ShonaTeam 1 Kings « 12 »

Marudzi ane gumi anotsaura Jerobhoamu kuva mambo wavo

12Zvino Rehobhoamu wakaenda kuShekemu, nokuti Israeri wese waiva asvika kuShekemu kumuisa ave mambo.

2 Zvino zvakaitika Jerobhoamu mwanakomana waNebhati waiva achiri muEgipita paakazvinzwa (nokuti waiva atiza kubva pamberi paSoromoni mambo, Jerobhoamu ndokugara muEgipita),

3 zvekuti vakatuma nhume ndokumudana; Jerobhoamu neungano yese yaIsraeri ndokuuya ndokutaura naRehobhoamu vachiti:

4 Baba venyu vakaita joko redu riome; naizvozvo zvino imwi rerusai basa rakaoma rababa venyu, nejoko ravo rinorema ravakaisa pamusoro pedu, zvino tichakushumirai.

5 Zvino wakati kwavari: Endaizve mazuva matatu mugodzokera kwandiri. Vanhu ndokuenda.

6 Zvino mambo Rehobhoamu wakapangana nevakuru vaimira pamberi paSoromoni baba vake vachiri vapenyu, vachiti: Munopanga zano sei kuti tidzosere mhinduro vanhu ava?

7 Zvino vakataura kwaari vachiti: Kana muchava muranda kuvanhu ava nhasi, uye mukavashandira, muvapindure mutaure kwavari mashoko akanaka, ipapo vachava varanda venyu mazuva ose.

8 Asi wakaramba zano revakuru ravaiva vamupanga, ndokupangana nemajaya akakura naye, aimira pamberi pake.

9 Zvino wakati kwavari: Munopanga zano ripi kuti tidzosere mhinduro kuvanhu ava vakataura neni vachiti: Rerusai joko baba venyu ravakaisa pamusoro pedu?

10 Zvino majaya akakura naye akataura kwaari achiti: Ndizvo zvamuchataura kuvanhu ava vakataura kwamuri vachiti: Baba venyu vakaita joko redu rireme, asi imwi itai rive rakareruka kwatiri; ndizvo zvamuchataura kwavari: Munwe wangu mudiki mukobvu kupfuura chiuno chababa vangu.

11 Zvino kana baba vangu vakakutakudzai joko rinorema, ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vaikurangai neshamhu, asi ini ndichakurangai nezvinyavada.

12 Naizvozvo Jerobhoamu nevanhu vese vakasvika kuna Rehobhoamu nezuva retatu, mambo sezvaaiva ataura achiti: Dzokai kwandiri nezuva retatu.

13 Mambo ndokupindura vanhu nehasha, akasiya zano revakuru ravakamupanga;

14 ndokutaura kwavari zvichienderana nezano remajaya, achiti: Baba vangu vakaita joko renyu rireme, asi ini ndichawedzera pajoko renyu; baba vangu vakakurangai neshamhu, asi ini ndichakurangai nezvinyavada.

15 Naizvozvo mambo haana kuteerera kuvanhu; nokuti shanduko iyi yakabva kuna Jehovha kuti asimbise shoko rake Jehovha raakataura neruoko rwaAhija muShiro kuna Jerobhoamu mwanakomana waNebhati.

16 Israeri wese paakaona kuti mambo haana kuvateerera, vanhu vakadzosera mambo shoko vachiti: Tine mugove wei kuna Dhavhidhi? Hongu, hatina nhaka kumwanakomana waJese. Kumatende enyu, Israeri. Ikozvino zvionere imba yako, Dhavhidhi. Naizvozvo Israeri wakaenda kumatende avo.

17 Maererano nevana vaIsraeri vaigara mumaguta aJudha, Rehobhoamu waitonga pamusoro pavo.

18 Zvino mambo Rehobhoamu wakatuma Adhoramu waiva pamusoro pechibharo; Israeri wese ndokumutaka nemabwe kusvika afa. Naizvozvo mambo Rehobhoamu wakakurumidza kukwira mungoro kutizira kuJerusarema.

19 Saizvozvo Israeri wakamukira imba yaDhavhidhi kusvika zuva rino.

20 Zvino zvakaitika Israeri wese paakanzwa kuti Jerobhoamu wadzoka, vakatuma nhume ndokumudanira kuungano, ndokumuita mambo pamusoro paIsraeri wese; hakuna wakatevera imba yaDhavhidhi kunze kwerudzi rwaJudha chete.

21 Rehobhoamu paakasvika kuJerusarema, wakaunganidza imba yose yaJudha, nerudzi rwaBhenjamini, varume zvuru zana nemakumi masere vakasarudzwa, vairwa hondo, kurwa neimba yaIsraeri, kudzosera ushe kuna Rehobhoamu mwanakomana waSoromoni.

22 Asi shoko raMwari rakasvika kuna Shemaya munhu waMwari richiti:

23 Taura kuna Rehobhoamu, mwanakomana waSoromoni, mambo waJudha, nekuimba yose yaJudha neyaBhenjamini, nekumusiiwa wevanhu, uchiti:

24 Ndizvo zvinoreva Jehovha: Hamungakwiri uye hamungarwi nehama dzenyu vana vaIsraeri; dzokerai umwe neumwe kumba kwake, nokuti chinhu ichi chinobva kwandiri. Zvino vakateerera kushoko raJehovha, ndokudzokera kuenda zvichienderana neshoko raJehovha.

25 Zvino Jerobhoamu wakavaka Shekemu pagomo raEfuremu ndokugaramo; ndokubudamo ndokuvaka Penueri.

26 Zvino Jerobhoamu wakati mumoyo make: Ikozvino ushe huchadzokera kuimba yaDhavhidhi.

27 Kana vanhu ava vakakwira kunoita zvibairo mumba maJehovha paJerusarema, ipapo moyo wevanhu ava uchadzokera kuna ishe wavo, kuna Rehobhoamu mambo waJudha; uye vachandiuraya vakadzokera kuna Rehobhoamu mambo waJudha.

28 Zvino mambo wakatora zano ndokuita mhuru mbiri dzegoridhe, ndokuti kwavari: Zvakakunyanyirai zvikuru kukwira kuJerusarema; tarirai vamwari venyu, Israeri, vakakukwidzai kubva panyika yeEgipita.

29 Zvino wakaisa imwe paBheteri, uye imwe wakaimisa paDhani.

30 Chinhu ichi ndokuva chivi, nokuti vanhu vakaenda pamberi peimwe kusvika kuDhani.

31 Wakaitawo imba yenzvimbo dzakakwirira, ndokuita vapristi kubva kumigumo yevanhu vese vaiva vasiri veimba yaRevhi.

32 Zvino Jerobhoamu wakaita mutambo pamwedzi werusere, nezuva regumi nemashanu remwedzi, semutambo waiva kwaJudha, ndokupa paaritari. Ndizvo zvaakaita paBheteri, kubaira mhuru dzaakaita; uye wakaisa paBheteri vapristi venzvimbo dzakakwirira dzaaiva aita.

33 Naizvozvo wakapa paaritari yaaiva aita paBheteri nezuva regumi nemashanu mumwedzi werusere, mumwedzi waaiva afunga uchibva mumoyo make; ndokuitira vana vaIsraeri mutambo, ndokupa pamusoro pearitari kupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira.