ShonaTeam 2 Kings « 1 »

Kurwara nekufa kwaAhaziya mambo waIsraeri

1 Zvino Moabhu wakamukira Israeri shure kwekufa kwaAhabhi.

2 Zvino Ahaziya wakawa nepakarukwa pahwindo rekamuri yake yekumusoro, yaiva paSamariya, ndokurwara. Zvino wakatuma nhume ndokuti kwadziri: Endai mubvunze Bhaari-Zebhubhi, mwari weEkironi, kana ndichapora pakurwara uku.

3 Asi mutumwa waJehovha wakati kuna Eria muTishibhi: Simuka ukwire kunosangana nenhume dzamambo weSamariya, ugoti kwadziri: Imhaka yekuti hakuna Mwari here kwaIsraeri kuti muende munobvunza Bhaari-Zebhubhi mwari weEkironi?

4 Naizvozvo zvino, ndizvo zvinoreva Jehovha: Mubhedha wawakakwira pauri haungaburuki pauri, nokuti uchafa zvekufa. Eria ndokuenda.

5 Zvino nhume dzakadzokera kwaari, iye ndokuti kwadziri: Madzokera chii?

6 Idzo ndokuti kwaari: Kwakwira umwe murume kusangana nesu ndokuti kwatiri: Endai mudzokere kuna mambo wakakutumai, mugoti kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha. Imhaka yekuti hakuna Mwari kwaIsraeri here, kuti utume kunobvunza Bhaari-Zebhubhi mwari weEkironi? Naizvozvo mubhedha wawakakwira pauri haungaburuki pauri, nokuti uchafa zvekufa.

7 Iye ndokuti kwadziri: Murume wakaita sei wakakwira kusangana nemwi ndokukuudzai mashoko awa?

8 Zvino dzakati kwaari: Wanga ari murume ane mvere akasunga nguvo yedehwe pachiuno chake. Iye ndokuti: NdiEria muTishibhi.

9 Zvino wakatuma kwaari mukuru wevane makumi mashanu pamwe nevane makumi mashanu vake. Zvino wakakwira kwaari, zvino tarira, agere panhongonya yegomo. Iye ndokuti kwaari: Munhu waMwari, mambo anoti: Burukai.

10 Zvino Eria wakapindura ndokuti kumukuru wevane makumi mashanu: Kana zvirokwazvo ndiri munhu waMwari, ngakuburuke moto kubva kumatenga, ugokupedza iwe nevane makumi mashanu vako. Zvino moto wakaburuka kubva kumatenga ndokumupedza pamwe nevane makumi mashanu vake.

11 Zvino wakatumazve kwaari umwe mukuru wevane makumi mashanu nevane makumi mashanu vake. Iye ndokupindura ndokuti kwaari: Munhu waMwari, ndizvo zvinoreva mambo: Burukai nekukurumidza.

12 Eria ndokupindura ndokuti kwavari: Kana ndiri munhu waMwari, ngakuburuke moto kubva kumatenga, ukupedze iwe nevane makumi mashanu vako. Zvino moto waMwari wakaburuka kubva kumatenga, ndokumupedza iye nevane makumi mashanu vake.

13 Zvino wakatumazve mukuru wevane makumi mashanu vetatu pamwe nevane makumi mashanu vake. Zvino mukuru wevane makumi mashanu wechitatu wakakwira ndokufugama nemabvi ake pamberi paEria, ndokumukumbira, ndokuti kwaari: Munhu waMwari, upenyu hwangu neupenyu hwevaranda venyu ava vane makumi mashanu ngahuve hahwo hwakakosha pameso enyu.

14 Tarirai, waburuka moto kubva kumatenga, ndokupedza vakuru vaviri vekutanga vevane makumi mashanu nevane makumi mashanu vake; zvino ikozvino, mweya wangu ngauve wakakosha pameso enyu.

15 Zvino mutumwa waJehovha wakati kuna Eria: Buruka pamwe naye, usamutya. Zvino wakasimuka ndokuburuka pamwe naye kuna mambo.

16 Zvino wakati kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nemhaka yekuti watuma nhume kunobvunza Bhaari-Zebhubhi mwari weEkironi, imhaka yekuti hakuna Mwari here kwaIsraeri kuti ubvunze shoko rake? Naizvozvo mubhedha wawakakwira pauri haungaburuki pauri, nokuti uchafa zvekufa.

17 Zvino wakafa zvichienderana neshoko raJehovha Eria raakataura. Jehoramu ndokuva mambo pachinzvimbo chake, negore rechipiri raJehoramu mwanakomana waJehoshafati mambo waJudha; nokuti iye waiva asina mwanakomana.

18 Zvino dzimwe nyaya dzaAhaziya dzaakaita, hadzina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?