ShonaTeam 1 Kings « 10 »

Mambokadzi weShebha anoshanyira Soromoni

10Mambokadzi weShebha paakanzwa mbiri yaSoromoni maererano nezita raJehovha, wakauya kuzomuedza nemibvunzo mikukutu.

2 Zvino wakasvika kuJerusarema ane dungwe guru kwazvo, makamera akatakura zvinonhuhwira, negoridhe zhinji-zhinji, nemabwe anokosha. Paakasvika kuna Soromoni wakataura kwaari zvese zvaiva mumoyo make.

3 Soromoni ndokududzira kwaari mibvunzo yake yese; hakuna chinhu chaiva chakavanzika kuna mambo, chaaiva asina kududzira kwaari.

4 Zvino mambokadzi weShebha aona kuchenjera kwese kwaSoromoni, neimba yaaiva avaka,

5 nezvekudya zvetafura yake, nekugara kwevaranda vake, nekumira kwevashandiri vake, nenguvo dzavo, nevabati vemikombe vake, nechikwiriso chake chaakwira nacho kuimba yaJehovha, akasazova nemweya maari.

6 Zvino wakati kuna mambo: Shoko randakanzwa munyika yangu maererano nenyaya uye neuchenjeri hwenyu nderechokwadi.

7 Asi handina kutenda mashoko iwawo kusvika ndauya, nemeso angu akaona; zvino tarira, handina kuudzwa hafu; makawedzera uchenjeri nekunaka pamashoko andakanzwa.

8 Mufaro wevanhu venyu, mufaro wevaranda venyu ava vanoramba vakamira pamberi penyu vachinzwa uchenjeri hwenyu.

9 Ngaarumbidzwe Jehovha Mwari wenyu wakafadzwa nemwi kukuisai pachigaro cheushe chaIsraeri. Nokuti Jehovha wakada Israeri nekusingaperi, naizvozvo wakakuitai mambo kuti muite mutongo nekururama.

10 Zvino wakapa mambo matarenda zana nemakumi maviri egoridhe, nezvinonhuhwira zvizhinji kwazvo, nemabwe anokosha; hakuna kuzouyazve zvinonhuhwira zvakawanda seizvo mambokadzi weShebha zvaakapa mambo Soromoni.

11 Uyezve zvikepe zvaHiramu zvaitakura goridhe kubva Ofiri zvaiuya nemiti yakawanda kwazvo yemiarimugi* nemabwe anokosha kubva Ofiri.

12 Mambo ndokuita nematanda emiarimugi mbiru dzeimba yaJehovha nedzeimba yamambo, uye mbira nemitengeranwa zvevaimbi; hakuna kumbouiswa kana kuonekwa miti yemiarimugi yakadai kusvika nhasi.

13 Zvino mambo Soromoni wakapa mambokadzi weShebha zvishuwo zvake zvese zvaakakumbira kunze kweizvi wakamupa chipo chekupa chamambo Soromoni. Iye ndokutendeuka ndokuenda kunyika yake, iye nevaranda vake.

Fuma yaSoromoni nembiri yake

14 Zvino uremu hwegoridhe hwakasvika kuna Soromoni negore rimwe hwaiva matarenda egoridhe mazana matanhatu nemakumi matanhatu nematanhatu;

15 kunze kwerevashambadziri, nerevatengesi vezvirungiso, neremadzimambo ese eArabhiya, nerevatongi venyika.

16 Mambo Soromoni ndokuita nhovo huru mazana maviri negoridhe rakatakiwa; mashekeri mazana matatu egoridhe akapinda munhovo imwe huru;

17 nenhovo diki mazana matatu dzegoridhe rakavangiwa; mapaundi matatu egoridhe akapinda munhovo imwe diki; mambo ndokuzviisa mumba yedondo reRebhanoni.

18 Mambo wakaitawo chigaro chikuru cheushe chenyanga dzenzou, ndokuchidzudzura negoridhe rakaisvonaka.

19 Chigaro cheushe chaiva nezvikwiriso zvitanhatu; uye musoro wechigaro cheushe waiva wakatenderedzwa shure; uye zvitsigiro kuno neuko kusvika panzvimbo yekugara; neshumba mbiri dzakamira panhivi dzezvitsigiro.

20 Zvino shumba gumi nembiri dzaiva dzimirepo pazvikwiriso zvitanhatu, kuno neuko. Hakuna kumboitwa saizvozvo kune humwe ushe hwose.

21 Zvino mikombe yese yekunwira yamambo Soromoni yaiva yegoridhe; uye midziyo yese yeimba yedondo reRebhanoni yaiva yegoridhe rakazara; kwaiva kusina sirivha mazviri; iyo yaiva isingaverengwi sechinhu pamazuva aSoromoni.

22 Nokuti mambo waiva nezvikepe zveTarishishi pagungwa pamwe nezvikepe zvaHiramu; kamwe pamakore matatu zvikepe zveTarishishi zvaiuya, zvakatakura goridhe, nesirivha, nyanga dzenzou, netsoko, nematendera.

23 Naizvozvo mambo Soromoni waiva akakura pane madzimambo ese enyika pakufuma nepauchenjeri.

24 Nyika yese ndokutsvaka chiso chaSoromoni kunzwa uchenjeri hwake Mwari hwaakaisa mumoyo make.

25 Zvino vakaunza umwe neumwe chipo chake: Midziyo yesirivha, nemidziyo yegoridhe, nenguvo, nezvombo, nezvipfungaidzo zvinonhuhwira, mabhiza, nemanyurusi, chinhu chegore pagore.

26 Soromoni ndokuunganidza ngoro nevatasvi vemabhiza. Zvino waiva nengoro churu nemazana mana, nevatasvi vemabhiza zvuru gumi nezviviri; akazviisa mumaguta engoro, nekuna mambo paJerusarema.

27 Mambo ndokuita sirivha kuita semabwe paJerusarema, uye wakaita misidhari kuita semionde yesikamori mumupata pakuwanda.

28 Zvino mabhiza aiva aSoromoni aibva kuEgipita, nemucheka wakapfava, vatengesi vamambo vaiutora mucheka wakapfava nemutengo.

29 Ngoro ndokukwira ndokubuda kubva muEgipita nemashekeri esirivha mazana matanhatu, uye bhiza nemashekeri zana nemakumi mashanu; saizvozvowo kumadzimambo ese evaHiti, nekumadzimambo evaSiriya, vakaabudisa neruoko rwavo.