ShonaTeam 2 Kings « 15 »

Azariya mambo waJudha

15Mugore remakumi maviri nemanomwe raJerobhoamu mambo waIsraeri, Azariya mwanakomana waAmaziya mambo waJudha wakava mambo.

2 Waiva nemakore gumi nematanhatu paakava mambo, akatonga makore makumi mashanu nemaviri paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Jekoria weJerusarema.

3 Zvino wakaita zvakarurama pameso aJehovha, zvinoenderana nezvose baba vake Amaziya zvavakaita.

4 Koga nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa; vanhu vaingopa zvibairo vachipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.

5 Zvino Jehovha wakarova mambo zvekuti wakava wemaperembudzi kusvika pazuva rekufa kwake, ndokugara muimba yakaparadzaniswa. Jotamu mwanakomana wamambo ndokuva mubati weimba, achitonga vanhu venyika.

6 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAzariya, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

7 Zvino Azariya wakarara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga pamwe nemadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Jotamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

Kutonga kwaZekariya

8 Mugore remakumi matatu nemasere raAzariya mambo waJudha, Zekariya mwanakomana waJerobhoamu wakatonga pamusoro paIsraeri paSamariya mwedzi mitanhatu.

9 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha, sezvakaita madzibaba ake; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Israeri.

10 Zvino Sharumi mwanakomana waJabheshi wakamurongera ndokumurova pamberi pevanhu, ndokumuuraya, ndokutonga pachinzvimbo chake.

11 Zvino dzimwe dzenyaya dzaZekariya, tarirai dzakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.

12 Iri ishoko raJehovha raakataura kuna Jehu, achiti: Vanakomana vako vachagara pachigaro cheushe hwaIsraeri kusvika parudzi rwechina. Zvakava saizvozvo.

13 Sharumi mwanakomana waJabheshi wakava mambo mugore remakumi matatu nemapfumbamwe raUziya mambo waJudha; ndokutonga mwedzi uzere paSamariya.

14 Zvino Menahemi mwanakomana waGadhi wakakwira kubva Tiriza, ndokuuya paSamariya, ndokurova Sharumi mwanakomana waJabheshi paSamariya, ndokumuuraya, ndokutonga pachinzvimbo chake.

15 Zvino dzimwe dzenyaya dzaSharumi, nekurongera kwake kwaakaita, tarirai dzakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.

16 Panguva iyoyo Menahemi wakarova Tifisa, nevose vaiva mariri, nemiganhu yaro kubva paTiriza; nokuti havana kumuzarurira; naizvozvo wakarova akatumbura vakadzi varo vose vaiva nemimba.

17 Mugore remakumi matatu nemapfumbamwe raAzariya mambo waJudha, Menahemi mwanakomana waGadhi wakava mambo pamusoro paIsraeri, akatonga makore gumi paSamariya.

18 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha; haana kutsauka mazuva ake ose pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakaita kuti Israeri atadze.

19 Puri mambo weAsiriya wakauya kurwisa nyika; Menahemi ndokupa kuna Puri matarenda churu esirivha, kuti ruoko rwake rwuve naye kusimbisa umambo muruoko rwake.

20 Menahemi ndokuripisa Israeri mari, vanhu vose vesimba paufumi, kupa mambo weAsiriya, pamunhu umwe neumwe mashekeri makumi mashanu esirivha. Mambo weAsiriya ndokudzokera, akasagarapo panyika.

21 Zvino dzimwe dzenyaya dzaMenahemi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

22 Zvino Menahemi wakarara nemadzibaba ake. Pekahia mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

23 Mugore remakumi mashanu raAzariya mambo waJudha, Pekahia mwanakomana waMenahemi wakava mambo pamusoro paIsraeri paSamariya, makore maviri.

24 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Israeri.

25 Asi Peka mwanakomana waRemariya mukuru wake wakamurongera ndokumurova paSamariya, munhare yeimba yamambo, pamwe naArigobhi naAriye, nevanhu makumi mashanu vevanakomana vevaGiriyadhi vaaiva navo; ndokumuuraya, ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

26 Zvino dzimwe dzenyaya dzaPekahia, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.

27 Mugore remakumi mashanu nemaviri raAzariya mambo waJudha, Peka mwanakomana waRemariya wakava mambo pamusoro paIsraeri paSamariya, makore makumi maviri.

28 Zvino wakaita chakaipa pameso paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Israeri.

29 Mumazuva aPeka mambo waIsraeri kwakauya Tigirati-Pireseri mambo weAsiriya, ndokutora Ijoni, neAbheri-Bheti-Maaka, neJanowa, neKadheshi, neHazori, neGiriyadhi, neGarirea, nyika yose yaNafutari; ndokuvatapa kuenda kuAsiriya.

30 Zvino Hoshea mwanakomana waEra wakarongera rangano Peka mwanakomana waRemariya, ndokumurova, ndokumuuraya, ndokuva mambo pachinzvimbo chake mugore remakumi maviri raJotamu mwanakomana waUziya.

31 Zvino dzimwe dzenyaya dzaPeka, nezvose zvaakaita, tarirai zvakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.

Jotamu mambo waJudha

32 Mugore rechipiri raPeka mwanakomana waRemariya mambo waIsraeri, Jotamu mwanakomana waUziya mambo waJudha wakava mambo.

33 Waiva nemakore makumi maviri nemashanu paakava mambo; ndokutonga paJerusarema makore gumi nematanhatu; uye zita ramai vake raiva Jerusha mukunda waZadhoki.

34 Zvino wakaita zvakarurama pameso aJehovha, zvichienderana nezvose baba vake Uziya zvavakaita.

35 Koga nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa. Vanhu vaingobaira zvibairo vachipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira. Iye wakavaka suwo rekumusoro reimba yaJehovha.

36 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJotamu, zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

37 Mumazuva iwawo Jehovha wakatanga kutumira kuna Judha Rezini mambo weSiriya naPeka mwanakomana waRemariya.

38 Zvino Jotamu wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa kumadzibaba ake muguta rababa vake Dhavhidhi; Ahazi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.