ShonaTeam 2 Kings « 2 »

Eria anokwira kudenga

2Zvino zvakaitika, Jehovha paaizokwidza Eria kumatenga nechinyamupupuri, Eria ndokuenda naErisha kubva kuGirigari.

2 Eria ndokuti kuna Erisha: Gara hako pano, nokuti Jehovha wandituma kuBheteri. Erisha ndokuti: NaJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wenyu mupenyu, handingakusiii. Zvino vakaburukira kuBheteri.

3 Zvino vanakomana vevaporofita vaiva paBheteri vakabuda kuuya kuna Erisha ndokuti kwaari: Unoziva here kuti Jehovha achabvisa nhasi tenzi wako pamusoro wako? Iye ndokuti: Hongu, ini ndinoziva; nyararai.

4 Eria ndokuti kwaari: Erisha, gara hako pano, nokuti Jehovha wandituma kuJeriko. Iye ndokuti: NaJehovha mupenyu, uye nemweya weupenyu wenyu mupenyu, handingakusiii. Zvino vakasvika kuJeriko.

5 Zvino vanakomana vevaporofita vaiva paJeriko vakaswedera kuna Erisha ndokuti kwaari: Unoziva here kuti Jehovha achabvisa nhasi tenzi wako pamusoro wako? Iye ndokuti: Hongu, ini ndinoziva; nyararai.

6 Eria ndokuti kwaari: Gara hako pano, nokuti Jehovha wandituma kuJoridhani. Iye ndokuti: NaJehovha mupenyu, uye nemweya wenyu mupenyu, handingakusiii. Zvino vakaenda vari vaviri.

7 Zvino varume makumi mashanu vevanakomana vevaporofita vakaenda ndokumira kure pakatarisana navo; ivo vari vaviri ndokumira paJoridhani.

8 Eria ndokutora nguvo yake, ndokuipeta, ndokurova mvura; iyo ndokudambuka kuno neuko; ivo vaviri ndokuyambuka pavhu rakaoma.

9 Zvino zvakaitika pavaiva vayambuka kuti Eria wakati kuna Erisha: Kumbira chandingakuitira ndisati ndabviswa kwauri. Erisha ndokuti: Zvikamu zvakapetwa kaviri zvemweya wenyu ngazvive hazvo pamusoro pangu.

10 Zvino iye wakati: Wakumbira chinhu chakaoma; kana ukandiona ndichibviswa kwauri, zvichava saizvozvo kwauri; asi kana zvisina kudaro, hazvingaitiki.

11 Zvino zvakaitika vachiri kufamba vachitaura, kuti tarira, kwakava nengoro yemoto nemabhiza emoto, ndokuvaparadzanisa vari vaviri; Eria ndokukwira kumatenga nechinyamupupuri.

12 Erisha ndokuzviona, ndokudanidzira achiti: Baba vangu, baba vangu, ngoro yaIsraeri nevatasvi vayo vemabhiza. Zvino haana kuzomuonazve. Zvino wakabata nguvo dzake, ndokudzibvarura kuita mapandi maviri.

13 Zvino wakanonga jazi raEria raiva rawa kubva kwaari, ndokutendeuka ndokumira pamahombekombe aJoridhani.

14 Ndokutora jazi raEria raiva rawa kubva kwaari, ndokurova mvura, ndokuti: Aripi Jehovha Mwari waEria? Iyewo wakati arova mvura, iyo ndokuparadzana kuno neuko, Erisha ndokuyambuka.

15 Zvino vanakomana vevaporofita vaiva paJeriko pakatarisana naye vachiona ndokuti: Mweya waEria ugere pamusoro paErisha. Zvino vakauya kumuchingamidza, ndokukotamira pasi pamberi pake.

16 Zvino vakati kwaari: Tarirai ikozvino, kune vanakomana vakasimba makumi mashanu pamwe nevaranda venyu; regai henyu vaende vanotsvaka tenzi wenyu, zvimwe Mweya waJehovha wamukwidza ndokumupotsera kune rimwe remakomo, kana kune umwe wemipata. Iye ndokuti: Musatuma.

17 Asi vakati vamugombedzera kusvika anyara; iye ndokuti: Tumai. Zvino vakatuma varume makumi mashanu, ndokutsvaka mazuva matatu, asi havana kumuwana.

18 Zvino vakadzokera kwaari agere paJeriko; iye ndokuti kwavari: Handina kuti kwamuri here: Musaenda?

Erisha anorapa mvura yeJeriko

19 Zvino varume veguta vakati kuna Erisha: Tarirai henyu, nzvimbo yeguta yakanaka sezvinoona ishe wangu, asi mvura yakaipa, nevhu harina kukora.

20 Iye ndokuti: Ndivigire ndiro itsva, mugoisamo munyu. Vagounza kwaari.

21 Zvino wakabuda kuenda kuchitubu chemvura, ndokukandamo munyu, ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndarapa mvura iyi, hapachazobvipo rufu kana kusabereka.

22 Zvino mvura yakarapiwa kusvika nhasi zvichienderana neshoko raErisha raakataura.

Vana vanoseka Erisha vanourawa nemapere

23 Zvino wakakwira kubva ipapo kuenda kuBheteri; paaikwira nenzira, kwakabuda vana vadiki kubva muguta, ndokumuseka, ndokuti kwaari: Kwira nyamanza, kwira nyamanza!

24 Zvino wakatendeuka ndokuvatarisa, ndokuvatuka nezita raJehovha. Zvino kwakabuda maperekadzi maviri mudondo ndokubvambura vakomana makumi mana nevaviri kwavari.

25 Zvino wakabvapo kuenda kugomo reKarimeri, uye kubva ipapo wakadzokera kuSamariya.