ShonaTeam 2 Kings « 8 »

Mukadzi weShunemi anodzoserwa fuma yake yose namambo

8Zvino Erisha wakataura kumukadzi uyo mwanakomana wake waaiva araramisa achiti: Simuka uende, iwe neimba yako, unova mweni kwaunganova mweni. Nokuti Jehovha wadana nzara; uye ichasvika panyika makore manomwe.

2 Zvino mukadzi wakasimuka ndokuita zvichienderana neshoko remunhu waMwari. Zvino wakaenda iye nemhuri yake ndokunova mweni munyika yevaFirisitia makore manomwe.

3 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore manomwe, kuti mukadzi wakadzoka kubva kunyika yevaFirisitia. Zvino wakabuda kunochema kuna mambo pamusoro peimba yake uye pamusoro pemunda wake.

4 Zvino mambo wakataura naGehazi muranda wemunhu waMwari achiti: Ndiudze hako zvinhu zvose zvikuru Erisha zvaakaita.

5 Zvino zvakaitika paairondedzera kuna mambo kuti wakamutsa sei wakafa pakufa, kuti tarira, mukadzi wemwanakomana waaiva amutsa pakufa wakachema kuna mambo pamusoro peimba yake uye pamusoro pemunda wake. Gehazi ndokuti: Ishe wangu mambo, uyu ndiye mukadzi, uye uyu ndiye mwanakomana wake Erisha waakararamisa.

6 Mambo paakabvunza mukadzi, iye wakamuudza. Naizvozvo mambo wakamumisira umwe mutenwa achiti: Dzosera zvose zvaiva zvake negoho rose remunda kubva pazuva raakabva panyika kusvika ikozvino.

Hazaeri anotevera Bheni-Hadhadhi paushe hweSiriya

7 Zvino Erisha wakasvika paDhamasiko; zvino Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya waiva achirwara; uye wakaudzwa zvichinzi: Munhu waMwari wasvika pano.

8 Zvino mambo wakati kuna Hazaeri: Tora chipo muruoko rwako, ugoenda unosangana nemunhu waMwari, ugobvunza kuna Jehovha naye, uti: Ndichapora pachirwere ichi here?

9 Naizvozvo Hazaeri wakaenda kunosangana naye, ndokutora chipo muruoko rwake, icho chezvakanakisisa zvose zveDhamasiko, mitoro yemakamera makumi mana, ndokusvika ndokumira pamberi pake, ndokuti: Mwanakomana wenyu Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya wandituma kwamuri achiti: Ndichapora here pachirwere ichi?

10 Erisha ndokuti kwaari: Enda unoti: Ungapora zvekupora asi Jehovha wandiratidza kuti uchafa zvekufa.

11 Zvino wakamisa chiso chake, ndokumunan'anidza kusvika anyara; munhu waMwari ndokuchema.

12 Zvino Hazaeri wakati: Nemhaka yei tenzi wangu achichema? Iye ndokuti: Nokuti ndinoziva zvakaipa zvauchaitira vana vaIsraeri; nhare dzavo uchatungidza nemoto, uye majaya avo uchauraya nemunondo, uchapwanya pwere dzavo, uye vakadzi vavo vane mimba uchatumbura.

13 Zvino Hazaeri akati: Ko muranda wenyu chinyiko, iyo imbwa, kuti ndiite chinhu ichi chikuru? Erisha akati: Jehovha wakandizivisa kuti iwe uchava mambo pamusoro paSiriya.

14 Zvino wakabva kuna Erisha ndokuuya kuna tenzi wake; iye wakati kwaari: Erisha wati chii kwauri? Iye ndokuti: Wakandiudza kuti: Uchapora zvekupora.

15 Zvino zvakaitika chifume kuti wakatora nguvo yekufukidza ndokunyika mumvura ndokuwaridza pachiso chake kusvika afa; Hazaeri ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

Jehoramu naAhaziya madzimambo aJudha

16 Zvino mugore rechishanu raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsraeri, Jehoshafati ari mambo waJudha, Jehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha wakava mambo.

17 Waiva nemakore makumi matatu nemaviri paakava mambo. Zvino wakatonga makore masere paJerusarema.

18 Zvino wakafamba munzira yemadzimambo aIsraeri, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti mukunda waAhabhi waiva mukadzi wake; zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha.

19 Asi Jehovha waiva asingadi kuparadza Judha, nekuda kwemuranda wake Dhavhidhi, sekuvimbisa kwake kwaari kuti achapa mwenje kwaari nekuvanakomana vake mazuva ose.

20 Mumazuva ake Edhomu wakapanduka kubva pasi peruoko rwaJudha, ndokuzviisira mambo pamusoro pavo.

21 Zvino Joramu wakayambukira kuZairi nengoro dzose dzaiva naye. Iye wakamuka usiku ndokurova vaEdhomu vaiva vakamukomba, nevakuru vengoro; vanhu ndokutizira kumatende avo.

22 Naizvozvo Edhomu wakapanduka kubva muruoko rwaJudha, kusvika zuva ranhasi. Ipapo Ribhina akapanduka nenguva iyo.

23 Uye dzimwe dzenyaya dzaJoramu, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

24 Zvino Joramu wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi. Ahaziya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

25 Negore regumi nemaviri raJoramu mwanakomana waAhabhi mambo waIsraeri, Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo waJudha wakava mambo.

26 Ahaziya waiva nemakore makumi maviri nemaviri paakava mambo, zvino wakatonga gore rimwe muJerusarema. Zvino zita ramai vake raiva Atariya, mukunda waOmiri mambo waIsraeri.

27 Zvino wakafamba munzira yeimba yaAhabhi, ndokuita zvakaipa pameso aJehovha, sezvakaita imba yaAhabhi; nokuti waiva mukwasha weimba yaAhabhi.

28 Zvino wakaenda naJoramu mwanakomana waAhabhi kunorwa naHazaeri mambo weSiriya paRamoti-Giriyadhi; VaSiriya ndokurova Joramu.

29 Zvino mambo Joramu wakadzokera kunorapiwa kuJezireeri kubva pamavanga VaSiriya avakamurova paRama pakurwa kwake naHazaeri mambo weSiriya. Ahaziya mwanakomana waJehoramu mambo waJudha ndokuburukira kunoona Joramu mwanakomana waAhabhi paJezireeri, nokuti wairwara.