ShonaTeam 2 Kings « 22 »

Josiya mambo waJudha anogadzira tembere nekudzosera vanhu kuna Jehovha

22Josiya waiva nemakore masere paakava mambo, ndokutonga makore makumi matatu nerimwe paJerusarema; zita ramai vake raiva Jedhidha mukunda waAdhaya weBhozikati.

2 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, ndokufamba munzira yose yaDhavhidhi baba vake, uye haana kutsaukira kurudyi kana kuruboshwe.

3 Zvino zvakaitika mugore regumi nemasere ramambo Josiya, mambo wakatuma Shafani mwanakomana waAzariya, mwanakomana waMeshurami, munyori, kuimba yaJehovha, achiti:

4 Kwira kuna Hirikiya mupristi mukuru, kuti abatanidze mari inoiswa muimba yaJehovha, vachengeti vemukova yavakaunganidza kuvanhu.

5 Ngavaipe muruoko rwevaiti vebasa, vakaiswa vatariri veimba yaJehovha; ngavaipe kuvaiti vebasa riri muimba yaJehovha, kugadzira maburi eimba;

6 kuvavezi, nevavaki, nekuvavezi vemabwe, nekutenga mapuranga nemabwe akavezwa kugadzira imba.

7 Asi hakuna kuverengerwa kwavari mari yaiva yapiwa muruoko rwavo, nokuti vakaita nekuvimbika.

8 Zvino Hirikiya mupristi mukuru wakati kuna Shafani munyori: Ndawana bhuku remurairo muimba yaJehovha. Hirikiya ndokupa Shafani bhuku; iye ndokuriverenga.

9 Zvino Shafani munyori wakasvika kuna mambo, ndokudzosa shoko kuna mambo, ndokuti: Varanda venyu vadurura mari yakawanikwa muimba, ndokuipa muruoko rwevaiti vebasa, vakamiswa kuva vatariri veimba yaJehovha.

10 Shafani munyori ndokupira kuna mambo achiti: Mupristi Hirikiya wandipa bhuku. Shafani ndokuriverenga pamberi pamambo.

11 Zvino zvakaitika mambo paakanzwa mashoko ebhuku remurairo kuti wakabvarura nguvo dzake.

12 Zvino mambo wakaraira Hirikiya mupristi, naAhikami mwanakomana waShafani, naAkibhori mwanakomana waMikaya, naShafani munyori, naAsaya muranda wamambo, achiti:

13 Endai munondibvunzira kuna Jehovha ini nevanhu naJudha wose, maererano nemashoko ebhuku iri rawanikwa; nokuti kukuru kutsamwa kwaJehovha kwaakatipfutidzira, nokuti madzibaba edu haana kuteerera mashoko ebhuku iri, kuita zvinoenderana nezvose zvakanyorwa maererano nesu.

14 Naizvozvo Hirikiya mupristi, naAhikami, naAkibhori, naShafani, naAsaya vakaenda kuna Huridha muporofitakadzi, mukadzi waSharumi, mwanakomana waTikiva, mwanakomana waHarahasi, muchengeti wenguvo. Iye mukadzi waigara paJerusarema padunhu rechipiri. Zvino vakataura naye.

15 Zvino wakati kwavari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Udzai murume wakutumai kwandiri muti:

16 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Tarirai, ndichauisa chakaipa pamusoro penzvimbo ino, nepamusoro pevagari vayo, mashoko ose ebhuku mambo waJudha raakaverenga.

17 Nokuti vakandisiya, ndokupisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira vamwe vamwari, kuti vanditsamwise nebasa rose remaoko avo, naizvozvo hasha dzangu dzichapfutira nzvimbo ino, uye kusadzimwa.

18 Asi kuna mambo waJudha wakutumai kubvunza kuna Jehovha, mureve seizvi kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Zvemashoko awakanzwa:

19 Nokuti moyo wako waiva munyoro, uye wakazvininipisa pamberi paJehovha, pawakanzwa zvandakataura pamusoro penzvimbo iyi, nepamusoro pevagari vayo, kuti vachava dongo nechakatukwa, ndokubvarura nguvo dzako, ndokuchema pamberi pangu, iniwo ndanzwa, ndizvo zvinoreva Jehovha.

20 Naizvozvo, tarira, ndichakuunganidza kumadzibaba ako, uye uchaunganidzwa muguva rako nerugare, uye meso ako haangaoni chakaipa chipi nechipi chandichauisa pamusoro penzvimbo iyi. Zvino vakadzoka neshoko kuna mambo.