ShonaTeam 2 Kings « 18 »

Hezekia mambo waJudha

18Zvino zvakaitika mugore rechitatu raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsraeri, Hezekia mwanakomana waAhazi mambo waJudha wakava mambo.

2 Waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; uye akatonga makore makumi maviri nemapfumbamwe paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Abi mukunda waZekariya.

3 Zvino wakaita zvakarurama pameso paJehovha, zvichienderana nezvose Dhavhidhi baba vake zvavakaita.

4 Iye wakabvisa nzvimbo dzakakwirira, ndokuputsa shongwe dziri zvifananidzo, ndokutema matanda ekunamata nawo; ndokupwanya nyoka yendarira Mozisi yaaiva aita; nokuti kusvika pamazuva awa vana vaIsraeri vaiipisira zvipfungaidzo zvinonhuhwira; akaitumidza Nehushitani.

5 Wakavimba muna Jehovha Mwari waIsraeri zvekuti hakuna shure kwake wakaita saiye pakati pemadzimambo ose aJudha, kana kune vakamutangira.

6 Nokuti wakanamatira kuna Jehovha; akasabva pakumutevera; wakachengeta mirairo yake, Jehovha yaakaraira Mozisi.

7 Zvino Jehovha wakava naye; kupi nekupi kwaakabudira, wakabudirira. Zvino wakamukira mambo weAsiriya, ndokusamushumira.

8 Iye wakarova vaFirisitia kusvika paGaza nemiganhu yaro, kubva pashongwe yevarindi kusvika paguta rakashoshewa.

9 Zvino zvakaitika mugore rechina ramambo Hezekia, riri gore rechinomwe raHoshea mwanakomana waEra mambo waIsraeri, kuti Sharimaneseri mambo weAsiriya wakakwira kurwisa Samariya, ndokurikomba.

10 Zvino vakaritapa pakupera kwemakore matatu; mugore retanhatu raHezekia, rinova gore repfumbamwe raHoshea mambo waIsraeri, Samariya rakatapwa.

11 Zvino mambo weAsiriya wakatapira Israeri kuAsiriya, ndokuvaisa paHara nepaHabhori, rwizi rweGozani, nemumaguta evaMedhi.

12 Nokuti havana kuteerera inzwi raJehovha Mwari wavo, asi vakadarika sungano yake, zvose Mozisi muranda waJehovha zvaakaraira, havana kuteerera, havana kuita.

13 Zvino mugore regumi nemana ramambo Hezekia, Seni-Akeribhi mambo weAsiriya wakakwira kurwisa maguta ose akashoshewa aJudha, ndokuatapa.

14 Zvino Hezekia mambo weJudha wakatuma kuna mambo weAsiriya paRakishi, achiti: Ndatadza, dzokera ubve kwandiri; zvaunoisa pamusoro pangu ndichazvitakura. Zvino mambo weAsiriya wakaisa pamusoro paHezekia mambo weJudha matarenda mazana matatu esirivha nematarenda makumi matatu egoridhe.

15 Zvino Hezekia wakapa sirivha yose yakawanikwa mumba maJehovha, nepafuma yeimba yamambo.

16 Panguva iyo Hezekia wakagura goridhe pamikova yetembere yaJehovha, nepambiru Hezekia mambo waJudha dzaaiva afukidza, ndokuripa kuna mambo weAsiriya.

17 Zvino mambo weAsiriya wakatuma Taritani naRabhi-Sarisi naRabhi-Shake kubva kuRakishi kuenda kuna mambo Hezekia nehondo inorema paJerusarema. Zvino vakakwira ndokusvika paJerusarema. Vakati vakwira, vakasvika ndokumira pamugero wedziva rekumusoro, riri panzira huru yemunda wemusuki.

18 Vakati vadana mambo, kwakabudira kwavari Eriakimu mwanakomana waHirikiya, waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo.

19 Zvino Rabhi-Shake wakati kwavari: Taurai ikozvino kuna Hezekia: Ndizvo zvinoreva mambo mukuru, mambo weAsiriya: Chivimboi ichi chaunovimba nacho?

20 Iwe unoti, asi ishoko remiromo: Kune zano nesimba rehondo. Ikozvino unovimba nani kuti undimukire?

21 Zvino tarira, iwe unovimba nemudonzvo werutsanga rwakapwanyika urwu, paEgipita, kana munhu akasendama parwuri, rwuchapinda muruoko rwake, ndokurwubaya; wakadaro Farao mambo weEgipita kune vose vanovimba naye.

22 Asi kana ukati kwandiri: Tinovimba naJehovha Mwari wedu; haasi iye ane nzvimbo dzakakwirira nedziaritari dzake Hezekia zvaakabvisa, ndokuti kuna Judha nekuna Jerusarema: Pamberi pearitari iyi muchanamata paJerusarema?

23 Naizvozvo zvino, ipa hako chibatiso kuna tenzi wangu mambo weAsiriya, zvino ndichakupa mabhiza zvuru zviviri, kana iwe uchigona kupa vatasvi pamusoro pawo.

24 Zvino uchadzosera sei chiso chemutungamiriri umwe wevadiki vevaranda vatenzi vangu? Asi iwe ugovimba naEgipita pangoro nepavatasvi vemabhiza.

25 Ikozvino ndingakwira here ndisina Jehovha kurwisana nenzvimbo iyi ndiiparadze? Jehovha wakati kwandiri: Kwira urwise nyika iyi, uiparadze.

26 Zvino Eriakimu mwanakomana waHirikiya, naShebhina, naJoa vakati kuna Rabhi-Shake: Taurai henyu kuvaranda venyu chiAramiya, nokuti tinochinzwa; uye musataura nesu chiJudha munzeve dzevanhu vari parusvingo.

27 Asi Rabhi-Shake wakati kwavari: Tenzi wangu wakandituma kuna tenzi wako nekwauri here, kutaura mashoko awa? Hakusi kuvanhu vagere pamusoro perusvingo kuti vadye ndove yavo, nekunwa weti yavo pamwe nemwi here?

28 Zvino Rabhi-Shake wakamira, ndokudanidzira nenzwi guru nechiJudha, ndokutaura achiti: Inzwai shoko ramambo mukuru, mambo weAsiriya.

29 Ndizvo zvinoreva mambo: Hezekia ngaarege kukunyengerai; nokuti haagoni kukusunungurai kubva muruoko rwake.

30 Uye Hezekia ngaarege kukuvimbisai naJehovha, achiti: Jehovha achatisunungura zvekusunungura, uye guta iri haringapiwi muruoko rwamambo weAsiriya.

31 Musateerera kuna Hezekia; nokuti ndizvo zvinoreva mambo weAsiriya: Tsvakai nyasha kwandiri nechipo, mugobudira kwandiri, mugodya umwe neumwe muzambiringa wake, uye umwe neumwe muonde wake, nekunwa umwe neumwe mvura yetsime rake;

32 kusvika ndasvika ndakubvisirai kunyika yakafanana nenyika yekwenyu, nyika yezviyo newaini itsva, nyika yechingwa neminda yemizambiringa, nyika yemafuta emiorivhi neyeuchi, kuti murarame, uye murege kufa; zvino regai kuteerera Hezekia, nokuti anokugombedzerai achiti: Jehovha achatisunungura.

33 Vamwari vendudzi vakambosunungura umwe neumwe nyika yake muruoko rwamambo weAsiriya here?

34 Varipi vamwari veHamati neveAripadhi? Varipi vamwari veSefarivhaimi, Hena, neIvha? Zvirokwazvo vakasunungura Samariya paruoko rwangu here?

35 Ndivana ani pakati pavamwari vose vedzinyika vakasunungura nyika yavo paruoko rwangu, kuti Jehovha achasunungura Jerusarema paruoko rwangu?

36 Asi vanhu vakanyarara, uye havana kumupindura shoko; nokuti murairo wamambo waiti: Musamupindura.

37 Zvino kwakauya Eriakimu mwanakomana waHirikiya, waiva pamusoro peimba, naShebhina munyori, naJoa mwanakomana waAsafi munyori wenhoroondo, kuna Hezekia, vane nguvo dzakabvarurwa, ndokumuudza mashoko aRabhi-Shake.