ShonaTeam 1 Kings « 14 »

Zvivi zvaJerobhoamu naRehobhoamu nekurohwa kwavo

14Panguva iyo Abhija mwanakomana waJerobhoamu wakarwara.

2 Jerobhoamu ndokuti kumukadzi wake: Simuka hako, ushandure chimiro, kuti vasaziva kuti uri mukadzi waJerobhoamu, ugoenda kuShiro; tarira, pana Ahija muporofita wakataura maererano neni kuva mambo pamusoro pevanhu ava.

3 Zvino tora muruoko rwako zvingwa gumi nezvimedu zvakaoma nedende reuchi ugoenda kwaari; iye achakuudza zvichaitika kumwana.

4 Mukadzi waJerobhoamu ndokuita saizvozvo, ndokusimuka ndokuenda kuShiro, ndokusvika paimba yaAhija. Asi Ahija waiva asingagoni kuona nokuti meso ake aiva amira nekuda kwekukwegura kwake.

5 Zvino Jehovha wakati kuna Ahija: Tarira, mukadzi waJerobhoamu anouya kuzokubvunza chinhu pamusoro pemwanakomana wake, nokuti anorwara; uchamuudza zvekuti nezvekuti, nokuti zvichaitika pakupinda kwake, kuti achazviita umwe mukadzi.

6 Zvino zvakaitika pakunzwa kwaAhija mutsindo wetsoka dzake, achipinda pamukova, kuti wakati: Pinda mukadzi waJerobhoamu, unozviidzirei umwe? Nokuti ndatumwa kwauri nechinhu chinorema.

7 Enda, uudze Jerobhoamu: Ndizvo zvinoreva Jehovha Mwari waIsraeri: Zvandakakusimudza pakati pevanhu, ndikakuita mutungamiriri pamusoro pevanhu vangu Israeri,

8 ndokubvarura ushe kubva kuimba yaDhavhidhi, ndikahupa iwe; asi iwe hauna kuva semuranda wangu Dhavhidhi waichengeta mirairo yangu uye wakanditevera nemoyo wake wese kuita zvega zvakanaka pameso angu;

9 asi wakaita zvakaipa kuita zvakapfuura vese vaiva mberi kwake, uye wakaenda ukazviitira vamwe vamwari nemifananidzo yakaumbwa nekunyungudusa, kuti unditsamwise; uye ini wakandirasira shure kwemusana wako.

10 Naizvozvo, tarira, ndichauisa chakaipa paimba yaJerobhoamu; uye ndichagura kubva kuna Jerobhoamu anowetera pamadziro, wakavharirwa newakasununguka kwaIsraeri, uye ndidzime vanotevera veimba yaJerobhoamu, semunhu anodzima mupfudze kusvika wapera.

11 Anofa kwaJerobhoamu mukati meguta imbwa dzichamudya; neanofira musango shiri dzematenga dzichamudya; nokuti Jehovha wakataura.

12 Naizvozvo iwe simuka uende kumba kwako; pakupinda kwetsoka dzako muguta, mwana achafa.

13 Zvino Israeri wese achamuchema ndokumuviga; nokuti ndiye ega waJerobhoamu achasvika paguva, nokuti maari makawanikwa chinhu chakanaka kuna Jehovha Mwari waIsraeri paimba yaJerobhoamu.

14 Uye Jehovha achazvimutsira mambo pamusoro paIsraeri, iye achagura imba yaJerobhoamu zuva iro. Asi chii? Kunyange ikozvino.

15 Nokuti Jehovha acharova Israeri, serutsanga rwuchizununguswa mumvura; iye achadzura Israeri kubva panyika ino yakanaka, yaakapa kumadzibaba avo, nekuvaparadzira mhiri kwerwizi; nokuti vakaita matanda avo ekunamata nawo vachitsamwisa Jehovha.

16 Zvino achapa Israeri nekuda kwezvivi zvaJerobhoamu zvaakatadza, uye zvaakatadzisa nazvo Israeri.

17 Zvino mukadzi waJerobhoamu wakasimuka, ndokuenda, ndokusvika paTiriza. Paakasvika pachikumbaridzo cheimba, mwana wakafa.

18 Zvino vakamuviga, Israeri wese ndokumuchema, zvichienderana neshoko raJehovha raakataura neruoko rwemuranda wake Ahija muporofita.

19 Zvino dzimwe dzenyaya dzaJerobhoamu, kuti wakarwa sei, uye kuti wakatonga sei, tarira, zvakanyorwa mubhuku reMakoronike emadzimambo aIsraeri.

20 Zvino mazuva Jerobhoamu aakatonga aiva makore makumi maviri nemaviri; ndokurara nemadzibaba ake; Nadhabhi mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.

21 Zvino Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni wakatonga kwaJudha. Rehobhoamu waiva wemakore makumi mana nerimwe paakava mambo, ndokutonga makore gumi nemanomwe paJerusarema, guta Jehovha raaiva asarudza pakati pemarudzi ese aIsraeri kuisa zita rakepo. Zvino zita ramai vake raiva Naama muAmoni.

22 Zvino Judha wakaita chakaipa pameso aJehovha; ndokumumutsira godo nezvivi zvavo zvavakatadza, kupfuura zvese madzibaba avo zvaakaita, nezvivi zvavo zvavakatadza.

23 Nokuti naivo vakazvivakira nzvimbo dzakakwirira, neshongwe dzakamira, nematanda ekunamata nawo, pamusoro pechikomo chese chakakwirira, nepazasi pemuti umwe neumwe munyoro.

24 Zvino kwaivawo nengochani panyika; vakaita zvinoenderana nezvinyangadzo zvese zvemarudzi Jehovha aakadzingira kubva pamberi pevana vaIsraeri.

25 Zvino zvakaitika mugore rechishanu ramambo Rehobhoamu, Shishaki mambo weEgipita wakakwira kurwa neJerusarema.

26 Zvino wakatora fuma yeimba yaJehovha nefuma yeimba yamambo; uye akazvitora zvese; ndokutora nhovo diki dzose dzegoridhe Soromoni dzaaiva aita.

27 Zvino mambo Rehobhoamu wakaita panzvimbo yadzo nhovo diki dzendarira, ndokudzipa paruoko rwevakuru vevarindi vaichengeta mukova weimba yamambo.

28 Zvino zvakaitika apo mambo paaipinda muimba yaJehovha, kuti varindi vaidzitakura, ndokudzidzosera muimba yevarindi.

29 Zvino dzimwe dzenyaya dzaRehobhoamu, nezvese zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku reMakoronike emadzimambo aJudha?

30 Zvino paiva nehondo pakati paRehobhoamu naJerobhoamu mazuva ose.

31 Rehobhoamu ndokurara nemadzibaba ake, uye wakavigwa pamwe nemadzibaba ake muguta raDhavhidhi; zita ramai vake raiva Naama muAmoni. Abhijamu mwanakomana wake ndokuva mambo pachinzvimbo chake.