ShonaTeam 1 Kings « 20 »

Kurwa pakati paAhabhi naBheni-Hadhadhi, mambo weSiriya

20Zvino Bheni-Hadhadhi, mambo weSiriya, wakaunganidza hondo yake yose. Zvino kwaiva nemadzimambo makumi matatu nemaviri pamwe naye, nemabhiza nengoro; ndokukwira ndokukomba Samariya, ndokurwa naro.

2 Zvino wakatuma nhume kuna Ahabhi mambo waIsraeri muguta, ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva Bheni-Hadhadhi:

3 Sirivha yako negoridhe rako ndezvangu, nevakadzi vako nevana vako vakanakisisa ndevangu.

4 Zvino mambo waIsraeri akapindura ndokuti: Zvichienderana neshoko renyu, ishe wangu mambo; ndiri wenyu, nezvose zvandinazvo.

5 Nhume dzikadzoka ndokuti: Ndizvo zvinoreva Bheni-Hadhadhi achiti: Kunyange ndakatuma kwauri ndichiti: Sirivha yako negoridhe rako, nevakadzi vako nevana vako, uzvipe kwandiri;

6 zvakadaro ndichatuma varanda vangu kwauri mangwana nenguva inenge ino; vachanzvera imba yako nedzimba dzevaranda vako; uye zvichaitika kuti chinhu chose chinodikanwa pameso ako vachaisa muruoko rwavo ndokutora.

7 Zvino mambo waIsraeri wakadana vakuru vose venyika, ndokuti: Cherekedzai henyu muone kuti munhu uyu anotsvaka chakaipa; nokuti wakatuma kwandiri zvevakadzi vangu nezvevana vangu nezvesirivha yangu nezvegoridhe rangu, ndikasamunyima.

8 Zvino vakuru vose nevanhu vose vakati kwaari: Usateerera uye usabvuma.

9 Naizvozvo wakati kunhume dzaBheni-Hadhadhi: Udzai ishe wangu mambo: Zvose zvamakatuma kumuranda wenyu pakutanga ndichaita, asi chinhu ichi handikwanisi kuita. Zvino nhume dzakaenda, ndokumudzosera shoko.

10 Zvino Bheni-Hadhadhi wakatuma kwaari ndokuti: Vamwari ngavaite saizvozvo kwandiri, vawedzere saizvozvo, kana guruva reSamariya rikaringana maoko azere aivo vanhu vose vanonditevera.

11 Zvino mambo waIsraeri wakapindura ndokuti: Muudzei: Anosungira zvombo muchiuno ngaarege kuzvikudza seanozvisunungura.

12 Zvino zvakaitika paakanzwa shoko iri achiri kunwa, iye nemadzimambo mumisasa, kuti wakati kuvaranda vake: Zvimisei! Zvino vakazvimisira kurwisa guta.

13 Zvino tarira, kwakaswedera umwe muporofita kuna Ahabhi mambo waIsraeri, iye ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Unochiona chaunga ichi chose chikuru here? Tarira, ndichachipa muruoko rwako nhasi; uye uchaziva kuti ini ndiri Jehovha.

14 Ahabhi ndokuti: Nani? Iye ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nemajaya emachinda ematunhu. Iye ndokuti: Ndiani achavamba hondo? Iye ndokuti: Iwe!

15 Zvino wakaverenga majaya emachinda ematunhu; uye vaiva mazana maviri nemakumi matatu nemaviri. Zvino shure kwavo wakaverenga vanhu vose, vana vose vaIsraeri, zvuru zvinomwe.

16 Zvino vakabuda pamasikati makuru. Zvino Bheni-Hadhadhi ainwira kudhakwa mumisasa, iye nemadzimambo, madzimambo makumi matatu nemaviri aimubatsira.

17 Zvino majaya emachinda ematunhu akatanga kubuda. Bheni-Hadhadhi ndokutuma nhume, zvino vakamuudza vachiti: Kwabuda varume paSamariya.

18 Iye ndokuti: Kunyange vabudira rugare, vabatei vari vapenyu, kana kunyange vabudira hondo, vabatei vari vapenyu.

19 Zvino ava vakabuda muguta, majaya emachinda ematunhu, nehondo yakavatevera.

20 Zvino vakauraya umwe neumwe munhu wake. VaSiriya ndokutiza, Israeri ndokuvadzingirira. Uye Bheni-Hadhadhi mambo weSiriya wakapukunyuka nebhiza pamwe nevatasvi vemabhiza.

21 Zvino mambo waIsraeri wakabuda, ndokurova mabhiza nengoro, ndokuuraya VaSiriya nekuuraya kukuru.

22 Zvino muporofita wakaswedera kuna mambo waIsraeri ndokuti kwaari: Enda unozvisimbisa, uchenjerere uye uone zvaunoita; nokuti pakudzoka kwegore mambo weSiriya achakwira kukurwisa.

23 Zvino varanda vamambo weSiriya vakati kwaari: Vamwari vavo ndivamwari vemakomo; saka vakasimba panesu. Asi zvirokwazvo ngativarwise mubani; zvirokwazvo tichasimba pana ivo.

24 Zvino ita chinhu ichi: Bvisa madzimambo, umwe neumwe kubva panzvimbo yake, uise vatariri panzvimbo yavo.

25 Uye iwe uzviverengere hondo sehondo yakawa kwauri, uye bhiza pabhiza, nengoro pangoro, tigorwa navo pabani; zvirokwazvo tichasimba pana ivo. Zvino wakateerera inzwi ravo, ndokuita saizvozvo.

26 Zvino zvakaitika pakudzoka kwegore, kuti Bheni-Hadhadhi wakaverenga VaSiriya, ndokukwira kuAfeki kunorwa naIsraeri.

27 Vana vaIsraeri vakaverengwawo, ndokupiwa mbuva, ndokubuda kuvarwisa; vana vaIsraeri ndokudzika matende mberi kwavo sezvipoka zviviri zvembudzi, asi VaSiriya vakazadza nyika.

28 Zvino kwakaswedera munhu waMwari ndokutaura kuna mambo waIsraeri ndokuti: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nekuda kwekuti VaSiriya vakati: Jehovha ndiMwari wemakomo, asi haasi Mwari wemipata, naizvozvo ndichapa chaunga ichi chose chikuru muruoko rwako; zvino muchaziva kuti ini ndiri Jehovha.

29 Zvino vakadzika misasa, ava vakatarisana neava mazuva manomwe. Zvino kwakati nezuva rechinomwe, hondo yakasangana; vana vaIsraeri ndokuuraya VaSiriya vaifamba nemakumbo, zvuru zana nezuva rimwe.

30 Asi vakasara vakatizira kuAfeki kuguta; rusvingo ndokuwira pamusoro pevarume zvuru makumi maviri nezvinomwe vaiva vasara. NaBheni-Hadhadhi wakatiza ndokupinda muguta mukamuri yemukati.

31 Zvino varanda vake vakati kwaari: Zvino tarirai, tanzwa kuti madzimambo eimba yaIsraeri madzimambo ane nyasha; rega hako tiise masaga pazviuno zvedu, uye tambo pamisoro yedu, tigobudira kuna mambo waIsraeri; zvimwe achachengeta mweya wenyu uri mupenyu.

32 Naizvozvo vakasunga masaga pazviuno zvavo, netambo pamisoro yavo, ndokusvika kuna mambo waIsraeri ndokuti: Muranda wenyu Bheni-Hadhadhi anoti: Ndiregei henyu ndirarame. Iye ndokuti: Achiri mupenyu here? Ihama yangu.

33 Varume avo ndokuchenjerera nekushingaira ndokukurumidza kugamuchira shoko kubva kwaari, ndokuti: Bheni-Hadhadhi hama yenyu. Ndokuti: Endai, mumutore. Bheni-Hadhadhi ndokubudira kwaari; ndokumukwidza pangoro.

34 Zvino Bheni-Hadhadhi wakati kwaari: Maguta baba vangu avakatora kuna baba vako ndichadzosera, uye muchazviitira mugwagwa muDhamasiko, baba vangu seyavakaita muSamariya. Ahabhi ndokuti: Ini ndichakurega uende nesungano iyi. Zvino wakaita sungano naye akamurega achienda.

35 Zvino umwe murume wevanakomana vevaporofita wakati kumuvakidzani wake neshoko raJehovha: Ndirove hako. Murume ndokuramba kumurova.

36 Zvino wakati kwaari: Nekuda kwekuti hauna kuteerera kuinzwi raJehovha, tarira, uchangobva kwandiri, shumba ichakuuraya. Wakati achangobva kwaari, shumba yakamuwana, ndokumuuraya.

37 Zvino wakawana umwe murume ndokuti: Ndirove hako. Murume ndokumurova, kurova nekukuvadza.

38 Naizvozvo muporofita wakabva, ndokumirira mambo panzira, ndokuzvivanza chimiro nemucheka pameso ake.

39 Zvino zvakaitika mambo paaipfuura kuti iye wakadanidzira kuna mambo, ndokuti: Muranda wenyu wakabudira mukati mehondo, zvino tarira, munhu wakatsauka ndokuunza munhu kwandiri, ndokuti: Chengeta munhu uyu. Kana akarasika zvekurasika, ipapo upenyu hwako huchava pachinzvimbo cheupenyu hwake, kana uripe tarenda resirivha.

40 Muranda wenyu paaiva akabatikana pano nepapo, iye wakava asipo. Mambo waIsraeri ndokuti kwaari: Mutongo wako wakadaro, wautema iwe.

41 Zvino wakakurumidza ndokubvisa mucheka kubva pameso ake; mambo waIsraeri ndokumuziva kuti ndeumwe wevaporofita.

42 Zvino iye wakati kwaari: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Nokuti warega kuti abude muruoko rwako munhu wandakamisira kumuparadza, naizvozvo upenyu hwako huchava pachinzvimbo cheupenyu hwake, nevanhu vako pachinzvimbo chevanhu vake.

43 Naizvozvo mambo waIsraeri wakaenda kumba kwake aremerwa, atsamwa, ndokusvika kuSamariya.