ShonaTeam 1 Kings « 18 »

Eria anotuma Obhadhia kuna Ahabhi

18Zvino zvakaitika shure kwemazuva mazhinji kuti shoko raJehovha rakasvika kuna Eria mugore rechitatu richiti: Enda uzviratidze kuna Ahabhi; ndigopa mvura pachiso chenyika.

2 Zvino Eria wakaenda kunozviratidza kuna Ahabhi. Zvino nzara yaiva yakasimba paSamariya.

3 Ahabhi ndokudana kuna Obhadhia, iye waiva pamusoro peimba yake. Zvino Obhadhia waitya Jehovha kwazvo.

4 Nokuti kwakati Jezebheri paaiuraya vaporofita vaJehovha, Obhadhia wakatora vaporofita zana akavavanza varume makumi mashanu mubako, ndokuvariritira nechingwa nemvura.

5 Zvino Ahabhi wakati kuna Obhadhia: Enda munyika kuzvitubu zvose zvemvura nekuhova dzose; zvimwe tingawana uswa kuchengetedza mabhiza nemanyurusi zviri zvipenyu, tirege kuparadza chimwe chezvipfuwo.

6 Zvino vakagovana nyika kuti vapfuure nemairi. Ahabhi ndokuenda ari ega neimwe nzira, Obhadhia akaendawo ari ega neimwe nzira.

7 Zvino kwakati Obhadhia ari munzira, tarira, Eria wakasangana naye; ndokumuziva ndokuwa nechiso chake ndokuti: Ndimwi here, ishe wangu Eria?

8 Iye ndokuti kwaari: Ndini; enda unoudza ishe wako uti: Tarirai, Eria ari pano.

9 Iye ndokuti: Ndatadzei, kuti muise muranda wenyu muruoko rwaAhabhi, kuti andiuraye?

10NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, hapana rudzi kana ushe ishe wangu kwaasina kutuma nhume kukutsvakai; pavaiti: Haako; vaipikisa mhiko ushe uhwo kana rudzi urwo kuti havana kukuwanai.

11 Zvino ikozvino munoti: Enda unoudza ishe wako kuti: Tarirai, Eria ari pano.

12 Zvino zvichaitika ini ndichibva pamuri, kuti Mweya waJehovha uchakutakurirai kwandisingazivi. Pandichasvika ndokuudza Ahabhi, iye ndokusakuwanai, achandiuraya; asi ini muranda wenyu ndinotya Jehovha kubva paudiki hwangu.

13 Hazvina kuudzwa ishe wangu here izvo zvandakaita pakuuraya kwaJezebheri vaporofita vaJehovha, kuti ndakavanza varume zana vevaporofita vaJehovha, makumi mashanu nemakumi mashanu mubako, ndokuvariritira nechingwa nemvura?

14 Zvino ikozvino munoti: Enda iti kuna ishe wako: Tarirai, Eria ari pano; zvino achandiuraya.

15 Zvino Eria wakati: NaJehovha wehondo mupenyu wandimire pamberi pake, zvirokwazvo ndichazviratidza kwaari nhasi.

16 Naizvozvo Obhadhia wakaenda kunosangana naAhabhi, ndokumuudza; Ahabhi ndokunosangana naEria.

17 Zvino zvakaitika Ahabhi paakaona Eria, Ahabhi ndokuti kwaari: Ndiwe here mutambudzi waIsraeri?

18 Zvino wakati: Handina kutambudza Israeri, asi ndiwe neimba yababa vako, pakuti makasiya mirairo yaJehovha, uye makatevera vana Bhaari.

19 Naizvozvo ikozvino tumai mundiunganidzire Israeri wose pagomo reKarimeri, nevaporofita vaBhaari mazana mana nemakumi mashanu, nevaporofita vematanda ekunamata nawo vane mazana mana, vanodya patafura yaJezebheri.

20 Naizvozvo Ahabhi akatuma nhume kuvana vaIsraeri vose, ndokuunganidza vaporofita pagomo reKarimeri.

Eria nevaporofita vaBhaari pagomo reKarimeri

21 Zvino Eria wakaswedera kuvanhu vose ndokuti: Kusvika rinhi muchikamhina pamifungo miviri? Kana Jehovha ari Mwari, mutevere iye, asi kana ari Bhaari, mumutevere. Asi vanhu havana kumupindura shoko.

22 Eria ndokuti kuvanhu: Ini ndoga ndini muporofita waJehovha wasara, asi vaporofita vaBhaari varume mazana mana nemakumi mashanu.

23 Naizvozvo ngavatipe nzombe diki mbiri, uye ngavazvitsaurire nzombe diki imwe, vaigura kuita nhindi, vagoiisa pamusoro pehuni, vagorega kuisa moto; neni ndichagadzira imwe nzombe diki ndokuisa pamusoro pehuni, ndigosaisa moto.

24 Zvino mudane zita ramwari wenyu, ini ndidanewo zita raJehovha; uye Mwari anopindura nemoto ndiye Mwari. Vanhu vose ndokupindura ndokuti: Shoko rakanaka.

25 Zvino Eria wakati kuvaporofita vaBhaari: Zvisarudzirei nzombe diki imwe mutange kugadzira, nokuti muri vazhinji; mugodana zita ramwari wenyu, asi musaisa moto.

26 Zvino vakatora nzombe diki yavakapiwa, ndokuigadzira, ndokudana zita raBhaari kubva mangwanani kusvika masikati makuru, vachiti: Bhaari, tipindure! Asi hakuna kuva neinzwi, hakuna kuva neanopindura. Zvino vakakwakuka pamusoro pearitari yaiva yakaitwa.

27 Zvino zvakaitika pamasikati makuru, kuti Eria wakavasveveredza, ndokuti: Danidzirai nenzwi guru; nokuti ndimwari, nokuti anofunganya, kana kuti wambosuduruka, kana kuti ari parwendo, zvimwe arere uye kuti amutswe.

28 Zvino vakadanidzira nenzwi guru, ndokuzvicheka zvichitevera tsika yavo neminondo nemapfumo, kusvika ropa radzatuka pavari.

29 Zvino zvakaitika masikati makuru apfuura, kuti vakaporofita kusvika panguva yekupa yechipo; asi hakuna kuva nenzwi, uye hakuna kuva neanopindura, uye hakuna kuva neane hanya.

30 Zvino Eria wakati kuvanhu vese: Swederai kwandiri. Vanhu vose ndokuswedera kwaari. Zvino wakagadzirisa aritari yaJehovha yaiva yakaputsika.

31 Eria ndokutora mabwe gumi nemaviri zvichienderana neuwandu hwemarudzi evanakomana vaJakove uyo kwaari kwakauya shoko raJehovha richiti: Zita rako richava Israeri.

32 Zvino nemabwe awa wakavaka aritari nezita raJehovha; ndokuita mugero zvichienderana nechiyero chemaseya* maviri embeu kupoteredza aritari.

33 Zvino wakaronga huni, ndokugura nzombe diki kuita nhindi, ndokuisa pamusoro pehuni, ndokuti: Zadzai zvirongo zvina nemvura, mugodira pamusoro pechipo chinopiswa, nepamusoro pehuni.

34 Zvino wakati: Itai rwechipiri; ivo ndokuita rwechipiri. Zvino wakati: Itai rwechitatu; vakaita rwechitatu.

35 Mvura ndokufamba kupoteredza aritari; akazadzawo mugero nemvura.

36 Zvino zvakaitika pakupa chipo, kuti Eria muporofita wakaswedera, ndokuti: Jehovha Mwari waAbhurahama, Isaka, naIsraeri, ngazvizikanwe nhasi kuti muri Mwari kwaIsraeri, neni muranda wenyu, uye ndakaita zvinhu izvi zvose neshoko renyu.

37 Ndipindurei Jehovha, ndipindurei, kuti vanhu ava vazive kuti imwi muri Jehovha Mwari, uye kuti imwi matendeuka kudzora moyo wavo.

38 Zvino moto waJehovha wakawa, ndokupedza chipo chinopiswa, nehuni, nemabwe, neguruva, ukananzva mvura yaiva mumugero.

39 Vanhu vose pavakaona vakawa nezviso zvavo ndokuti: Jehovha ndiye Mwari, Jehovha ndiye Mwari!

40 Eria ndokuti kwavari: Batai vaporofita vaBhaari, ngakurege kuva neumwe wavo anopukunyuka. Zvino vakavabata; Eria ndokuvaburusira kurukova Kishoni, ndokuvaurairapo.

Kupera kwenzara

41 Zvino Eria wakati kuna Ahabhi: Simuka udye unwe, nokuti kune ruzha rwekuunga kwemvura.

42 Zvino Ahabhi wakakwira kunodya nekunwa. Eria ndokukwira kunhongonya yeKarimeri, akakotamira pasi, akaisa chiso chake pakati pemabvi ake.

43 Ndokuti kumuranda wake: Kwira ikozvino, tarira nechekugungwa. Zvino wakakwira ndokutarira ndokuti: Hakuna chinhu. Iye ndokuti: Dzokera; kanomwe.

44 Zvino zvakaitika kechinomwe kuti wakati: Tarirai, kakore kakaita sechanza chemunhu kanokwira kubva mugungwa. Iye ndokuti: Kwira unoudza Ahabhi: Sunga ngoro uburuke, zvimwe mvura ingakudzivirira.

45 Zvino zvakaitika munguva diki kuti matenga akasviba, makore makobvu nemhepo, uye kwaiva nemvura zhinji. Ahabhi ndokukwira ngoro, ndokuenda kuna Jezireeri.

46 Zvino ruoko rwaJehovha rwaiva pamusoro paEria; iye ndokusunga chiuno chake, ndokumhanya mberi kwaAhabhi kusvika pakupinda Jezireeri.