ShonaTeam 2 Kings « 16 »

Ahazi mambo waJudha

16Mugore regumi nemanomwe raPeka mwanakomana waRemariya, Ahazi mwanakomana waJotamu mambo waJudha wakava mambo.

2 Ahazi waiva nemakore makumi maviri paakava mambo; ndokutonga paJerusarema makore gumi nematanhatu. Zvino haana kuita zvakarurama pameso aJehovha Mwari wake, saDhavhidhi baba vake.

3 Asi wakafamba nenzira yemadzimambo aIsraeri, hongu, uye wakaita kuti mwanakomana wake apfuure nemumoto, zvichienderana nezvinyangadzo zvevahedheni, Jehovha vaakadzinga pamberi pevana vaIsraeri.

4 Zvino wakabaira nekupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira nepazvikomo uye pasi pemiti yose minyoro.

5 Ipapo Rezini mambo weSiriya, naPeka mwanakomana waRemariya mambo waIsraeri, vakakwira kuJerusarema kuhondo; vakakomba Ahazi, asi havana kugona kumukunda.

6 Panguva iyo Rezini mambo weSiriya wakadzosera Erati kuna Siriya, ndokubvisa vaJudha paErati; VaSiriya ndokuuya paErati, ndokugarapo kusvika nhasi.

7 Zvino Ahazi wakatuma nhume kuna Tigirati-Pireseri mambo weAsiriya, achiti: Ndiri muranda wenyu uye mwanakomana wenyu; kwirai mundiponese kubva muruoko rwamambo weSiriya, nekubva muruoko rwamambo waIsraeri, vanondimukira.

8 Zvino Ahazi wakatora sirivha negoridhe zvakawanikwa muimba yaJehovha uye mufuma yeimba yamambo, ndokutumira kuna mambo weAsiriya, chive chipo.

9 Zvino mambo weAsiriya wakamuteerera, nokuti mambo weAsiriya wakakwira kunorwisa Dhamasiko, ndokuritapa, ndokutapira vanhu varo kuKiri, ndokuuraya Rezini.

10 Zvino mambo Ahazi wakaenda kuDhamasiko kunosangana naTigirati-Pireseri mambo weAsiriya; ndokuona aritari yaiva iri paDhamasiko. Mambo Ahazi ndokutuma kuna Uriya mupristi mufananidzo wearitari nechimiro chayo, nemaitirwo ayo ose.

11 Zvino Uriya mupristi wakavaka aritari zvichienderana nezvose mambo Ahazi zvaakatuma kubva kuDhamasiko, mupristi Uriya wakaiita saizvozvo kusvika mambo Ahazi asvika kubva kuDhamasiko.

12 Mambo wakati adzoka Dhamasiko, mambo wakaona aritari; mambo ndokuswedera paaritari, ndokubaira pamusoro payo.

13 Zvino wakapisa chipo chake chinopiswa nechipo chake chechidyiwa, ndokudira chipo chake chechinwiwa, ndokusasa ropa rechipo chekuyananisa chaaiva nacho pamusoro pearitari.

14 Asi wakaunzawo aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha kubva pamberi peimba, kubva pakati pearitari neimba yaJehovha, ndokuiisa parutivi rwekumaodzanyemba rwearitari.

15 Zvino mambo Ahazi wakaraira Uriya mupristi, achiti: Pamusoro pearitari huru pisa chipo chinopiswa chemangwanani, nechipo chechidyiwa chemadekwani, nechipo chinopiswa chamambo, nechipo chake chechidyiwa, nechipo chinopiswa chevanhu vose venyika, nechipo chavo chechidyiwa, nezvipo zvavo zvechinwiwa; usase pamusoro payo ropa rose rechipo chinopiswa, neropa rose rechibairo; asi aritari yendarira ichava yangu yekubvunzira.

16 Mupristi Uriya ndokuita zvichienderana nezvose mambo Ahazi zvaakaraira.

17 Mambo Ahazi ndokugura mipendero yezvigadziko, ndokubvisa dhishi rekugezera pamusoro pazvo, nekuburusa gungwa pamusoro penzombe dzendarira dzaiva pasi paro, ndokuriisa pakarongerwa nemabwe.

18 Nepakafukidzwa pesabata pavaiva vakavaka muimba nesuwo ramambo kunze wakazvibvisa kubva muimba yaJehovha, nekuda kwamambo weAsiriya.

19 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAhazi dzaakaita, hadzina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

20 Zvino Ahazi wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Hezekia mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.