ShonaTeam 2 Kings « 4 »

Mafuta echirikadzi

4Zvino kwakachema umwe mukadzi wevakadzi vevanakomana vevaporofita kuna Erisha achiti: Muranda wenyu murume wangu wafa. Zvino imwi munoziva kuti muranda wenyu waitya Jehovha; zvino kwasvika mukweretesi kuzvitorera vana vangu vaviri vave nhapwa dzake.

2 Erisha ndokuti kwaari: Ndingakuitirei? Ndiudze. Unei mumba? Iye ndokuti: Murandakadzi wenyu haana chinhu mumba, kunze kwechinu chemafuta.

3 Iye ndokuti: Enda uzvikumbirire midziyo kubva kunze kuvavakidzani vako vose, midziyo isina chinhu; usaita kuti ive mishoma.

4 Kana wapinda pfiga mukova shure kwako uye shure kwevanakomana vako, ugodira kumidziyo iyo yose, uye uise parutivi iyo yakazara.

5 Naizvozvo wakabva kwaari, ndokupfiga mukova shure kwake uye shure kwevanakomana vake; ivo vakamuvigira midziyo, iye ndokudira.

6 Zvino zvakaitika midziyo payakazara, kuti wakati kuvanakomana vake: Ndivigireizve mudziyo. Iye ndokuti kwaari: Hakuchinazve mudziyo. Mafuta ndokuguma.

7 Zvino wakauya ndokuzivisa munhu waMwari. Iye ndokuti: Enda unotengesa mafuta, ugoripira chikwereti chako; zvino iwe nevanakomana vako murarame paakasara.

Mwana wemukadzi weShunemi anoraramiswa naErisha

8 Zvino kwakati nerimwe zuva Erisha wakapfuurira kuShunemi. Zvino ipapo paiva nemukadzi wakakurumbira, iye wakamumanikidza kudya chingwa. Zvino zvakaitika pega-pega paaipfuura, kuti wakatsaukirako kuti adye chingwa.

9 Zvino wakati kumurume wake: Tarirai ikozvino, ndinoziva kuti uyu munhu mutsvene waMwari, anogara achipfuura kwatiri.

10 Ngatiitei hedu kamuri diki rekumusoro parusvingo, uye ngatimuisiremo mubhedha netafura nechituro nechigadziko chemwenje. Zvino zvichadai, paanouya kwatiri, kuti achatsaukiramo.

11 Zvino zvakaitika nerimwe zuva, kuti wakasvikapo, ndokutsaukira kukamuri yepamusoro, ndokuraramo.

12 Zvino wakati kuna Gehazi muranda wake: Dana mukadzi muShunemi uyu. Zvino wakati amudana, iye ndokumira pamberi pake.

13 Zvino wakati kwaari: Iti hako kwaari: Tarirai, makatichengeta nekuchengeta uku kwese; muchaitirwei? Pane zvamungataurirwa kuna mambo kana kumukuru wehondo here? Iye ndokuti: Ndinogara pakati pevanhu vangu.

14 Zvino wakati: Zvino chii chaachaitirwa? Gehazi ndokuti: Zvirokwazvo haana mwanakomana, nemurume wake wakwegura.

15 Iye ndokuti: Mudane. Zvino amudana, wakamira pamukova.

16 Zvino wakati: Panguva ino yakatarwa, zvichienderana nenguva yeupenyu, uchava wakagumbata mwanakomana. Asi wakati: Kwete ishe wangu, munhu waMwari, musarevera muranda wenyu nhema.

17 Zvino mukadzi wakabata mimba, ndokupona mwanakomana nenguva iyo yakatarwa zvichienderana nenguva yeupenyu Erisha yaakareva kwaari.

18 Zvino mwana wakati akura, kwakati nerimwe zuva, wakabuda kuenda kuna baba vake kuvakohwi.

19 Zvino wakati kuna baba vake: Musoro wangu! Musoro wangu! Ivo ndokuti kumuranda: Mutakure umuise kuna mai vake.

20 Zvino wakamutakura, ndokuuya naye kuna mai vake. Iye ndokugara pamabvi avo kusvika kwava masikati makuru, ndokufa.

21 Zvino vakakwira ndokumuradzika pamubhedha wemunhu waMwari, ndokumupfigira ndokubuda.

22 Zvino wakadana murume wake ndokuti: Nditumire henyu umwe wevaranda neimwe yembongoro, kuti ndimhanyire kumunhu waMwari, ndigodzoka.

23 Iye ndokuti: Unoenderei kwaari nhasi? Hakusi kugara kwemwedzi uye haisi sabata. Iye ndokuti: Zvakanaka.

24 Zvino wakasungira chigaro pambongoro, ndokuti kumuranda wake: Chaira uende, usandinonosa pakutasva, kunze kwekuti ndakuudza.

25 Zvino wakaenda, ndokusvika kumunhu waMwari kugomo reKarmeri. Zvino zvakaitika munhu waMwari paakamuona ari chinhambwe, kuti wakati kuna Gehazi muranda wake: Tarira mukadzi uya muShunemi.

26 Mhanya hako ikozvino umuchingamidze, uti kwaari: Kwakanaka here kwauri? Kwakanaka here kumurume wako? Kwakanaka here kumwana? Iye ndokuti: Kwakanaka!

27 Paakasvika kumunhu waMwari pagomo wakabata tsoka dzake. Asi Gehazi wakaswedera kumusundira kure; munhu waMwari ndokuti: Murege, nokuti mweya weupenyu wake une shungu maari. Asi Jehovha wakandivanzira izvozvo, haana kundiudza.

28 Zvino wakati: Ndaiva ndakumbira mwanakomana here kuna ishe wangu? Handina here kuti: Musandinyengedzera?

29 Zvino Erisha wakati kuna Gehazi: Zvisunge chiuno, ugotora tsvimbo yangu muruoko rwako uende. Kana ukasangana nemunhu usamumhorosa, uye kana munhu akakumhorosa usamupindura. Zvino uise tsvimbo yangu pachiso chemwana.

30 Zvino mai vemwana vakati: NaJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wenyu mupenyu, handingakusiii. Zvino wakasimuka, ndokumutevera.

31 Zvino Gehazi wakapfuurira mberi kwavo, ndokuisa tsvimbo pachiso chemwana, asi hapana kuvapo inzwi, uye kwaiva kusina kunzwa. Naizvozvo wakadzoka kusangana naye, ndokumuudza achiti: Mwana haana kumuka.

32 Zvino Erisha wakapinda mumba, tarira, mwana waiva afa, akaradzikwa pamubhedha wake.

33 Zvino wakapinda ndokupfiga mukova shure kwavo vari vaviri, ndokunyengetera kuna Jehovha.

34 Zvino wakakwira ndokurara pamusoro pemwana, ndokuisa muromo wake pamuromo wake, uye meso ake pameso ake, nemaoko ake pamaoko ake; ndokutsivama pamusoro pake, nyama yemwana ndokudziya.

35 Zvino wakadzoka ndokufamba mumba kamwe pano uye kamwe apo, ndokukwira ndokutsivama pamusoro pake; mwana ndokuhotsira kusvika kanomwe, mwana ndokuzarura meso ake.

36 Zvino wakadana Gehazi, ndokuti: Dana mukadzi muShunemi uyu. Iye ndokumudana. Wakati apinda kwaari, iye ndokuti: Takura mwanakomana wako.

37 Zvino wakapinda, ndokuwira patsoka dzake, ndokukotamira pavhu, ndokusimudza mwana wake ndokubuda.

Erisha anorapa muriwo waiva uchivava

38 Zvino Erisha wakadzoka kuGirigari; uye paiva nenzara panyika; uye vana vevaporofita vaiva vagere pamberi pake; iye ndokuti kumuranda wake: Isa hari huru, ubikire vanakomana vevaporofita zvekudya zvakabikwa.

39 Zvino umwe wakabuda ndokuenda kusango kunounganidza miriwo, ndokuwana muzambiringa wemusango, ndokuunganidzapo magaka, nguvo yake ndokuzara nawo, ndokusvika ndokuachekerera muhari yezvekudya zvakabikwa, nokuti vaiva vasingaazivi.

40 Zvino vakadururira vanhu kuti vadye. Zvino zvakaitika kuti vachiri kudya zvekudya zvakabikwa ivo ndokudanidzira ndokuti: Rufu muhari, munhu waMwari! Zvino vaiva vasingagoni kudya.

41 Asi wakati: Zvino uyai neupfu. Iye ndokudira muhari, ndokuti: Dururirai vanhu kuti vadye. Kwaiva kusisina chakaipa muhari.

Erisha anowanza zvingwa

42 Zvino kwakasvika munhu kubva kuBhaari-Sharisha, ndokuvigira munhu waMwari zvekudya zvezvibereko zvitsva, zvingwa zvebhari makumi maviri, nehura itsva dzezviyo muhombodo yake. Ndokuti: Ipai vanhu kuti vadye.

43 Asi muranda wake wakati: Ndinoisa sei izvi pamberi pevanhu zana? Iye ndokuti: Ipai vanhu kuti vadye; nokuti ndizvo zvinoreva Jehovha: Vachadya vakasiya.

44 Naizvozvo wakaisa pamberi pavo, vakadya, ndokusiya zvichienderana neshoko raJehovha.