro vapristi venzvimbo dzakakwirira havana kukwira kuaritari yaJehovha paJerusarema, asi vaidya zvingwa zvisina kuviriswa vari pakati pehama dzavo.

10 Zvino wakasvibisa Tofeti riri pamupata wemwanakomana waHinomi, kuti pasava nemunhu anopfuudza mwanakomana wake kana mwanasikana wake nemumoto kuna Moreki.

11 Zvino wakabvisa mabhiza madzimambo aJudha aaiva apa kuzuva panopindwa napo muimba yaJehovha, pakamuri raNatani-Mereki mutenwa raiva mumaberere, ndokupisa nemoto ngoro dzezuva.

12 Zvino aritari dzaiva pamusoro pedenga rekamuri yepamusoro yaAhazi madzimambo aJudha dzaaiva aita, nearitari Manase dzaaiva aita pazvivanze zviviri zveimba yaJehovha, mambo wakaputsa, ndokupwanya kubvapo, ndokukanda guruva radzo murukova Kidhironi.

13 Nenzvimbo dzakakwirira dzaiva mberi kweJerusarema, dzaiva kurudyi rwegomo rekuora, Soromoni mambo waIsraeri dzaaiva avakira Ashitoreti, chinyangadzo chevaSidhoni, naKemoshi, chinyangadzo chaMoabhu, naMirikomi chinyangadzo chevana vaAmoni, mambo wakasvibisa.

14 Zvino wakaputsanya shongwe dziri zvifananidzo, ndokutema matanda ekunamata nawo, ndokuzadza nzvimbo yazvo nemapfupa evanhu.

15 Uyewo aritari yaiva paBheteri, nenzvimbo yakakwirira Jerobhoamu mwanakomana waNebhati wakatadzisa Israeri yaaiva aita, zviri zviviri aritari iyo nenzvimbo yakakwirira wakazviputsa, ndokupisa nzvimbo yakakwirira, akaikuya kuita guruva, ndokupisa danda rekunamata naro.

16 Josiya paakacheuka, wakaona makuva aivapo mugomo, ndokutuma ndokutora mapfupa kubva mumakuva, ndokupisa paaritari iyo, ndokuisvibisa, zvichienderana neshoko raJehovha munhu waMwari raakaparidza, iye wakaparidza zvinhu izvi.

17 Zvino wakati: Chiratidzoi chiya chandinoona? Vanhu veguta ndokuti kwaari: Iguva remunhu waMwari, wakabva kwaJudha, ndokuparidza zvinhu izvo zvamaita kurwisa aritari yeBheteri.

18 Iye ndokuti: Muregei; kusava nemunhu anovhiringidza mapfupa ake. Zvino vakanunura mapfupa ake asina kuvhiringidzwa pamwe nemapfupa emuporofita waiva abva kuSamariya.

19 Uyewo dzimba dzose dzenzvimbo dzakakwirira dziri mumaguta eSamariya, madzimambo aIsraeri dzaaiva aita kutsamwisa Jehovha, Josiya wakabvisa, ndokudziitira zvichienderana nemabasa ose aakaita paBheteri.

20 Zvino wakauraya vapristi vose venzvimbo dzakakwirira vaivapo pamusoro pedziaritari, ndokupisa mapfupa evanhu pamusoro padzo, ndokudzokera kuJerusarema.

21 Zvino mambo wakaraira vanhu vose achiti: Chengetedzerai Jehovha Mwari wenyu pasika, sezvakanyorwa mubhuku iri resungano.

22 Zvirokwazvo kwaiva kusina kuchengetedzwa yakaita seiyi pasika kubva pamazuva evatongi vaitonga Israeri, kana pamazuva ose emadzimambo aIsraeri, neemadzimambo aJudha.

23 Asi mugore regumi nemasere ramambo Josiya, pasika iyi yakaitirwa Jehovha paJerusarema.

24 Pamusoro pazvo masvikiro, nevaroyi, nematerafimi*, nezvifananidzo, nezvinyangadzo zvose, zvakaonekwa munyika yaJudha nemuJerusarema, Josiya wakabvisa, kuti asimbise mashoko emurairo, aiva akanyorwa mubhuku Hirikiya mupristi raakawana muimba yaJehovha.

25 Mberi kwake hakuna kuva namambo akafanana naye, wakatendeukira kuna Jehovha nemoyo wake wose, uye nemweya weupenyu wake wose, uye nesimba rake rose, zvichienderana nemurairo wose waMozisi; uye shure kwake hakuna kumuka wakafanana naye.

26 Zvakadaro Jehovha haana kutendeuka pakupfuta kwetsamwa kwake kukuru, kutsamwa kwake kwaakapfutira nako Judha, nekuda kwekutsamwisa kose Manase kwaakamutsamwisa nako.

27 Jehovha ndokuti: NaJudhawo ndichabvisa pamberi pangu, sezvandakabvisa Israeri; ndicharamba guta iri reJerusarema, randakazvisarudzira, neimba yandakati pamusoro payo: Zita rangu richavapo.

28 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJosiya, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

29 Pamazuva ake Farao-Neko mambo weEgipita wakakwira kurwisa mambo weAsiriya parwizi Furati. Mambo Josiya ndokuenda kumuchingamidza. Iye ndokumuuraya paMegidho paakamuona.

30 Zvino varanda vake vakamutakura nengoro akafa kubva paMegidho, ndokumuisa kuJerusarema, ndokumuviga murinda rake. Zvino vanhu venyika vakatora Jehoahazi mwanakomana waJosiya, ndokumuzodza, ndokumuisa kuva mambo pachinzvimbo chababa vake.

Jehoahazi mambo waJudha

31 Jehoahazi waiva nemakore makumi maviri nematatu paakava mambo, ndokutonga mwedzi mitatu paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Hamutari, mukunda waJeremiya weRibhina.

32 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha zvichienderana nezvose izvo madzibaba ake zvaakaita.

33 Zvino Farao-Neko wakamusunga paRibhira munyika yeHamati, kuti asatonga paJerusarema; ndokuripisa nyika matarenda esirivha zana, netarenda regoridhe.

Jehoyakimu mambo waJudha

34 Zvino Farao-Neko wakaisa Eriakimu mwanakomana waJosiya kuva mambo pachinzvimbo chaJosiya baba vake, ndokushandura zita rake kuva Jehoyakimu; asi Jehoahazi wakamutora, ndokusvika kuEgipita, ndokufirako.

35 Jehoyakimu ndokupa Farao sirivha negoridhe, asi wakateresa nyika kuti ape mari iyo zvichienderana nemurairo waFarao; akabvisisa vanhu venyika sirivha negoridhe, umwe neumwe zvichienderana nemutero wake, kuti ape kuna Farao-Neko.

36 Jehoyakimu waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore gumi nerimwe paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Zebhidha mukunda waPedhaya weRuma.

37 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha, zvichienderana nezvose madzibaba ake zvaakaita.