ShonaTeam 1 Kings « 15 »

Abhijamu mambo waJudha

15Zvino mugore regumi nemasere ramambo Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, Abhijamu wakava mambo pamusoro paJudha.

2 Wakatonga makore matatu paJerusarema. Nezita ramai vake raiva Maaka, mukunda waAbhisharomi.

3 Zvino wakafamba muzvivi zvese zvababa vake, zvavakaita mberi kwake; uye moyo wake waiva usina kuperera kuna Jehovha Mwari wake, semoyo waDhavhidhi baba vake.

4 Asi nekuda kwaDhavhidhi, Jehovha Mwari wake wakamupa mwenje paJerusarema, kugadza mwanakomana wake shure kwake, uye kusimbisa Jerusarema.

5 Nokuti Dhavhidhi waiita zvakarurama pameso aJehovha, uye haana kutsauka pane chipi nechipi chaakamuraira mazuva ese eupenyu hwake, kunze kwepanyaya yaUriya muHiti.

6 Zvino kwakava nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu mazuva ese eupenyu hwake.

7 Zvino dzimwe dzenyaya dzaAbhijamu nezvese zvaakaita hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha? Zvino kwakava nehondo pakati paAbhijamu naJerobhoamu.

8 Abhijamu ndokurara nemadzibaba ake, uye vakamuviga muguta raDhavhidhi; Asa mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.

Asa mambo waJudha

9 Negore remakumi maviri raJerobhoamu mambo waIsraeri, wakatonga Asa mambo waJudha.

10 Zvino makore makumi mana nerimwe wakatonga paJerusarema, uye zita ramai vake raiva Maaka mukunda waAbhisharomi.

11 Zvino Asa wakaita zvakarurama pameso aJehovha saDhavhidhi baba vake.

12 Zvino wakabvisa ngochani panyika, ndokubvisa zvifananidzo zvese madzibaba ake zvaaiva aita.

13 Uyewo Maaka mai vake wakavabvisa pauhosi, nokuti vaiva vaita chinhu chinonyangadza kuva matanda ekunamata nawo; Asa ndokugura chinhu chake chinonyangadza ndokuchipisira murukova Kidhironi.

14 Asi nzvimbo dzakakwirira hadzina kubviswa; zvakadaro moyo waAsa waiva wakaperera kuna Jehovha mazuva ake ose.

15 Zvino wakapinza zvinhu baba vake zvavaiva vaita zvitsvene nezvinhu iye zvaaiva aita zvitsvene mumba maJehovha, sirivha negoridhe nemidziyo.

16 Zvino kwakava nehondo pakati paAsa naBhaasha mambo waIsraeri mazuva avo ose.

17 Zvino Bhaasha mambo waIsraeri wakakwira kurwa naJudha, ndokuvaka Rama, kuti arege kutendera ani nani kubuda kana kupinda kuna Asa mambo waJudha.

18 Asa ndokutora sirivha yese negoridhe zvaiva zvasara pafuma yeimba yaJehovha, nefuma yeimba yamambo, ndokuzvipa muruoko rwevaranda vake; mambo Asa ndokuzvitumira kuna Bheni-Hadhadhi mwanakomana waTabhirimoni, mwanakomana waHeziyoni mambo weSiriya waigara paDhamasiko, achiti:

19 Pane sungano pakati pangu newe, pakati pababa vangu nababa vako. Tarira, ndakutumira chipo, sirivha negoridhe; enda putsa sungano yako naBhaasha mambo waIsraeri, kuti abve kwandiri.

20 Bheni-Hadhadhi ndokuteerera mambo Asa, ndokutuma misoro yehondo dzaaiva nadzo achirwa nemaguta ekwaIsraeri, ndokurova Ijoni neDhani neAbheri-Bheti-Maaka neKineroti rese nenyika yese yaNafutari.

21 Zvino zvakaitika Bhaasha paakanzwa kuti wakamira kuvaka Rama; ndokugara Tiriza.

22 Zvino mambo Asa wakaita kudanidzira kuna Judha wese - hakuna wakasiiwa kunze - kuti vabvise mabwe eRama nematanda aro Bhaasha zvaaivaka nazvo; mambo Asa ndokuvaka nazvo Gebha rekwaBhenjamini neMizipa.

23 Zvino dzimwe dzenyaya dzose dzaAsa, nesimba rake rose, nezvese zvaakaita, nemaguta aakavaka, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzibaba aJudha? Asi panguva yekukwegura kwake waiva nechirwere pamakumbo ake.

24 Zvino Asa wakarara nemadzibaba ake, ndokuvigwa pamwe nemadzibaba ake paguta raDhavhidhi baba vake; Josafati mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

Nadhabhi naBhaasha madzimambo aIsraeri

25 Nadhabhi mwanakomana waJerobhoamu ndokuva mambo pamusoro paIsraeri mugore rechipiri raAsa mambo waJudha; ndokutonga pamusoro paIsraeri makore maviri.

26 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokufamba munzira yababa vake, nemuchivi chavo chavakaita Israeri atadze nacho.

27 Ipapo Bhaasha mwanakomana waAhija weimba yaIsasikari wakamurongera; Bhaasha ndokumurova paGibhetoni raiva revaFirisitia, apo Nadhabhi naIsraeri wese vaiva vakakomba Gibhetoni.

28 Bhaasha ndokumuurayawo mugore retatu raAsa mambo waJudha, ndokutonga pachinzvimbo chake.

29 Zvino zvakaitika paaitonga kuti wakauraya vese veimba yaJerobhoamu; haana kusiya umwe anofema kwaJerobhoamu, kusvika amupedza, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwemuranda wake Ahija muShiro;

30 nekuda kwezvivi zvaJerobhoamu zvaakatadza uye zvaakaitisa kuti Israeri atadze nekutsamwisa kwake kwaakatsamwisa nako Jehovha Mwari waIsraeri.

31 Zvino dzimwe dzenyaya dzaNadhabhi, nezvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri?

32 Zvino kwakava nehondo pakati paAsa naBhaasha mambo waIsraeri mazuva avo ose.

33 Mugore rechitatu raAsa mambo waJudha, Bhaasha mwanakomana waAhija wakava mambo pamusoro paIsraeri wese paTiriza, makore makumi maviri nemana.

34 Zvino wakaita zvakaipa pameso aJehovha, ndokufamba nenzira yaJerobhoamu, nemuchivi chake chaakaita kuti Israeri atadze.