ShonaTeam 2 Kings « 13 »

Jehoahazi naJoashi madzimambo aIsraeri

13Mugore remakumi maviri nematatu raJoashi mwanakomana waAhaziya mambo waJudha, Jehoahazi mwanakomana waJehu wakava mambo pamusoro paIsraeri muSamariya, makore gumi nemanomwe.

2 Zvino wakaita zvakaipa pameso paJehovha, ndokutevera zvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri atadze; haana kutsauka kwazviri.

3 Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutira Israeri, ndokuvapa muruoko rwaHazaeri mambo weSiriya, nemuruoko rwaBheni-Hadhadhi mwanakomana waHazaeri, mazuva ose.

4 Zvino Jehoahazi wakanyengeterera chiso chaJehovha; Jehovha ndokumunzwa; nokuti waiva aona kudzvinyirirwa kwaIsraeri nokuti mambo weSiriya waivadzvinyirira.

5 Zvino Jehovha wakapa kuna Israeri muponesi, kuti vabude pasi peruoko rwevaSiriya. Vana vaIsraeri ndokugara mumatende avo sazuro namarimwezuro.

6 Kunyange zvakadaro havana kutsauka kubva pazvivi zveimba yaJerobhoamu zvaakaita kuti Israeri atadze; vakafamba mazviri; nedandawo rekunamata naro raingova paSamariya.

7 Nokuti haana kusiira Jehoahazi vamwe vevanhu, kunze kwevatasvi vemabhiza makumi mashanu, nengoro gumi, nevanofamba netsoka zvuru gumi; nokuti mambo weSiriya waiva avaparadza, ndokuvaita seguruva nekupura.

8 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoahazi, nezvose zvaakaita, nesimba rake, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

9 Zvino Jehoahazi wakarara nemadzibaba ake, ivo ndokumuviga muSamariya; Joashi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

10 Mugore remakumi matatu nemanomwe raJoashi mambo waJudha, Jehoashi mwanakomana waJehoahazi wakava mambo pamusoro paIsraeri muSamariya, makore gumi nematanhatu.

11 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri atadze; akafamba mazviri.

12 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJoashi, nezvose zvaakaita, nesimba rake raakarwa naro naAmaziya mambo waJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

13 Zvino Joashi wakarara nemadzibaba ake. Jerobhoamu ndokugara pachigaro chake cheushe. Joashi ndokuvigwa muSamariya pamwe nemadzimambo aIsraeri.

Kufa kwaErisha

14 Zvino Erisha wakarwara denda raakafa naro; Joashi mambo waIsraeri ndokuburukira kwaari ndokuchema misodzi pamusoro pechiso chake, ndokuti: Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsraeri nevatasvi vemabhiza vayo!

15 Erisha ndokuti kwaari: Tora uta nemiseve. Iye ndokuzvitorera uta nemiseve.

16 Zvino wakati kuna mambo waIsraeri: Isa ruoko rwako pauta. Iye ndokuisa ruoko rwake. Erisha ndokuisa maoko ake pamusoro pemaoko amambo.

17 Zvino wakati: Zarura hwindo nechekumabvazuva. Iye ndokuzarura. Erisha ndokuti: Fura! Iye ndokufura. Erisha ndokuti: Museve werusununguko rwaJehovha, nemuseve werusununguko kubva kuna Siriya; nokuti iwe ucharova VaSiriya paAfeki, kusvika wavapedza.

18 Zvino wakati: Tora miseve. Iye ndokutora. Iye ndokuti kuna mambo waIsraeri: Rova pasi! Iye ndokurova katatu, ndokumira.

19 Zvino munhu waMwari wakatsamwiswa naye, ndokuti: Dai wakarova kashanu kana katanhatu; ipapo waizorova Siriya kusvika waipedza; zvino ikozvino ucharova Siriya katatu.

20 Zvino Erisha wakafa, ivo ndokumuviga. Zvino hondo dzakarongwa dzaMoabhu dzakapinda munyika pakupinda kwegore.

21 Zvino zvakaitika pavaiviga munhu, zvino tarira, vakaona hondo yakarongwa, ndokukanda munhu muguva raErisha; zvino munhu paakanogunzva mapfupa aErisha, wakararama, ndokusimuka nemakumbo ake.

22 Zvino Hazaeri mambo weSiriya wakatambudza Israeri mazuva ose aJehoahazi.

23 Asi Jehovha wakavaitira nyasha, ndokuvanzwira tsitsi, ndokutendeukira kwavari, nekuda kwesungano yake naAbhurahama, Isaka, naJakove, uye haana kuda kuvaparadza, uye haana kuvarasa pachiso chake kusvika ikozvino.

24 Zvino Hazaeri mambo weSiriya wakafa; Bheni-Hadhadhi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

25 Zvino Jehoashi mwanakomana waJehoahazi akatorerazve kubva muruoko rwaBheni-Hadhadhi mwanakomana waHazaeri maguta aaiva atora muruoko rwaJehoahazi baba vake nehondo. Joashi ndokumurova katatu, ndokudzosera maguta aIsraeri.