ShonaTeam 2 Kings « 17 »

Mambo weAsiriya anokunda Samariya uye anotapa vaIsraeri

17Mugore regumi nemaviri raAhazi mambo waJudha, Hoshea mwanakomana waEra wakava mambo muSamariya pamusoro paIsraeri, makore mapfumbamwe.

2 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha; koga kwete semadzimambo aIsraeri akavapo mberi kwake.

3 Sharimaneseri mambo weAsiriya wakakwira kurwisana naye; Hoshea ndokuva muranda wake, iye ndokuripa mutero kwaari.

4 Asi mambo weAsiriya wakawana kurongera muna Hoshea, nokuti waituma nhume kuna So mambo weEgipita, ndokusakwidza mutero kuna mambo weAsiriya sezvaaita gore rimwe nerimwe. Naizvozvo mambo weAsiriya wakamupfigira ndokumusunga mutirongo.

5 Zvino mambo weAsiriya wakakwira munyika yose, ndokukwira kuSamariya, ndokurikomba makore matatu.

6 Mugore repfumbamwe raHoshea, mambo weAsiriya wakatapa Samariya, ndokutapa Israeri kuenda kuAsiriya, ndokuvagarisa muHara, nemuHabhori, rwizi rweGozani, nemaguta evaMedhi.

7 Zvino izvi zvakaitika nokuti vana vaIsraeri vakatadzira Jehovha Mwari wavo, iye wakavakwidza kubva panyika yeEgipita akavabvisa pasi peruoko rwaFarao mambo weEgipita, uye vaitya vamwe vamwari,

8 ndokufamba muzvimiso zvendudzi Jehovha dzaaiva adzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri, nezvemadzimambo aIsraeri zvavakaita.

9 Vana vaIsraeri ndokuita pachivande zvinhu zvisina kururama kupesana naJehovha Mwari wavo, ndokuzvivakira nzvimbo dzakakwirira mumaguta avo ose, kubva pakakwirira pevarindi kusvika paguta rakashoshewa.

10 Zvino vakazvimisira shongwe dziri zvifananidzo nematanda ekunamata nawo pamusoro pechikomo chakakwirira chimwe nechimwe uye pasi pemuti munyoro upi neupi.

11 Zvino ipapo vakapisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzose dzakakwirira, sezvaiita ndudzi Jehovha dzaakatungamirira kuutapwa kubva pamberi pavo; uye vakaita zvinhu zvakaipa kutsamwisa Jehovha.

12 Nokuti vakashumira zvifananidzo, Jehovha zvaakati pamusoro pazvo: Hamungaiti chinhu ichi.

13 Zvakadaro Jehovha wakapupurira Israeri naJudha neruoko rwemuporofita upi neupi, muoni upi neupi, achiti: Tendeukai panzira dzenyu dzakaipa, muchengete mirairo yangu, zvimiso zvangu, zvichienderana nemurairo wose wandakaraira madzibaba enyu, newandakatumira kwamuri neruoko rwevaranda vangu vaporofita.

14 Kunyange zvakadaro havana kuteerera, asi vakaomesa mutsipa wavo, semutsipa wemadzibaba avo, vasina kutenda kuna Jehovha Mwari wavo.

15 Zvino vakaramba zvimiso zvake nesungano yake yaakaita nemadzibaba avo, nezvipupuriro zvake zvaakavapupurira, ndokutevera chisina maturo, ndokuva vasina maturo, ndokutevera ndudzi dzakavapoteredza, Jehovha dzaakaraira nezvadzo kuti vasaita saidzo.

16 Zvino vakasiya mirairo yose yaJehovha Mwari wavo, ndokuzviitira zvifananidzo zvakaumbwa nekunyungudusa, mhuru mbiri; ndokuita matanda ekunamata nawo, ndokufugamira hondo yose yekumatenga, ndokushumira Bhaari.

17 Zvino vakapfuudza vanakomana vavo nevakunda vavo nemumoto, ndokushandisa kuuka nekuita uroyi, uye vakazvitengesa kuita chakaipa pameso paJehovha, kumutsamwisa.

18 Naizvozvo Jehovha wakatsamwira Israeri zvikuru, ndokuvabvisa kubva pachiso chake; hakuna kusara umwe kunze kwerudzi rwekwaJudha chete.

19 NaJudha haana kuchengeta mirairo yaJehovha Mwari wavo; asi vakafamba muzvimiso zvaIsraeri zvavakaita.

20 Jehovha ndokuramba mbeu yose yaIsraeri, ndokuvatambudza, akavapa muruoko rwevaparadzi, kusvika avarasa kubva pachiso chake.

21 Nokuti wakabvarura Israeri kubva paimba yaDhavhidhi; ivo ndokuisa Jerobhoamu mwanakomana waNebhati kuti ave mambo. Jerobhoamu ndokukweva ndokutsausa Israeri pakutevera Jehovha, ndokuvaita vatadze chivi chikuru.

22 Nokuti vana vaIsraeri vakafamba muzvivi zvose zvaJerobhoamu zvaakaita; havana kutsauka kubva pazviri,

23 kusvika Jehovha abvisa Israeri kubva pachiso chake, sezvaakataura neruoko rwevaranda vake vose vaporofita. Naizvozvo Israeri vakatapwa akabviswa panyika yake akaiswa kuAsiriya kusvika zuva rino.

Nyika yevaIsraeri inogarwa nevahedheni

24 Zvino mambo weAsiriya wakauya nevanhu vaibva kuBhabhironi nekuKuta nekuAva nekuHamati neSefarivhaimi, ndokuvagarisa mumaguta eSamariya pachinzvimbo chevana vaIsraeri; ivo ndokugara nhaka yeSamariya, ndokugara mumaguta aro.

25 Zvino zvakaitika pakutanga kwavo kugaramo kuti havana kutya Jehovha; naizvozvo Jehovha wakatuma shumba pakati pavo, dzikauraya vamwe vavo.

26 Naizvozvo vakataura kuna mambo weAsiriya, vachiti: Marudzi amakabvisa ndokugarisa mumaguta eSamariya haazivi tsika dzaMwari wenyika iyo; naizvozvo wakatuma shumba pakati pawo, zvino tarirai, dzinoauraya, nokuti haazivi tsika dzaMwari wenyika iyo.

27 Zvino mambo weAsiriya wakaraira, achiti: Endesaiko umwe wevapristi vamakatapa kubvako, zvino vaende ndokunogarako, uye ngaavadzidzise tsika dzaMwari wenyika iyo.

28 Naizvozvo umwe wevapristi vavaiva vatapa kubva paSamariya wakauya ndokugara paBheteri, ndokuvadzidzisa kuti vangatya sei Jehovha.

29 Kunyange zvakadaro rudzi rumwe nerumwe rwakaita vamwari varwo, ndokuvaisa mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira vaSamariya dzavaiva vaita, rudzi rumwe nerumwe pamaguta arwo arwunogarapo.

30 Zvino vanhu veBhabhironi vakagadzira Sukoti-Bhenoti; vanhu veKuti ndokugadzira Nerigari; vanhu veHamati ndokugadzira Ashima;

31 zvino VaAvhi vakagadzira Nibhazi neTaritaki; VaSefarivhaimi ndokupisa vana vavo mumoto kuitira Adhiramereki naAnamereki, vamwari veSefarivhaimi.

32 Zvino vakatya Jehovha, ndokuzviitira vapristi venzvimbo dzakakwirira kubva kuvanhu vepasi-pasi vavo, vaivashandira mudzimba dzenzvimbo dzakakwirira.

33 Vakatya Jehovha, ndokushumira vamwari vavo, setsika yendudzi dzaiva dzavatapa vachibvapo.

34 Kusvika zuva rino vanoita zvinoenderana netsika dzekutanga: Havatyi Jehovha, uye havaiti zvinoenderana nezvimiso zvavo kana zvinoenderana nezviga zvavo kana zvinoenderana nemutemo kana zvinoenderana nemurairo Jehovha waakaraira vana vaJakove, iye waakatumidza kuti Israeri,

35 Jehovha waakaita navo sungano, ndokuvaraira, achiti: Hamungatyi vamwe vamwari, uye hamungavafugamiri, uye hamungavashumiri, uye hamungavabairi.

36 Asi Jehovha, wakakukwidzai kubva munyika yeEgipita nesimba guru, uye nechanza chakatandavadzwa, iye muchamutya, uye mukotamire kwaari, uye mubaire kwaari.

37 Zvino zvimiso, nezviga, nemutemo, nemurairo, zvaakakunyorerai, muchachenjerera kuzviita mazuva ese; uye musatya vamwe vamwari.

38 Uye sungano yandakaita nemwi musakanganwa; uye musatya vamwe vamwari.

39 Asi muchatya Jehovha Mwari wenyu. Zvino iye achakusunungurai muruoko rwevavengi venyu vose.

40 Zvakadaro havana kuteerera, asi vakaita zvinoenderana netsika yavo yepakutanga.

41 Zvino ndudzi idzi dzakatya Jehovha, uye dzikashumira zvifananidzo zvadzo zvakavezwa; vose vana vavo nevana vevana vavo; madzibaba avo sezvaakaita vanoita izvozvo kusvika nhasi.