ShonaTeam 2 Kings « 6 »

Erisha anopapamadza sanhu pamusoro pemvura

6Zvino vanakomana vevaporofita vakati kuna Erisha: Tarirai ikozvino, nzvimbo patigere mberi kwako yakamanikana zvikuru kwatiri.

2 Regai henyu tiende kuJoridhani tigonotora kubvako umwe neumwe danda, uye ngatizviitirei nzvimboko yekugarako. Iye ndokuti: Endai.

3 Zvino umwe wakati: Tendai henyu mugoenda nevaranda venyu. Iye ndokuti: Ini ndichaenda.

4 Zvino wakaenda navo. Pavakasvika kuJoridhani, vakatema matanda.

5 Asi umwe wakati achitema danda, musoro wedemo ndokuwira mumvura. Zvino wakadanidzira ndokuti: Haiwa, tenzi wangu! Nokuti raiva rakweretwa.

6 Zvino munhu waMwari wakati: Rawira papi? Iye ndokumuratidza nzvimbo. Zvino wakatema rutanda ndokurukandapo ndokupapamadza demo.

7 Zvino wakati: Zvisimudzire. Iye ndokutandavadza ruoko rwake ndokuritora.

VaSiriya vanopofumadzwa paSamariya

8 Zvino mambo weSiriya wairwisana naIsraeri; ndokurangana nevaranda vake achiti: Panzvimbo yekuti neyekuti uchava musasa wangu.

9 Zvino munhu waMwari wakatuma kuna mambo waIsraeri achiti: Chenjera usapfuurira kunzvimbo iyi, nokuti VaSiriya voburukirapo.

10 Zvino mambo waIsraeri wakatuma kunzvimbo iyo munhu waMwari yaaiva ataura kwaari nekumuyambira nezvayo, ndokuchengetedzekako, kwete kamwe uye kwete kaviri.

11 Zvino moyo wamambo weSiriya wakagumbuka nekuda kwechinhu ichi; iye ndokudana varanda vake ndokuti kwavari: Hamungandiudzi here kuti ndiani patiri ari wamambo waIsraeri?

12 Zvino umwe wevaranda vake wakati: Kwete, ishe wangu mambo, asi Erisha muporofita ari muIsraeri anoudza mambo waIsraeri mashoko amunotaura muimba yenyu yekurara.

13 Iye ndokuti: Endai muone paari kuti nditume ndimutore. Zvino wakaudzwa zvikanzi: Tarirai, ari paDhotani.

14 Zvino wakatumako mabhiza nengoro nehondo huru; zvino vakasvika usiku, ndokukomba guta.

15 Muranda wemunhu waMwari paakamuka mangwanani-ngwanani, wakabuda, zvino tarira, hondo yakakomba guta pamwe nemabhiza nengoro. Muranda wake ndokuti kwaari: Haiwa, tenzi wangu! Tichaita sei?

16 Zvino iye wakati: Usatya, nokuti vanesu vakawanda kupfuura vaanavo.

17 Zvino Erisha wakanyengetera ndokuti: Jehovha, zarurai henyu meso ake kuti aone. Jehovha ndokuzarura meso ejaya iro, iro ndokuona, zvino tarira, gomo rizere nemabhiza nengoro dzemoto zvakakomba Erisha.

18 Pavakaburukira kwaari, Erisha wakanyengetera kuna Jehovha, ndokuti: Rovai henyu rudzi urwu neupofu. Zvino wakavarova neupofu zvichienderana neshoko raErisha.

19 Erisha ndokuti kwavari: Haisi iyo nzira, uye harisi iro guta; nditeverei, ndichakuisai kumunhu uyu wamunotsvaka. Zvino wakavaisa kuSamariya.

20 Zvino zvakaitika pakupinda kwavo muSamariya kuti Erisha wakati: Jehovha, zarurai meso evava kuti vaone. Jehovha ndokuzarura meso avo, zvino ndokuona, zvino tarira, vaiva pakati peSamariya.

21 Mambo waIsraeri wakati achivaona ndokuti kuna Erisha: Baba vangu, ndirove here, ndirove here?

22 Iye ndokuti: Usarova. Ungarova here avo vawatapa nemunondo wako kana neuta hwako? Isa chingwa nemvura pamberi pavo kuti vadye vanwe vagoenda kuna tenzi wavo.

23 Zvino iye wakavagadzirira mabiko makuru; vakati vadya nekunwa, wakavaendesa, ivo ndokuenda kuna tenzi wavo. Naizvozvo hondo dzakarongwa dzeSiriya hadzina kuzopamha kudzoka kunyika yaIsraeri.

Bheni-Hadhadhi anokomba Samariya, asi anokundwa

24 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya wakaunganidza hondo yake yose ndokukwira ndokukomba Samariya.

25 Nzara huru ndokuva paSamariya; zvino tarira, vaikomba kusvika musoro wembongoro wava wemasirivha makumi masere, nechechina chechiyero chematoto enjiva pamasirivha mashanu.

26 Zvino zvakaitika mambo waIsraeri wakati achipfuura neparusvingo, kwakadanidzira mukadzi kwaari achiti: Batsirai, ishe wangu, mambo!

27 Iye ndokuti: Jehovha asingakubatsiri; ndingakubatsira nezvinobvepi? Zvinobva paburiro kana pachisviniro chewaini here?

28 Zvino mambo wakati kwaari: Unei? Iye ndokuti: Mukadzi uyu wakati kwandiri: Uya nemwanakomana wako kuti timudye nhasi, uye mangwana tichadya mwanakomana wangu.

29 Zvino takabika mwanakomana wangu ndokumudya; zvino ndakati kwaari nezuva raitevera: Uya nemwanakomana wako kuti timudye. Asi iye wakavanza mwanakomana wake.

30 Zvino zvakaitika mambo paakanzwa mashoko emukadzi uyu kuti wakadambura nguvo dzake; zvino waipfuura neparusvingo; vanhu ndokuona, uye tarira, kwaiva nesaga pamuviri wake mukati.

31 Zvino wakati: Mwari ngaaite saizvozvo kwandiri uye saizvozvo awedzere, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukagara paari nhasi.

32 Asi Erisha waiva agere muimba yake, uye vakuru vaiva vagere naye; ndokutuma munhu mberi kwake; nhume isati yasvika kwaari, iyewo wakati kuvakuru: Munoona here kuti mwana uyu wemhondi watuma kuzobvisa musoro wangu? Tarirai, panosvika nhume mupfige mukova, muitsikirire pamukova; hausi mutsindo wetsoka dzatenzi wake here shure kwake?

33 Wakati achiri kutaura navo, zvino tarira, nhume yakaburukira kwaari; iye ndokuti: Tarirai, chakaipa ichi chinobva kuna Jehovha; ndichakamirirei Jehovha?