ShonaTeam 2 Kings « 21 »

Manase mambo waJudha

21Manase waiva nemakore gumi nemaviri paakava mambo; zvino wakatonga makore makumi mashanu nemashanu paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Hefizi-Bha.

2 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha, zvichienderana nezvinyangadzo zvemarudzi Jehovha aakadzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri.

3 Nokuti wakavakazve nzvimbo dzakakwirira Hezekia baba vake dzaaiva aparadza; ndokumisira Bhaari dziaritari, ndokuita danda rekunamata naro, sezvakaita Ahabhi mambo waIsraeri; ndokunamata hondo yose yekumatenga, ndokuzvishumira.

4 Zvino wakavaka dziaritari muimba yaJehovha, Jehovha yaakati pamusoro payo: PaJerusarema ndichaisa zita rangu.

5 Zvino wakavakira hondo yose yekumatenga dziaritari muzvivanze zviviri zveimba yaJehovha.

6 Zvino wakapfuudza mwanakomana wake nemumoto, ndokuteverera zvekushopera, ndokuita mazango, ndokushanda nemasvikiro nevavuki; ndokuita zvakaipa zvikuru pameso aJehovha, kumutsamwisa.

7 Zvino wakamisa chifananidzo chakavezwa chedanda rekunamata naro chaaiva aita muimba Jehovha yaakati kuna Dhavhidhi nekuna Soromoni mwanakomana wake: Ndichaisa zita rangu kusvika rinhi narinhi paimba ino nepaJerusarema, randakasarudza kubva pamarudzi ose aIsraeri.

8 Handichazofambisi-fambisi tsoka yaIsraeri kubuda munyika yandakapa madzibaba avo; koga kana vachichenjerera kuita zvinoenderana nezvose zvandakavaraira, uye zvinoenderana nemurairo wose Mozisi muranda wangu waakavaraira.

9 Asi havana kuteerera; Manase ndokuvatsausa kuti vaite zvakaipa kupfuura marudzi Jehovha aakaparadza pamberi pevana vaIsraeri.

10 Zvino Jehovha wakataura neruoko rwevaranda vake vaporofita, achiti:

11 Nekuda kwekuti Manase mambo waJudha wakaita zvinyangadzo izvi, wakaita zvakaipa kupfuura zvose vaAmori zvavakaita, ivo vakamutangira, ndokutadzisawo Judha nezvifananidzo zvake:

12 Naizvozvo ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Tarirai, ndinouisa chakaipa pamusoro peJerusarema naJudha, kuti wose anozvinzwa, nzeve dzake mbiri dzichaunga.

13 Zvino ndichatandavadzira pamusoro peJerusarema rwonzi rweSamariya, uye rwonzi rwekuyera rweimba yaAhabhi. Zvino ndichapusika Jerusarema seanopusika ndiro, anoipusika akaitsindikira.

14 Zvino ndichasiya musiiwa wenhaka yangu, ndigovapa muruoko rwevavengi vavo; uye vachava chakajimbiwa nechakapambiwa kuvavengi vavo vose.

15 Nekuda kwekuti vakaita chakaipa pameso pangu, uye vanonditsamwisa, kubva pazuva iro madzibaba avo ravakabuda muEgipita kusvika zuva rino.

16 Uyewo Manase wakateura ropa rakawanda kwazvo risina mhosva, kusvika azadza Jerusarema kumucheto kusvika kumucheto; pasingaverengwi chivi chake chaakatadzisa Judha, kuita chakaipa pameso aJehovha.

17 Zvino dzimwe dzenyaya dzaManase, nezvose zvaakaita, nechivi chake chaakatadza, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

18 Zvino Manase wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa mubindu reimba yake, mubindu raUza. Amoni mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

Amoni mambo waJudha

19 Amoni waiva nemakore makumi maviri nemaviri paakava mambo, ndokutonga paJerusarema makore maviri; uye zita ramai vake raiva Meshuremeti, mukunda waHaruzi weJotibha.

20 Zvino wakaita chakaipa pameso aJehovha, sezvakaita baba vake Manase.

21 Zvino wakafamba nenzira yose baba vake yavakafamba mairi, ndokushumira zvifananidzo baba vake zvavakashumira, ndokuzvinamata.

22 Ndokusiya Jehovha Mwari wemadzibaba ake, uye haana kufamba nenzira yaJehovha.

23 Zvino varanda vaAmoni vakamurongera, ndokuuraya mambo muimba yake.

24 Asi vanhu venyika iyo vakarova vose vakarongera mambo Amoni; vanhu venyika iyo ndokutongesa mwanakomana wake Josiya pachinzvimbo chake.

25 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAmoni dzaakaita, hadzina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

26 Zvino akamuviga muguva rake mubindu raUza. Josiya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.