ShonaTeam 2 Kings « 12 »

Jehoashi anogadzira tembere

12Mugore rechinomwe raJehu Jehoashi wakava mambo, ndokutonga makore makumi mana paJerusarema; uye zita ramai vake raiva Zibhia weBheeri-Shebha.

2 Jehoashi ndokuita zvakarurama pameso aJehovha mazuva ake ose mupristi Jehoyadha aakamudzidzisa nawo.

3 Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kusuduruswa; vanhu vaingopa zvibairo vachipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.

4 Zvino Jehoashi wakati kuvapristi: Mari yose yezvinhu zvakaitwa zvitsvene inouiswa muimba yaJehovha, mari yeumwe neumwe anopfuura kune vakaverengwa, mari yeumwe neumwe yaanoyera, mari yose, zvinobva pamoyo yeupi neupi munhu kuiuisa kuimba yaJehovha,

5 vapristi ngavaitore kwavari, umwe neumwe kumuzikanwi wake; zvino ivo vanogadzirisa maburi eimba pose panowanikwa buri.

6 Zvino zvakaitika mugore remakumi maviri nematatu ramambo Jehoashi, vapristi vaiva vasati vagadzirisa maburi eimba.

7 Zvino mambo Jehoashi wakadana Jehoyadha mupristi nevapristi, ndokuti kwavari: Munoregerei kugadzira maburi eimba? Naizvozvo musatora mari kuvazikanwi venyu, asi muipe kumaburi eimba.

8 Zvino vapristi vakatenda kusatora mari kuvanhu, kana kugadzira maburi eimba.

9 Asi Jehoyadha mupristi wakatora bhokisi rimwe, ndokuboora buri pachifunhiro charo, ndokurigadzika parutivi rwearitari, kurudyi kana munhu achipinda paimba yaJehovha. Zvino vapristi vanorinda sasa vakaisa mariri mari yose yakauiswa kuimba yaJehovha.

10 Zvino zvakaitika pakuona kwavo kuti mari yawanda mubhokisi, kuti kwakakwira munyori wamambo nemupristi mukuru ndokuuya ndokuisunga ndokuverenga mari yakawanikwa muimba yaJehovha.

11 Zvino vakapa mari yakayerwa mumaoko evaiti vebasa, vaongorori veimba yaJehovha; ndokuibudisira kuvavezi vematanda nekuvavaki vaishanda muimba yaJehovha,

12 nekuvarongi vemabwe nekuvavezi vemabwe, nekutenga matanda nemabwe akavezwa, kugadzira maburi eimba yaJehovha, nekune zvose zvakabudisirwa imba kuigadzirisa.

13 Asi hakuna kuitirwa imba yaJehovha ndiro dzesirivha, mbato dzemwenje, madhishi ekusasira, hwamanda, midziyo ipi neipi yegoridhe, nemidziyo yesirivha, kubva pamari yakauiswa kuimba yaJehovha.

14 Asi vakaipa kuvaiti vebasa, ivo ndokugadzirisa nayo imba yaJehovha.

15 Uye havana kuzoverengera vanhu muruoko rwavo mavakapa mari kupa kuvaiti vebasa; nokuti vaiita nekuvimbika.

16 Mari yechipo chekudarika nemari yechipo chechivi haina kuuiswa muimba yaJehovha; yaiva yevapristi.

17 Panguva iyoyo Hazaeri mambo weSiriya wakakwira ndokurwa neGati, ndokuritapa; Hazaeri ndokuringira chiso chake kukwira kuJerusarema.

18 Zvino Jehoashi mambo waJudha wakatora zvinhu zvose zvakaitwa zvitsvene izvo Jehoshafati naJehoramu naAhaziya, madzibaba ake, madzimambo aJudha zvavaiva vaita zvitsvene, nezvinhu zvake zvakaitwa zvitsvene, negoridhe rose rakawanikwa pafuma yeimba yaJehovha neimba yamambo, ndokutumira kuna Hazaeri mambo weSiriya; iye ndokukwira kubva Jerusarema.

19 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

20 Zvino varanda vake vakasimuka, ndokuita rangano, ndokurova Joashi muimba yaMiro, inoburukira kuSira.

21 Nokuti Jozabhadhi mwanakomana waShimeati, naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri, varanda vake, vakamurova, iye ndokufa; zvino vakamuviga pamwe nemadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Amaziya mwanakomana wake akava mambo pachinzvimbo chake.