ShonaTeam 2 Kings « 20 »

Kurwara kwaHezekia nekupora kwake

20Mumazuva iwawo Hezekia wakarwarira kufa. Muporofita Isaya mwanakomana waAmozi ndokusvika kwaari, ndokuti kwaari: Anoreva seizvi Jehovha: Raira imba yako, nokuti uchafa, uye haungararami.

2 Zvino wakatendeusira chiso chake kumadziro, ndokunyengetera kuna Jehovha, achiti:

3 Ndinokukumbirisai, Jehovha, dorangarirai kuti ndakafamba pamberi penyu muchokwadi uye nemoyo wakaperera, uye ndakaita zvakanaka pameso penyu. Hezekia ndokuchema nekuchema kukuru.

4 Zvino zvakaitika Isaya asati abuda pachivanze chepakati, shoko raJehovha ndokuuya kwaari richiti:

5 Dzoka, ugoti kuna Hezekia, mutungamiriri wevanhu vangu: Anoreva seizvi Jehovha, Mwari waDhavhidhi baba vako: Ndanzwa munyengetero wako, ndaona misodzi yako; tarira, ndichakuporesa; nezuva rechitatu uchakwira kuimba yaJehovha.

6 Zvino ndichawedzera pamazuva ako makore gumi nemashanu; uye ndichakusunungura iwe neguta rino kubva muruoko rwamambo weAsiriya, uye ndichadzivirira guta rino nekuda kwangu uye nekuda kwemuranda wangu Dhavhidhi.

7 Zvino Isaya wakati: Torai sumbu remaonde. Ivo ndokutora ndokuisa pamusoro pemota, iye ndokupora.

8 Zvino Hezekia wakati kuna Isaya: Chiratidzo chichava chii kuti Jehovha achandiporesa, uye kuti ndichakwira kuimba yaJehovha zuva rechitatu?

9 Isaya ndokuti: Ichi chiratidzo kwauri chinobva kuna Jehovha, kuti Jehovha achaita chinhu chaataura: Mumvuri uchapfuurira mberi nhanho gumi, kana uchadzokera shure nhanho gumi here?

10 Hezekia ndokuti: Zvakareruka kuti mumvuri uredzve nhanho gumi; kwete, asi mumvuri ngaudzokere shure nhanho gumi.

11 Zvino Isaya muporofita wakachema kuna Jehovha; iye ndokudzosera mumvuri shure panhanho dzawaiva waburuka nadzo pachiringazuva chenhanho chaAhazi, nhanho gumi.

12 Panguva iyo Bherodhaki-Bharadhani mwanakomana waBharadhani mambo weBhabhironi wakatuma dzitsamba nechipo kuna Hezekia; nokuti waiva anzwa kuti Hezekia wairwara.

13 Zvino Hezekia wakavateerera, ndokuvaratidza imba yake yose yezvinokosha, sirivha, negoridhe, nezvinonhuhwira, nemafuta anokosha, neimba yezvombo zvake, nezvose zvakawanikwa pafuma yake; kwaiva kusina chinhu muimba yake kana muushe hwake hwose Hezekia zvaasina kuvaratidza.

14 Zvino kwakauya Isaya muporofita kuna mambo Hezekia, ndokuti kwaari: Varume ava vati kudii? Uye vasvika kwauri vachibvepi? Hezekia ndokuti: Vabva kunyika iri kure, vachibva kuBhabhironi.

15 Iye ndokuti: Vaonei muimba yako? Hezekia ndokuti: Vaona zvose zviri muimba yangu; hapana chinhu chandisina kuvaratidza pakati pezvakakosha zvangu.

16 Isaya ndokuti kuna Hezekia: Inzwa shoko raJehovha.

17 Tarira, mazuva achauya, apo zvose zviri muimba yako uye izvo madzibaba ako zvaakakuchengetera kusvika zuva rino zvichatakurirwa kuBhabhironi; hakuna chichasiiwa, anoreva Jehovha.

18 Zvino vachatora pavanakomana vako, vachabuda mauri, vauchabereka, kuti vachava vatenwa mumuzinda wamambo weBhabhironi.

19 Hezekia ndokuti kuna Isaya: Rakanaka shoko raJehovha ramataura. Akatiwo: Handizvo here, kana kuchava nerugare nechokwadi pamazuva angu?

20 Zvino dzimwe dzenyaya dzaHezekia, nesimba rake rose, uye kuti wakaita dziva nemugero, ndokupinza mvura muguta, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

21 Hezekia ndokurara nemadzibaba ake; Manase mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.