ShonaTeam 1 Kings « 19 »

Eria pagomo reHorebhu

19Zvino Ahabhi wakaudza Jezebheri zvose Eria zvaaiva aita, nevose vaakauraya, vaporofita vose nemunondo.

2 Zvino Jezebheri wakatuma nhume kuna Eria achiti: Ngavaite saizvozvo vamwari, ngavawedzere saizvozvo, zvirokwazvo nenguva inenge ino mangwana ndikaita upenyu hwako huve seupenyu hweumwe wavo.

3 Wakati aona izvozvo wakasimuka ndokuenda nekuda kweupenyu hwake, ndokusvika paBheeri-Shebha rinova raJudha, ndokusiyapo muranda wake.

4 Asi iye wakafamba rwendo rwezuva kurenje, ndokusvika ndokugara pazasi peumwe muti wemurotemu*, ndokukumbira kuti mweya wake ufe, ndokuti: Zvaringana; ikozvino Jehovha torai henyu upenyu hwangu, nokuti handisi nani kumadzibaba angu.

5 Zvino wakati akatsivama akarara pazasi peumwe muti wemurotemu; zvino tarira, ipapo mutumwa wakamugunzva ndokuti kwaari: Simuka, udye.

6 Zvino wakacherekedza, zvino tarira, panzvimbo yemusoro wake bundu rekeke rakabhekewa pamazimbe uye guchu remvura. Zvino wakadya ndokunwa, ndokurarazve.

7 Zvino mutumwa waJehovha wakasvika rwechipiri ndokumugunzva, ndokuti: Simuka udye, nokuti rwendo rukurusa kwauri.

8 Zvino wakasimuka ndokudya ndokunwa, ndokufamba nesimba rezvekudya izvo mazuva makumi mana neusiku makumi mana kusvika paHorebhu, gomo raMwari.

9 Zvino wakapindapo mubako ndokuraramo usiku. Zvino tarira, inzwi raJehovha rakasvika kwaari rikati kwaari: Sei uri pano Eria?

10 Zvino wakati: Ndanga ndichishingairira zvekushingairira Jehovha Mwari wehondo, nokuti vana vaIsraeri vakasiya sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaporofita venyu nemunondo; uye ndini ndega ndasara; zvino vanotsvaka upenyu hwangu kuhutora.

11 Iye ndokuti: Buda umire pagomo pamberi paJehovha. Zvino tarira, Jehovha anopfuura, uye mhepo huru ine simba yakabvarura makomo ndokuputsanya mabwe pamberi paJehovha; Jehovha waiva asiri mumhepo. Zvino shure kwemhepo kudengenyeka kwenyika; Jehovha waiva asiri mukudengenyeka kwenyika.

12 Uye shure kwekudengenyeka kwenyika moto; Jehovha waiva asiri mumoto; zvino shure kwemoto inzwi diki rakadzikama.

13 Zvino zvakaitika Eria paakanzwa, wakamonera chiso chake nenguvo yake ndokubuda ndokumira pamuromo webako. Zvino tarira, inzwi kwaari uye rakati: Sei uri pano, Eria?

14 Iye ndokuti: Ndaishingairira zvekushingairira Jehovha Mwari wehondo, nokuti vana vaIsraeri vakasiya sungano yenyu, vakaputsa aritari dzenyu, uye vakauraya vaporofita venyu nemunondo; uye ndini ndega ndasara; zvino vanotsvaka upenyu hwangu kuhutora.

15 Zvino Jehovha wakati kwaari: Enda, udzokere nenzira yako kurenje reDhamasiko; paunenge wasvika uzodze Hazaeri ave mambo pamusoro peSiriya.

16 Uye Jehu mwanakomana waNimishi uchamuzodza kuva mambo pamusoro paIsraeri. Uye Erisha mwanakomana waShafati weAbheri-Mehora uchamuzodza kuva muporofita pachinzvimbo chako.

17 Zvino zvichaitika kuti anopukunyuka pamunondo waHazaeri, Jehu achauraya; neanopukunyuka pamunondo waJehu, Erisha achauraya.

18 Zvakadaro ndasiya kwaIsraeri zvuru zvinomwe, mabvi ose asina kufugamira Bhaari, nemuromo wose usina kumutsvoda.

19 Zvino wakabvapo ndokuwana Erisha mwanakomana waShafati, wairima nezvipani gumi nezviviri pamberi pake, iye ane chegumi nezviviri. Eria ndokupfuura nekwaari, ndokukanda nguvo yake pamusoro pake.

20 Zvino wakasiya nzombe, ndokumhanya achitevera Eria, ndokuti: Regai henyu nditsvode baba vangu namai vangu ndigokuteverai. Iye ndokuti kwaari: Enda udzokere, nokuti ndaitei kwauri?

21 Zvino wakadzoka pakumutevera, ndokutora chipani chenzombe, ndokuchibaya, akabika nenhumbi dzenzombe nyama yadzo, ndokupa vanhu, ivo ndokudya. Zvino wakasimuka, ndokutevera Eria, ndokumushandira.