ShonaTeam 2 Kings « 3 »

Jehovha anobatsira vaIsraeri nevaJudha kukunda vaMoabhu

3Zvino Jehoramu mwanakomana waAhabhi wakava mambo pamusoro paIsraeri paSamariya negore regumi nemasere raJehoshafati mambo waJudha, ndokutonga makore gumi nemaviri.

2 Zvino wakaita chakaipa pameso aJehovha, asi kwete sezvakaita baba vake uye sezvakaita mai vake; nokuti wakabvisa shongwe yaBhaari inova chifananidzo baba vake chavakaita.

3 Kunyange zvakadaro wakanamatira pazvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati wakatadzisa Israeri; haana kutsauka pazviri.

4 Zvino Mesha mambo waMoabhu waiva mupfuwi wemakwai, ndokupa kuna mambo waIsraeri makwayana zvuru zana nemakondohwe zvuru zana nemakushe emakwai.

5 Asi zvakaitika pakufa kwaAhabhi, kuti mambo waMoabhu wakamukira mambo waIsraeri.

6 Mambo Jehoramu ndokubuda paSamariya nenguva iyo, ndokuverenga Israeri wose.

7 Zvino wakaenda ndokutuma shoko kuna Jehoshafati mambo waJudha achiti: Mambo waMoabhu wandipandukira; uchaenda neni here tiende kwaMoabhu kuhondo? Iye ndokuti: Ndichakwira. Sewe, ndizvo zvandakaita, sevanhu vangu, ndizvo zvakaita vanhu vako, semabhiza angu, ndizvo zvakaita mabhiza ako.

8 Iye ndokuti: Tichakwira nenzira ipi? Iye ndokuti: Nenzira yerenje reEdhomu.

9 Naizvozvo mambo waIsraeri wakaenda, namambo waJudha, namambo waEdhomu. Zvino vatenderera rwendo rwemazuva manomwe, kwaiva kusina mvura yehondo neyezvipfuwo zvaiva patsoka dzavo.

10 Zvino mambo waIsraeri wakati: Haiwa! nokuti Jehovha wakadana madzimambo awa matatu kuapa muruoko rwaMoabhu.

11 Asi Jehoshafati wakati: Hapana muporofita waJehovha pano here watingabvunza naye Jehovha? Umwe wevaranda vamambo waIsraeri ndokupindura ndokuti: Aripo pano Erisha mwanakomana waShafati, iye wakadira mvura pamaoko aEria.

12 Jehoshafati ndokuti: Shoko raJehovha riri kwaari. Zvino vakaburukira kwaari, mambo waIsraeri, naJehoshafati, namambo waEdhomu.

13 Zvino Erisha wakati kuna mambo waIsraeri: Ndinei nemwi? Endai kuvaporofita vababa venyu nekuvaporofita vamai venyu. Mambo waIsraeri ndokuti kwaari: Kwete, nokuti Jehovha wakadana madzimambo awa matatu kuvapa muruoko rwaMoabhu.

14 Erisha ndokuti: NaJehovha wehondo mupenyu, wandimire pamberi pake, zvirokwazvo dai ndisaigamuchira chiso chaJehoshafati mambo waJudha, handizaitarira kwamuri, kana kukuonai.

15 Asi zvino ndivigirei muridzi wembira. Zvino muridzi wembira wakati achiridza, ruoko rwaJehovha rwukava pamusoro pake.

16 Zvino wakati: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Itai mupata uyu uve makoronga-makoronga.

17 Nokuti ndizvo zvinoreva Jehovha: Hamungaoni mhepo, uye hamungaoni mvura; asi mupata uyu uchazadzwa nemvura; kuti munwe imwi nemombe dzenyu nezvipfuwo zvenyu.

18 Asi izvi zvakareruka pameso aJehovha; achapawo Moabhu muruoko rwenyu.

19 Zvino mucharova guta rimwe nerimwe rakashoshewa neguta rimwe nerimwe rakasarudzwa, muteme muti umwe neumwe wakanaka, mudzivire zvitubu zvose zvemvura, nekushatisa nemabwe munda umwe neumwe wakanaka.

20 Zvino zvakaitika mangwanani, paiva papiwa chipo chechidyiwa, kuti tarira, kwakauya mvura kubva munzira yeEdhomu, nyika ndokuzadzwa nemvura.

21 Zvino vaMoabhu vose vakati vanzwa kuti madzimambo akwira kuvarwisa, vakaunganidza kubva kune wose anosungira zvombo zvichikwira, ndokumira pamuganhu.

22 Zvino vakamuka mangwanani-ngwanani, zuva ndokuonekwa pamusoro pemvura, vaMoabhu ndokuona mvura pakatarisana navo yakatsvuka seropa.

23 Zvino vakati: Iropa iri; madzimambo aparadzwa zvekuparadzwa, uye vaurayana. Naizvozvo kunopamba ikozvino, Moabhu.

24 Pavakasvika pamusasa waIsraeri, vaIsraeri vakasimuka ndokurova vaMoabhu, kusvika vatiza kubva pamberi pavo; asi vakapinda munyika vachirova vaMoabhu.

25 Zvino vakaputsa maguta, nepamunda wakanaka umwe neumwe vakakanda umwe neumwe ibwe rake, ndokuizadza; uye vakadzivira zvitubu zvose zvemvura, ndokutema miti yose yakanaka, kusvika kwasara mabwe ayo ega paKiri-Hareseti; asi vapotseri nezvifuramabwe vakaripoteredza, ndokurirova.

26 Mambo waMoabhu wakati aona kuti hondo yakamusimbira zvikuru, wakatora pamwe naye varume mazana manomwe vaivhomora munondo, kuti apazire kuna mambo waEdhomu; asi vakakonewa.

27 Zvino wakatora mwanakomana wake wedangwe waizova mambo pachinzvimbo chake ndokumupa kuva chipo chinopiswa pamusoro perusvingo. Ndokuva nehasha huru dzakanangana naIsraeri, vakabva kwaari, ndokudzokera kunyika.