ShonaTeam 1 Kings « 22

Ahabhi anoita sungano naJehoshafati; kufa kwaAhabhi

22Zvino vakagara makore matatu pasina hondo pakati peSiriya naIsraeri.

2 Zvino zvakaitika mugore rechitatu kuti Jehoshafati mambo waJudha wakaburukira kuna mambo waIsraeri.

3 Zvino mambo waIsraeri wakati kuvaranda vake: Munoziva here kuti Ramoti-Giriyadhi nderedu? Asi takanyarara tisingaritori kubva muruoko rwamambo weSiriya.

4 Zvino wakati kuna Jehoshafati: Uchaenda neni kunorwa neRamoti-Giriyadhi here? Jehoshafati ndokuti kuna mambo waIsraeri: Sewe ndizvo zvandakaita, sevanhu vangu ndizvo zvakaita vanhu vako, semabhiza angu ndizvo zvakaita mabhiza ako.

5 Zvino Jehoshafati wakati kuna mambo waIsraeri: Bvunza hako nhasi shoko raJehovha.

6 Zvino mambo waIsraeri wakaunganidza vaporofita vanenge varume mazana mana, ndokuti kwavari: Ndiende kunorwisa Ramoti-Giriyadhi pahondo here, kana ndirege? Ivo ndokuti: Kwirai, nokuti Ishe acharipa muruoko rwamambo.

7 Jehoshafati ndokuti: Hakuchina here pano muporofita waJehovha watingabvunza kwaari?

8 Zvino mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati: Achiripo murume umwe, Mikaya mwanakomana waImira, kubvunza naye kuna Jehovha; asi ini ndinomuvenga, nokuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu, asi zvakaipa. Jehoshafati ndokuti: Mambo ngaarege kureva saizvozvo.

9 Zvino mambo waIsraeri wakadana mutenwa, ndokuti: Kurumidzisa Mikaya mwanakomana waImira.

10 Zvino mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vakagara umwe neumwe pachigaro chake cheushe, vapfeka nguvo refu dzavo, vari paburiro pamukova wesuwo reSamariya; vaporofita vose ndokuporofita pamberi pavo.

11 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana wakazviitira nyanga dzematare, ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Neidzi muchasunda VaSiriya kusvika mavapedza.

12 Zvino vaporofita vose vakaporofita saizvozvo, vachiti: Kwirai kuRamoti-Giriyadhi, uye mukunde, nokuti Jehovha acharipa muruoko rwamambo.

13 Zvino nhume yaiva yaenda kunodana Mikaya yakataura kwaari ichiti: Tarirai ikozvino, mashoko evaporofita nemuromo umwe akanaka kuna mambo; shoko renyu ngarifanane haro neshoko reumwe wavo, uye mutaure zvakanaka.

14 Zvino Mikaya wakati: NaJehovha mupenyu, izvo Jehovha zvaanotaura kwandiri, izvo ndichataura.

15 Zvino wakasvika kuna mambo; mambo ndokuti kwaari: Mikaya, tiende kuRamoti-Giriyadhi kuhondo here, kana tirege? Iye ndokuti kwaari: Kwirai munokunda, nokuti Jehovha acharipa muruoko rwamambo.

16 Mambo ndokuti kwaari: Ndichakupikisa kusvika kangani kuti usandiudza chinhu kunze kwechokwadi muzita raJehovha?

17 Iye ndokuti: Ndaona Israeri wose akapararira pamusoro pemakomo semakwai asina mufudzi; Jehovha ndokuti: Ava havana tenzi; ngavadzokere umwe neumwe kumba kwake nerugare.

18 Zvino mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati: Handina kukuudza here kuti haaporofiti zvakanaka pamusoro pangu asi zvakaipa?

19Mikaya ndokuti: Naizvozvo inzwai shoko raJehovha: Ndaona Jehovha agere pachigaro chake cheushe, nehondo dzose dzekumatenga dzimire naye kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.

20 Jehovha ndokuti: Ndiani achakwezva Ahabhi kuti akwire anowira paRamoti-Giriyadhi? Uyu ndokureva seizvi uye uyo ndokureva seizvi.

21 Zvino kwakabuda mweya, ndokumira pamberi paJehovha, ndokuti: Ini ndichamukwezva.

22 Jehovha ndokuti kwauri: Nei? Iwo ndokuti: Ndichabuda ndive mweya wenhema mumuromo wevaporofita vake vose. Iye ndokuti: Uchakwezva uye uchakundawo; buda uite saizvozvo.

23 Zvino ikozvino, tarirai, Jehovha waisa mweya wenhema mumuromo wevaporofita venyu ava vose, uye Jehovha wakataura zvakaipa pamusoro penyu.

24 Zvino Zedhekia mwanakomana waKenaana wakaswedera, ndokurova Mikaya padama, ndokuti: Mweya waJehovha wapfuura nepi uchibva kwandiri kunotaura newe?

25 Mikaya ndokuti: Tarira, uchaona nezuva iro, pauchapinda mukamuri yemukati kunovanda.

26 Zvino mambo waIsraeri wakati: Tora Mikaya, ugomudzosera kuna Amoni mubati weguta, nekuna Joashi mwanakomana wamambo.

27 Zvino muti: Ndizvo zvinoreva mambo: Isai uyu mutirongo, mumudyise chingwa chekutamburira nemvura yekutamburira kusvika ndadzoka nerugare.

28 Mikaya ndokuti: Kana mukatongodzoka nerugare, Jehovha haana kutaura neni. Ndokuti: Inzwai, vanhu, imwi mose.

29 Naizvozvo mambo waIsraeri naJehoshafati mambo waJudha vakakwira kuRamoti-Giriyadhi.

30 Zvino mambo waIsraeri wakati kuna Jehoshafati: Ndichazvivanza chimiro ndipinde muhondo; asi iwe pfeka nguvo refu dzako. Mambo waIsraeri ndokuzvivanza chimiro ndokupinda muhondo.

31 Zvino mambo weSiriya wakaraira vatariri vengoro dzake vari makumi matatu nevaviri, achiti: Musarwa nemudiki kana nemukuru, asi namambo waIsraeri chete.

32 Zvino zvakaitika, vatariri vengoro pavakaona Jehoshafati, kuti ivo vakati: Zvirokwazvo ndimambo waIsraeri. Zvino vakamutendeukira kurwa; Jehoshafati ndokuridza mhere.

33 Zvino zvakaitika vatariri vengoro pavakaona kuti waiva asiri mambo waIsraeri, kuti vakadzoka pakumutevera.

34 Zvino umwe murume wakahwembura uta asingaongorori ndokurova mambo waIsraeri pakati pepakabatanidzwa nepenguvo yeutare; iye ndokuti kumufambisi wengoro yake: Dzora ruoko rwako undibudise pakati pemusasa, nokuti ndakuvadzwa.

35 Zvino hondo yakawedzera nezuva iro; mambo ndokutsigirwa mungoro yake akatarisana nevaSiriya; ndokufa madekwani; ropa revanga ndokubuda kuenda muzasi mengoro.

36 Zvino pakuvira kwezuva kwakagura kudanidzira pamusasa kuchiti: Umwe neumwe kuguta rake, uye umwe neumwe kunyika yake.

37 Zvino mambo wakafa, ndokuiswa kuSamariya. Zvino vakaviga mambo paSamariya.

38 Zvino vakasuka ngoro padziva reSamariya, imbwa ndokunanzva ropa rake, paishamba zvifeve, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura.

39 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAhabhi, nezvose zvaakaita, neimba yenyanga dzenzou yaakavaka, nemaguta ose aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

40 Naizvozvo Ahabhi wakarara nemadzibaba ake; Ahaziya mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

41 Zvino Jehoshafati mwanakomana waAsa wakava mambo pamusoro paJudha pagore rechina raAhabhi mambo waIsraeri.

42 Zvino Jehoshafati waiva ava wemakore makumi matatu nemashanu paakava mambo; ndokutonga makore makumi maviri nemashanu paJerusarema. Uye zita ramai vake raiva Azubha mukunda waShirihi.

43 Zvino wakafamba panzira yose yaAsa baba vake; haana kutsauka pairi, achiita zvakarurama pameso aJehovha; zvakadaro nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa; vanhu vaingopa zvibairo vachipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.

44 Jehoshafati ndokuyanana namambo waIsraeri.

45 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJehoshafati, nesimba raakaratidza, uye kuti wakarwa sei, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

46 Zvino vakasara vengochani vakasara pamazuva aAsa baba vake wakavabvisa kubva panyika.

47 Zvino kwaiva kusina mambo paEdhomu; mubatiri waiva mambo.

48 Jehoshafati akaita zvikepe zveTarishishi kuenda kuOfiri kugoridhe; asi hazvina kuenda, nokuti zvikepe zvakaputsika paEziyoni-Gebheri.

49 Panguva iyoyo Ahaziya mwanakomana waAhabhi wakati kuna Jehoshafati: Varanda vangu ngavaende nevaranda vako muzvikepe. Asi Jehoshafati haana kuda.

50 Jehoshafati ndokurara nemadzibaba ake; uye wakavigwa kumadzibaba ake muguta raDhavhidhi baba vake; Jehorami mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

51 Ahaziya mwanakomana waAhabhi ndokuva mambo pamusoro paIsraeri paSamariya pagore regumi nemanomwe raJehoshafati mambo waJudha, ndokutonga pamusoro paIsraeri makore maviri.

52 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokufamba nenzira yababa vake, uye nenzira yamai vake, uye nenzira yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, wakatadzisa Israeri.

53 Nokuti wakashumira Bhaari, ndokumunamata, ndokutsamwisa Jehovha Mwari waIsraeri, zvichienderana nezvose baba vake zvavakaita.