ShonaTeam 2 Kings « 5 »

Naamani anoporeswa maperembudzi ake

5Zvino Naamani mukuru wehondo yamambo weSiriya waiva munhu mukuru pamberi patenzi wake, uye waikudzwa; nokuti naye Jehovha waiva apa Siriya kununurwa; uye waiva munhu wesimba neumhare, asi waiva wemaperembudzi.

2 Zvino VaSiriya vaiva vabuda nehondo dzakarongwa ndokutapa musikana mudiki panyika yekwaIsraeri, waimira pamberi pemukadzi waNaamani.

3 Zvino wakati kuna tenzikadzi wake: Dai ishe wangu aiva pamberi pemuporofita ari paSamariya; ipapo angadai akamuporesa kubva pamaperembudzi ake.

4 Zvino Naamani wakapinda ndokuudza ishe wake achiti: Musikana anobva kunyika yaIsraeri wakataura chekuti nechekuti.

5 Mambo weSiriya ndokuti: Enda, uende, uye ndichatuma tsamba kuna mambo waIsraeri. Zvino wakaenda ndokutora muruoko rwake matarenda gumi esirivha, nengoda zvuru zvitanhatu dzegoridhe, nenguvo dzekuchinja gumi.

6 Zvino wakauya netsamba kuna mambo waIsraeri ichiti: Ikozvino zvino, panosvika tsamba iyi kwamuri, tarira, ndatuma Naamani muranda wangu kwamuri, kuti mumuporese kubva pamaperembudzi ake.

7 Zvino zvakaitika mambo waIsraeri paakaverenga tsamba kuti wakabvarura nguvo dzake ndokuti: Ndiri Mwari here kuti ndiuraye kana kuti ndiraramise, uyu zvaanotuma kwandiri kuti ndiporese munhu kubva pamaperembudzi ake? Nokuti zvirokwazvo fungai henyu muone kuti anotsvaka mukana wekurwisana neni.

8 Zvino zvakaitika Erisha munhu waMwari anzwa kuti mambo waIsraeri wabvarura nguvo dzake, kuti wakatuma shoko kuna mambo achiti: Mabvarurirei nguvo dzenyu? Ngaauye ikozvino kwandiri; zvino achaziva kuti kune muporofita kwaIsraeri.

9 Naizvozvo Naamani wakauya nemabhiza ake uye nengoro yake ndokumira pamukova weimba yaErisha.

10 Erisha ndokutuma nhume kwaari, achiti: Enda unoshamba kanomwe muna Joridhani, uye nyama yako ichadzokera kwauri, uve wakachena.

11 Asi Naamani wakatsamwa ndokuenda ndokuti: Tarirai, ndanga ndichizviti: Zvirokwazvo achabuda, amire adane zita raJehovha Mwari wake, nekufambisa-fambisa ruoko rwake pamusoro penzvimbo, agoporesa wemaperembudzi.

12 Abhana neFaripari nzizi dzeDhamasiko hadzisi nani pamvura yose yaIsraeri here? Handingashambi madziri, ndikava wakachena here? Zvino wakatendeuka, ndokuenda nehasha.

13 Zvino varanda vake vakaswedera, ndokutaura kwaari ndokuti: Baba vangu, dai muporofita ataura nemwi chinhu chikuru, hamuzaiita here? Ndoda zvaati kwamuri: Shamba uve wakachena?

14 Zvino wakaburuka, ndokuzvinyika muna Joridhani kanomwe zvichienderana neshoko remunhu waMwari; nyama yake ndokudzoka ndokufanana nenyama yemwana mudiki, akava wakachena.

15 Zvino wakadzokera kumunhu waMwari, iye nechaunga chake chose, ndokusvika ndokumira pamberi pake ndokuti: Tarirai henyu, ndava kuziva kuti hakuna Mwari panyika yose, kunze kwekwaIsraeri; zvino ikozvino gamuchirai henyu chipo kubva kumuranda wenyu.

16 Asi iye wakati: NaJehovha mupenyu wandimire pamberi pake, handingagamuchiri chinhu. Zvino wakamugombedzera kuti agamuchire, asi wakaramba.

17 Zvino Naamani wakati: Kana zvisakadaro, ngakupiwe henyu muranda wenyu mutoro wemanyurusi maviri wevhu. Nokuti muranda wenyu haachazopi chipo chinopiswa nechibairo kuna vamwe vamwari, asi kuna Jehovha.

18 Pachinhu ichi Jehovha ngaaregerere muranda wake, kana tenzi wangu achipinda mumba maRimoni kunamatapo, ndokusendamira paruoko rwangu, uye ndikafugama mumba maRimoni; kana ndikafugama mumba maRimoni Jehovha ngaaregererewo muranda wake pachinhu ichi.

19 Zvino wakati kwaari: Enda nerugare. Zvino wakabva kwaari chinhambwe chidiki.

20 Asi Gehazi muranda waErisha munhu waMwari wakati: Tarirai, tenzi wangu warega Naamani muSiriya uyu pakusagamuchira paruoko rwake zvaakauya nazvo; naJehovha mupenyu, zvirokwazvo ndichamhanya ndimutevere, nditore chimwe kwaari.

21 Naizvozvo Gehazi wakadzingirirana naNaamani. Naamani paakamuona achimhanya kumutevera, wakaburuka pangoro kumuchingamidza, ndokuti: Kwakanaka here?

22 Iye ndokuti: Kwakanaka. Tenzi wangu wandituma achiti: Tarirai, ikozvinowo kwasvika kwandiri majaya maviri achibva kugomo raEfuremu evanakomana vevaporofita; ape hako tarenda resirivha nenguvo mbiri dzekuchinja.

23 Naamani ndokuti: Tenda, utore matarenda maviri. Zvino wakamugombedzera ndokusungira matarenda maviri esirivha muhomwe mbiri, pamwe nenguvo mbiri dzekuchinja, ndokuisa pavaviri vevaranda vake, vakazvitakura pamberi pake.

24 Wakati asvika pachikomo, wakazvitora paruoko rwavo, ndokuisa mumba, ndokurega varume kuti vaende, ivo ndokuenda.

25 Zvino iye wakapinda, ndokumira pamberi patenzi wake. Erisha ndokuti kwaari: Unobva kupi Gehazi? Iye ndokuti: Muranda wenyu wanga asina kuenda uko kana uko.

26 Zvino wakati kwaari: Moyo wangu hauna kuenda newe here murume paadzoka kubva pangoro yake kukuchingamidza? Inguva yekugamuchira mari nekugamuchira nguvo neminda yemiorivhi neminda yemizambiringa nemakwai nenzombe nevaranda nevarandakadzi here?

27 Naizvozvo maperembudzi aNaamani achanamatira kwauri nekumbeu yako nekusingaperi. Zvino wakabuda pamberi pake ava wemaperembudzi, akachena semagada echando.