ShonaTeam 1 Kings « 11 »

Soromoni anotsauka panzira dzaJehovha

11Zvino mambo Soromoni waiva achida vakadzi vazhinji vatorwa pamwe nemukunda waFarao: Vakadzi vevaMoabhu, vakadzi vevaAmoni, vakadzi vevaEdhomu, vakadzi vevaSidhoni, nevakadzi vevaHiti;

2 vaibva kundudzi Jehovha dzaaiva ati kuvana vaIsraeri: Hamungapindi kwavari, uye ivo havangapindi kwamuri; zvirokwazvo vachashandura moyo wenyu utevere vamwari vavo. Ivavo Soromoni wakanamatira kwavari murudo.

3 Zvino waiva ane vakadzi mazana manomwe, vakunda vemadzimambo, nevarongo mazana matatu. Vakadzi vake ndokutsausa moyo wake.

4 Nokuti zvakaitika panguva yekukwegura kwaSoromoni, kuti vakadzi vake vakatsausa moyo wake kutevera vamwe vamwari; uye moyo wake ukasava wakaperera kuna Jehovha Mwari wake, semoyo waDhavhidhi baba vake.

5 Nokuti Soromoni wakafamba shure kwaAshitoreti mwari wevaSidhoni, uye shure kwaMirikomi chinyangadzo chevaAmoni.

6 Soromoni ndokuita zvakaipa pameso aJehovha, uye haana kutevera Jehovha zvakazara saDhavhidhi baba vake.

7 Nenguva iyoyo Soromoni wakavakira Kemoshi chinyangadzo chaMoabhu nzvimbo yakakwirira pagomo riri pamberi peJerusarema, naMoreki chinyangadzo chevana vaAmoni.

8 Saizvozvo wakaitira vakadzi vake vese vatorwa, vaipisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira uye vaibaira kuna vamwari vavo.

9 Zvino Jehovha wakatsamwira Soromoni, nokuti moyo wake wakatsauka kubva pana Jehovha Mwari waIsraeri, iye waiva aonekera kwaari kaviri,

10 ndokumuraira maererano nechinhu ichi, kuti arege kutevera vamwe vamwari; asi haana kuchengeta izvo Jehovha zvaakaraira.

11 Naizvozvo Jehovha wakati kuna Soromoni: Nekuda kwekuti izvi zvaitwa newe uye hauna kuchengeta sungano yangu nezvimiso zvangu zvandakakuraira, ndichabvarura zvirokwazvo ushe kubva kwauri ndigohupa kumuranda wako.

12 Zvakadaro handingazviiti pamazuva ako nekuda kwaDhavhidhi baba vako; ndichahubvarura hubve muruoko rwemwanakomana wako.

13 Zvakadaro handingabvaruri ushe hwose. Ndichapa mwanakomana wako rudzi rumwe nekuda kwaDhavhidhi muranda wangu, uye nekuda kweJerusarema randakasarudza.

14 Zvino Jehovha wakamutsira Soromoni muvengi, Hadhadhi muEdhomu; iye waiva wechizvarwa chamambo paEdhomu.

15 Nokuti zvakaitika Dhavhidhi paaiva paEdhomu, Joabhu mukuru wehondo paakakwira kunoviga vakaurawa, wakarova varume vese paEdhomu.

16 Nokuti Joabhu wakagarapo mwedzi mitanhatu, naIsraeri wose, kusvika agura murume umwe neumwe paEdhomu.

17 Asi Hadhadhi wakatiza, iye nevamwe vaEdhomu vevaranda vababa vake vanaye, kupinda muEgipita; uye Hadhadhi waiva mwanana.

18 Zvino vakasimuka kubva paMidhiani ndokusvika kuParani; ndokutora varume pamwe navo kubva paParani, ndokusvika kuEgipita kuna Farao mambo weEgipita, iye wakamupa imba ndokumugurira zvekudya, ndokumupa ivhu.

19 Hadhadhi ndokuwana nyasha kwazvo pameso aFarao; iye ndokumupa mukadzi, muramu wake, munin'ina waTapenesi vahosi vamambo.

20 Munin'ina waTapenesi ndokumuberekera Genubhati mwanakomana wake, Tapenesi waakarumurira mumba maFarao; Genubhati ndokuva mumba maFarao pakati pevanakomana vaFarao.

21 Hadhadhi paakanzwa ari muEgipita kuti Dhavhidhi warara nemadzibaba ake, uye kuti Joabhu mukuru wehondo wafa, Hadhadhi wakati kuna Farao: Nditenderei ndiende kunyika yangu.

22 Farao ndokuti kwaari: Asi washaiwei uneni kuti, tarira, utsvake kuenda kunyika yekwako? Iye ndokuti: Hapana; kunyange zvakadaro nditenderei kwazvo ndiende.

23 Zvino Mwari wakamumutsira muvengi, Rezonhi mwanakomana waEriadha, waiva atiza kubva kuna ishe wake Hadhadhezeri mambo weZobha,

24 ndokuzviunganidzira varume, ndokuva mukuru weboka, Dhavhidhi paaiuraya. Zvino vakaenda Dhamasiko ndokugaramo, ndokutonga paDhamasiko.

25 Zvino wakava muvengi kuna Israeri mazuva ese aSoromoni, uye pamusoro pezvakaipa Hadhadhi zvaakaita; iye ndokusema Israeri, ndokutonga pamusoro peSiriya.

26 Zvino Jerobhoamu mwanakomana waNebhati, muEfuremu weZeredha, muranda waSoromoni, zita ramai vake raiva Zerua, mukadzi chirikadzi, naiye wakasimudzira mambo ruoko.

27 Iyi ndiyo nyaya yaakasimudzirira mambo ruoko: Soromoni wakavaka Miro, akavhara buri reguta raDhavhidhi baba vake.

28 Zvino murume Jerobhoamu waiva murume wesimba weumhare. Soromoni aona jaya kuti waiva muiti webasa, wakamuisa pamusoro pemutoro wese weimba yaJosefa.

29 Zvino zvakaitika panguva iyo Jerobhoamu paakabuda muJerusarema kuti muporofita Ahija muShiro wakamuwana panzira; zvino waiva akazvipfekedza nguvo itsva; uye vaiva vaviri vega kusango.

30 Ahija ndokubata nguvo itsva yaiva paari, ndokuibvarura kuita mapandi gumi nemaviri.

31 Zvino wakati kuna Jerobhoamu: Zvitorere mapandi gumi; nokuti anoreva seizvi Jehovha Mwari waIsraeri: Tarira, ndinobvarura ushe kubva muruoko rwaSoromoni, uye ndichapa kwauri marudzi gumi.

32 Asi iye achava nerudzi rumwe nekuda kwemuranda wangu Dhavhidhi uye nekuda kweJerusarema guta randakasarudza kubva kumarudzi ese aIsraeri.

33 Nokuti vakandisiya ndokunamata Ashitoreti mwari wevaSidhoni, Kemoshi mwari wevaMoabhu, naMirikomi mwari wevana vaAmoni; uye havana kufamba munzira dzangu kuita zvakarurama pameso angu uye kuchengeta zvimiso zvangu nemitongo yangu, saDhavhidhi baba vake.

34 Kunyange zvakadaro handingabvisi ushe hwese muruoko rwake, asi ndichamuita muchinda mazuva ese eupenyu hwake, nekuda kwaDhavhidhi muranda wangu wandakasarudza, wakachengeta mirairo yangu nezvimiso zvangu.

35 Asi ndichabvisa ushe muruoko rwemwanakomana wake, ndigohupa iwe, marudzi gumi.

36 Asi kumwanakomana wake ndichapa rudzi rumwe, kuti Dhavhidhi muranda wangu ave nemwenje mazuva ese pamberi pangu paJerusarema, guta randakazvisarudzira kuisa zita rangupo.

37 Zvino ndichakutora uye uchatonga pamusoro pezvese mweya weupenyu wako zvaunoshuva; uye uve mambo pamusoro paIsraeri.

38 Zvino kuchati kana ukateerera zvese zvandinokuraira, uye ukafamba munzira dzangu uye ukaita zvakarurama pameso angu, kuchengeta zvimiso zvangu nemirairo yangu sezvakaita Dhavhidhi muranda wangu, ndichava newe, ndichakuvakira imba yakasimba, sezvandakavakira Dhavhidhi, ndigopa Israeri kwauri.

39 Uye nekuda kweizvi ndicharwadzisa mbeu yaDhavhidhi, asi kwete mazuva ose.

40 Naizvozvo Soromoni wakatsvaka kuuraya Jerobhoamu; asi Jerobhoamu wakasimuka ndokutizira kuEgipita kuna Shishaki mambo weEgipita; ndokuva muEgipita kusvika pakufa kwaSoromoni.

Kufa kwake

41 Zvino amwe mashoko aSoromoni, nezvese zvaakaita, neuchenjeri hwake, hazvina kunyorwa here mubhuku remashoko aSoromoni?

42 Zvino nguva Soromoni yaakatonga paJerusarema pamusoro paIsraeri wese yakava makore makumi mana.

43 Soromoni ndokurara nemadzibaba ake, ndokuvigwa muguta raDhavhidhi baba vake; Rehobhoamu mwanakomana wake ndokutonga pachinzvimbo chake.