ShonaTeam 2 Kings « 11 »

Atariya mai vaAhaziya anobata ushe hwaJudha

11Atariya mai vaAhaziya paakaona kuti mwanakomana wake wafa, wakasimuka ndokuparadza mbeu yose yeumambo.

2 Asi Jehoshebha mukunda wamambo Joramu, hanzvadzi yaAhaziya, wakatora Joashi mwanakomana waAhaziya, ndokumuba kubva pakati pevanakomana vamambo vaiurawa, iye nemureri wake mukamuri yemibhedha. Zvino vakamuviga pachiso chaAtariya kuti asaurawa.

3 Zvino waiva naye muimba yaJehovha akazvivanza makore matanhatu; Atariya ndokutonga pamusoro penyika.

4 Zvino negore rechinomwe Jehoyadha wakatuma nhume ndokutora misoro yemazana yevaKari neyevarindi, ndokuiunza kwaari muimba yaJehovha, ndokuita sungano navo, ndokuvapikisa muimba yaJehovha, ndokuvaratidza mwanakomana wamambo.

5 Zvino wakavaraira achiti: Ichi chinhu chamuchaita: Chetatu chenyu chinopinda nesabata chichava varindi vechirindo cheimba yamambo;

6 uye chetatu chichava pasuwo reSuri; uye chetatu pasuwo shure kwevarindi; saizvozvo muchachengeta chirindo cheimba, isapaziwa.

7 Zvino mapoka maviri enyu mose munobuda nesabata, naivo vachachengetedza chirindo cheimba yaJehovha maererano namambo.

8 Zvino muchakomba mambo kupoteredza, murume umwe neumwe ane zvombo zvake muruoko rwake; uye anopinda pamitsara achaurawa. Muve namambo pakubuda kwake nepakupinda kwake.

9 Zvino misoro yemazana yakaita zvinoenderana nezvose mupristi Jehoyadha zvaakaraira; ndokutora umwe neumwe vanhu vake vaipinda nesabata, pamwe nevaibuda nesabata, ndokusvika kuna Jehoyadha mupristi.

10 Zvino mupristi wakapa misoro yemazana mapfumo nenhovo zvaiva zvamambo Dhavhidhi zvaiva mumba maJehovha.

11 Zvino varindi vakamira, umwe neumwe ane zvombo zvake muruoko rwake, kubva kudivi rerudyi reimba kusvika kudivi reruboshwe reimba, paaritari nepaimba kuna mambo mativi ose.

12 Zvino wakabudisa mwanakomana wamambo, ndokuisa korona pamusoro pake, nechipupuriro, zvino vakamuisa akava mambo, vakamuzodza; ndokurova maoko, ndokuti: Mambo ngaararame!

13 Atariya paakanzwa mhere-mhere yevarindi nevanhu, wakaenda kuvanhu muimba yaJehovha.

14 Zvino wakaona, tarira zvino, mambo amire pambiru setsika, nevatungamiriri nevaridzi vehwamanda vari kuna mambo; uye vanhu vose venyika vakafara vachiridza dzihwamanda. Zvino Atariya akabvarura nguvo dzake, ndokudanidzira achiti: Kurongera, kurongera!

15 Zvino Jehoyadha mupristi wakaraira misoro yemazana, vabati vehondo, ndokuti kwavari: Mubudisirei kunze kwemitsara; neanomutevera mumuuraye nemunondo. Nokuti mupristi wakati: Ngaasaurairwa muimba yaJehovha.

16 Zvino vakamubata nemaoko, iye ndokuenda nenzira mabhiza yaakapinda nayo muimba yamambo, ndokuurayirwapo.

17 Zvino Jehoyadha wakaita sungano pakati paJehovha namambo nevanhu, kuti vave vanhu vaJehovha; uye pakati pamambo nevanhu.

18 Zvino vanhu vose venyika vakapinda muimba yaBhaari, ndokuiputsira pasi; aritari dzake nemifananidzo yake vakazviparadza kwazvo, uye Matani mupristi waBhaari vakamuuraya pamberi pedziaritari. Mupristi ndokuisa vatariri pamusoro peimba yaJehovha.

19 Zvino wakatora misoro yemazana, nevaKari, nevarindi, nevanhu vose venyika, ndokuburusa mambo kubva paimba yaJehovha, ndokuuya nenzira yesuwo revarindi kuimba yamambo. Zvino akagara pachigaro cheushe chemadzimambo.

20 Zvino vanhu vose venyika vakafara, guta ndokuva murunyararo, vauraya Atariya nemunondo paimba yamambo.

21 Jehoashi waiva ane makore manomwe paakava mambo.