ShonaTeam 2 Kings « 9 »

Jehu mambo waIsraeri anotanga kuparadza rudzi rwaAhabhi

9Zvino muporofita Erisha wakadana umwe wevanakomana vevaporofita ndokuti kwaari: Sunga chiuno chako, ugotora chinu ichi chemafuta muruoko rwako ugoenda kuRamoti-Giriyadhi.

2 Kana wasvikapo, tarirapo Jehu mwanakomana waJehoshafati mwanakomana waNimishi; upinde, ugomusimudza kubva pakati pehama dzake, zvino umupinze mukamuri yemukati.

3 Zvino utore chinu chemafuta, ugodira pamusoro wake, ugoti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndakuzodza kuva mambo pamusoro paIsraeri. Zvino uchazarura mukova ugotiza, uye usanonoka.

4 Zvino jaya iro rakaenda, jaya muporofita, kuRamoti-Giriyadhi.

5 Parakasvika, tarira, vakuru vehondo vaiva vagere; rikati: Ndine shoko kwamuri mukuru. Jehu ndokuti: Kunani pakati pedu tese? Iro ndokuti: Kunemwi mukuru.

6 Zvino wakasimuka ndokupinda mumba. Zvino rakadira mafuta pamusoro wake, ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Ndakuzodza kuva mambo pamusoro pevanhu vaJehovha, pamusoro paIsraeri.

7 Zvino ucharova imba yaAhabhi tenzi wako, kuti nditsive ropa revaranda vangu vaporofita neropa revaranda vose vaJehovha paruoko rwaJezebheri.

8 Nokuti imba yose yaAhabhi ichaparara; uye ndichagura kuna Ahabhi anowetera pamadziro, newakavharirwa, newakasununguka kwaIsraeri.

9 Zvino ndichaita imba yaAhabhi seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija.

10 Zvino imbwa dzichadya Jezebheri padunhu raJezireeri, uye hakungavi neanomuviga. Zvino wakazarura mukova ndokutiza.

11 Zvino Jehu akabuda kuvaranda vashe wake. Umwe ndokuti kwaari: Kuno mufaro here? Benzi iri rakavingei kwauri? Iye ndokuti kwavari: Imwi munoziva munhu uyu, nekutaura kwake.

12 Ivo ndokuti: Inhema! Tiudze ikozvino. Iye ndokuti: Wandiudza zvekuti nezvekuti, achiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndakakuzodza uve mambo pamusoro paIsraeri.

13 Ipapo vakakurumidza, umwe neumwe akatora nguvo yake, akaiisa pasi pake pamusoro pezvikwiriso, vakaridza hwamanda, vakati: Jehu ndimambo!

14 Naizvozvo Jehu mwanakomana waJehoshafati, mwanakomana waNimishi wakarongera Joramu. Zvino Joramu wakachengetedza Ramoti-Giriyadhi, iye nevaIsraeri vose, nekuda kwaHazaeri mambo weSiriya.

15 Asi Jehoramu mambo wakadzokera kuJezireeri kunorapiwa mavanga VaSiriya avaiva vamurova paakarwa naHazaeri mambo weSiriya. Jehu ndokuti: Kana chiri chido chenyu, ngakurege kubuda anopukunyuka muguta, kunoreva izvi kuJezireeri.

16 Naizvozvo Jehu wakakwira ngoro, ndokuenda kuJezireeri, nokuti Joramu waiva arerepo. Zvino Ahaziya mambo waJudha waiva aburuka kuzoona Joramu.

17 Zvino kwakamira nharirire pashongwe muJezireeri, ndokuona chaunga chaJehu iye achiuya, ndokuti: Ndinoona chaunga. Jehoramu ndokuti: Tora mutasvi webhiza utume kunosangana navo, uye ngaati: Rugare here?

18 Naizvozvo kwakaenda mutasvi webhiza kunosangana naye, ndokuti: Ndizvo zvinoreva mambo: Rugare here? Jehu ndokuti: Unei nerugare? Tendeukira shure kwangu. Nharirire ndokureva ichiti: Nhume yakasvika kwavari, asi haidzoki.

19 Zvino wakatuma mutasvi webhiza wechipiri, iye ndokusvika kwavari, ndokuti: Ndizvo zvinoreva mambo: Rugare here? Jehu ndokuti: Unei nerugare? Tendeukira shure kwangu.

20 Nharirire ndokureva ichiti: Wakasvika kwavari asi haadzoki; uye kufambisa kwakafanana nekufambisa kwaJehu mwanakomana waNimishi, nokuti anofambisa zvekupenga.

21 Zvino Jehoramu wakati: Sungai! Zvino vakasunga ngoro yake. Jehoramu mambo waIsraeri naAhaziya mambo waJudha, umwe neumwe pangoro yake, ndokubuda kunosangana naJehu; zvino vakamuwana mubindu raNabhoti muJezireeri.

22 Zvino zvakaitika Joramu paakaona Jehu, kuti wakati: Rugare here, Jehu? Iye ndokuti: Rugare rwei, ufeve hwamai vako Jezebheri neuroyi hwavo huchiri uzhinji!

23 Joramu ndokutendeusa maoko ake ndokutiza, ndokuti kuna Ahaziya: Unyengeri, Ahaziya!

24 Zvino Jehu wakahwembura kwazvo uta, ndokurova Joramu pakati pemafudzi ake; museve ndokubuda nepamoyo wake; ndokugwadama mungoro yake.

25 Zvino Jehu wakati kuna Bhidhikari mukuru wake: Simudza, umukande mubindu remunda waNabhoti muJezireeri; nokuti rangarira ini newe tatasva tiri vaviri shure kwaAhabhi baba vake, Jehovha wamutakudza mutoro uyu:

26 Zvirokwazvo nezuro ndakaona ropa raNabhoti neropa revanakomana vake, anoreva Jehovha; ndichakutsiva mubindu rino, anoreva Jehovha. Naizvozvo musimudze umukande mubindu iri, zvichienderana neshoko raJehovha.

27 Ahaziya mambo waJudha wakati aona ndokutiza nenzira yeimba yebindu. Jehu ndokudzingirirana naye ndokuti: Murovei naiye mungoro pakukwira kuGuri riri paIbhureami. Zvino wakatizira kuMegidho, ndokufirako.

28 Zvino varanda vake vakamutakura mungoro kuenda Jerusarema ndokumuviga muguva rake kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi.

29 Zvino mugore regumi nerimwe raJoramu mwanakomana waAhabhi, Ahaziya wakava mambo pamusoro paJudha.

30 Jehu wakati asvika paJezireeri, Jezebheri wakazvinzwa ndokupenda meso ake ndokushongedza musoro wake, ndokudongorera nepahwindo.

31 Jehu paaipinda pasuwo, iye ndokuti: Rugare here, Zimiri, muurayi watenzi wake?

32 Zvino wakasimudzira chiso chake kuhwindo, ndokuti: Ndiani ari kwandiri? Ndiani? Zvino kwakadongorera kwaari vatenwa vaviri kana vatatu.

33 Zvino wakati: Mupotserei pasi. Zvino vakamupotsera pasi; rimwe reropa rake ndokutsatikira pamadziro nepamabhiza; zvino akamutsikira pasi.

34 Zvino wakapinda ndokudya ndokunwa, ndokuti: Zvino tarisai uyu mukadzi wakatukwa umuvige, nokuti mukunda wamambo.

35 Zvino vakaenda kunomuviga, asi havana kuwana chake kunze kwedehenya, netsoka, nezvanza zvemaoko.

36 Naizvozvo vakadzoka ndokumuudza. Iye ndokuti: Iri ishoko raJehovha raakataura kubudikidza neruoko rwemuranda wake Eria muTishibhi richiti: Padunhu reJezireeri imbwa dzichadya nyama yaJezebheri;

37 uye chitunha chaJezebheri chichava semupfudze pachiso chevhu padunhu reJezireeri, kuti vasati: Uyu ndiJezebheri.