ShonaTeam 1 Kings « 17 »

Muporofita Eria anoraramiswa naJehovha parukova rwaKeriti

17Zvino Eria muTishibhi wevagari veGiriyadhi wakati kuna Ahabhi: NaJehovha mupenyu, Mwari waIsraeri, wandimire pamberi pake, hapangavi nedova kana mvura makore ano, kunze kwekuti zvaenderana neshoko rangu.

2 Shoko raJehovha ndokusvika kwaari richiti:

3 Ibva pano, iwe utendeukire kumabvazuva, uye uzvivanze parukova Keriti rwuri mberi kwaJoridhani.

4 Zvino zvichaitika, uchanwa parukova; uye ndaraira makunguvo kukuriritira ipapo.

5 Naizvozvo wakaenda ndokuita zvinoenderana neshoko raJehovha; nokuti wakaenda ndokugara parukova Keriti rwuri mberi kwaJoridhani.

6 Zvino makunguvo akamuvigira chingwa nenyama mangwanani, uye chingwa nenyama madekwani; ndokunwa parukova.

7 Zvino zvakaitika pakupera kwemazuva kuti rukova rwakapwa; nokuti kwaiva kusina mvura panyika.

Muporofita Eria anotumwa kuchirikadzi paZarefati

8 Zvino shoko raJehovha rakasvika kwaari richiti:

9 Simuka, uende kuZarefati riri reSidhoni, ugogarapo; tarira, ndaraira mukadzi chirikadzi ipapo kukuriritira.

10 Zvino wakasimuka ndokuenda kuZarefati. Paakasvika pasuwo reguta, tarira, mukadzi chirikadzi waivapo achiunganidza huni. Zvino wakadana kwaari ndokuti: Nditorerei henyu mvura shoma mumukombe ndinwe.

11 Paaienda kunoitora, wakamudana ndokuti: Ndivigirei henyu chimedu chechingwa muruoko rwenyu.

12 Zvino wakati: NaJehovha Mwari wenyu mupenyu, handina keke, asi ruoko rwuzere rweupfu mudenhe, nemafuta mashoma muchinu; zvino tarirai, ndiri kuunganidza huni mbiri, kuti ndipinde ndizvigadzirire ini nemwanakomana wangu, kuti tidye tigofa.

13 Eria ndokuti kwaari: Usatya; enda uite zvinoenderana neshoko rako; asi ndiitire pakutanga keke diki nazvo, ubudisire kwandiri; uye shure kwaizvozvo uchazviitira iwe nemwanakomana wako.

14 Nokuti ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Denhe reupfu haringapedzwi, uye chinu chemafuta hachingashaiwi, kusvika pazuva Jehovha raachapa mvura pachiso chenyika.

15 Zvino wakaenda ndokuita zvaienderana neshoko raEria; zvino vakadya iye pamwe naye neimba yake mazuva mazhinji.

16 Denhe reupfu harina kupedzwa uye chinu chemafuta hachina kushaiwa, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwaEria.

17 Zvino zvakaitika shure kwezvinhu izvi kuti mwanakomana wemukadzi mwene weimba wakarwara; uye urwere hwake hwairwadza kwazvo kusvika kusina kusara mweya maari.

18 Zvino mukadzi wakati kuna Eria: Ndinei nemwi, munhu waMwari? Makauya kwandiri kurangaridza chivi changu, uye kuuraya mwanakomana wangu here?

19 Zvino wakati kwaari: Ndipe mwanakomana wako. Zvino wakamutora kubva pachifuva chake ndokumukwidza muimba yepamusoro maaigara, ndokumuradzika pamubhedha wake.

20 Zvino wakadanidzira kuna Jehovha ndokuti: Jehovha Mwari wangu, mawisira chakaipawo kumukadzi wandakava mweni pamwe naye nekuuraya mwanakomana wake here?

21 Zvino wakatsivama pamusoro pemwana katatu, ndokudanidzira kuna Jehovha, ndokuti: Jehovha Mwari wangu, mweya weupenyu wemwana uyu ngaudzokere hawo mukati make.

22 Zvino Jehovha wakanzwa inzwi raEria; mweya weupenyu wemwana ndokudzokera mukati make, akararamazve.

23 Zvino Eria wakatora mwana ndokumuburusa kubva muimba yekumusoro ndokuenda mumba ndokumupa kuna mai vake. Eria ndokuti: Onai, mwanakomana wenyu mupenyu.

24 Mukadzi ndokuti kuna Eria: Ikozvino ndinoziva ichi, kuti muri munhu waMwari, uye shoko raJehovha riri mumuromo menyu nderechokwadi.