ShonaTeam 1 Kings « 21 »

Ahabhi anotora munda waNabhoti nesimba

21Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi, Nabhoti muJezireeri waiva ane munda wemizambiringa waiva paJezireeri pedo neimba yeushe yaAhabhi mambo weSamariya.

2 Zvino Ahabhi wakataura kuna Nabhoti achiti: Ndipe munda wako wemizambiringa kuti uve kwandiri munda wemiriwo, nokuti uri pedo parutivi rweimba yangu; ndigokupa munda wemizambiringa uri nani pane uyu pachinzvimbo chawo; kana zvakanaka pameso ako, ndichakupa mari yemutengo wawo.

3 Zvino Nabhoti wakati kuna Ahabhi: Ngazvive kure neni kuna Jehovha, kuti ndikupei nhaka yemadzibaba angu.

4 Zvino Ahabhi wakapinda mumba make akaremerwa uye akatsamwa nekuda kweshoko Nabhoti muJezireeri raakataura kwaari; nokuti wakati: Handingakupii nhaka yemadzibaba angu. Zvino wakatsivama pamubhedha wake, ndokutendeusa chiso chake, uye haana kudya zvekudya.

5 Zvino Jezebheri mukadzi wake wakapinda kwaari ndokutaura kwaari: Sei mweya wenyu wakanuva kuti musadya zvekudya?

6 Zvino wakati kwaari: Nokuti ndataura kuna Nabhoti muJezireeri ndokuti kwaari: Ndipe munda wako wemizambiringa ndiutenge nemari, kana kuti kana uchida ndichakupa munda wemizambiringa pachinzvimbo chawo; iye ndokuti: Handingakupii munda wangu wemizambiringa.

7 Zvino Jezebheri mukadzi wake wakati kwaari: Ikozvino ndimwi munotonga ushe pamusoro paIsraeri? Mukai, mudye zvekudya, uye moyo wenyu ufare; ndichakupai ini munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri.

8 Naizvozvo wakanyora tsamba muzita raAhabhi, ndokudzidhinda nechidhindo chake, ndokutuma tsamba kuvakuru nekumachinda vaiva muguta rake, vagere naNabhoti.

9 Zvino wakanyora mudzitsamba achiti: Danidzirai mutsanyo mugogarisa Nabhoti pamusoro pevanhu.

10 Zvino muise varume vaviri vanakomana vaBheriari pakatarisana naye kuti vapupure kupokana naye vachiti: Wakatuka Mwari namambo. Zvino vachamubudisa vamutake nemabwe kusvika afa.

11 Zvino varume veguta rake, vakuru nemachinda vaigara muguta rake vakaita Jezebheri sezvaaiva atuma kwavari, sezvaiva zvakanyorwa mutsamba dzaaiva avatumira.

12 Vakadanidzira mutsanyo, ndokugarisa Nabhoti pamusoro pevanhu.

13 Zvino kwakapinda varume vaviri vanakomana vaBheriari, ndokugara pamberi pake; vanakomana vaBheriari ndokumupupurira, kurwisa Nabhoti, pamberi pevanhu, vachiti: Nabhoti wanyomba Mwari namambo. Zvino vakamubudisira kunze kweguta, ndokumutaka nemabwe kusvika afa.

14 Zvino vakatuma kuna Jezebheri, vachiti: Nabhoti watakwa nemabwe, uye wafa.

15 Zvino zvakaitika Jezebheri paakanzwa kuti Nabhoti watakwa nemabwe, uye wafa, kuti Jezebheri wakati kuna Ahabhi: Muka, utore munda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri uve wako, waakaramba kukupa nemari, nokuti Nabhoti haasi mupenyu, asi wafa.

16 Zvino zvakaitika pakunzwa kwaAhabhi kuti Nabhoti wafa, kuti Ahabhi wakasimuka kuburukira kumunda wemizambiringa waNabhoti muJezireeri, kuuita wake.

17 Zvino kwakasvika shoko raJehovha kuna Eria muTishibhi richiti:

18 Simuka uburukire kunosangana naAhabhi mambo waIsraeri ari muSamariya; tarira, ari mumunda wemizambiringa waNabhoti, kwaaburukira kunouita wake.

19 Zvino uchataura kwaari uchiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Wauraya uye watora kuva zvako here? Uye uchataura kwaari uchiti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Panzvimbo imbwa padzananzva ropa raNabhoti, imbwa dzichananzva ropa rako, iro rakowo.

20 Zvino Ahabhi wakati kuna Eria: Wandiwana here, iwe muvengi wangu? Iye ndokuti: Ndakuwana; nekuda kwekuzvitengesa kwako kuita chakaipa pameso aJehovha.

21 Tarira, ndichauisa chakaipa pamusoro pako, uye ndichatsvaira chizvarwa chako, uye ndichagura kubva kuna Ahabhi anowetera pamadziro newakavharirwa newakasununguka kwaIsraeri.

22 Zvino ndichaita imba yako seimba yaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, uye seimba yaBhaasha mwanakomana waAhija, nekuda kwekutsamwisa kwawakatsamwisa nako, uye ukaita kuti Israeri atadze.

23 Zvino maererano naJezebheri Jehovha wakataurawo achiti: Imbwa dzichadya Jezebheri parusvingo rweJezireeri.

24 Anofira muguta kwaAhabhi, imbwa dzichadya; neanofira kusango, shiri dzekumatenga dzichadya.

25 Asi hakuna kuva newakaita saAhabhi, wakazvitengesa kuita chakaipa pameso aJehovha, Jezebheri mukadzi wake wakamukurudzira.

26 Ndokuita zvinyangadzo kwazvo pakutevera zvifananidzo maererano nezvose izvo vaAmori zvavakaita, ivo Jehovha vaakadzinga panhaka pamberi pevana vaIsraeri.

27 Zvino zvakaitika Ahabhi paakanzwa mashoko iwawo, kuti wakabvarura nguvo dzake ndokuisa masaga pamusoro pemuviri wake, ndokutsanya, ndokurara mumasaga, ndokufamba zvinyoro-nyoro.

28 Zvino shoko raJehovha rakasvika kuna Eria muTishibhi richiti:

29 Waona here kuti Ahabhi wazvininipisa pamberi pangu? Nekuda kwekuti wazvininipisa pamberi pangu, handingauisi chakaipa pamazuva ake; pamazuva emwanakomana wake ndichauisa chakaipa ichi paimba yake.