ShonaTeam 1 Kings « 9 »

Jehovha anozviratidzazve kuna Soromoni

9Zvino zvakaitika pakupedza kwaSoromoni kuvaka imba yaJehovha neimba yamambo nechishuwo chese chaSoromoni chaaifarira kuita,

2 kuti Jehovha wakaonekwa kuna Soromoni rwechipiri sezvaaiva aonekwa kwaari paGibhiyoni.

3 Jehovha ndokuti kwaari: Ndanzwa munyengetero wako nemukumbiro wako zvawakumbira mberi kwangu. Ndaita imba ino tsvene yawakavaka kuisa zita rangupo rinhi narinhi; uye meso angu nemoyo wangu zvichavapo mazuva ose.

4 Zvino iwe, kana uchifamba pamberi pangu saDhavhidhi baba vako vakafamba nemoyo unorevesa, nekururama, kuita maererano nezvese zvandakakuraira, uchichengeta zvimiso zvangu nemitongo yangu,

5 ipapo ndichasimbisa chigaro cheushe cheumambo hwako pamusoro paIsraeri rinhi narinhi, sezvandakataura kuna Dhavhidhi baba vako, ndichiti: Hakungashaikwi munhu pamusoro pechigaro cheushe chaIsraeri.

6 Kana mukatendeuka zvekutendeuka imwi nevana venyu pakunditevera uye mukasachengeta mirairo yangu, zvimiso zvangu zvandakaisa pamberi penyu, asi mukaenda mukashumira vamwe vamwari ndokuvanamata;

7 ipapo ndichagura Israeri kubva panyika yandakavapa; neimba iyi yandakaitira tsvene zita rangu, ndichairasira kure nechiso changu; uye Israeri achava shumo nechiseko pakati pevanhu vese;

8 uye imba iyi yakakwirira, wese anopfuura nepairi achashamiswa uye acharidza muridzo, uye vachati: Jehovha wakaitirei kudai kunyika ino uye kuimba ino?

9 Zvino vachiti: Nokuti vakasiya Jehovha Mwari wavo, wakabudisa madzibaba avo munyika yeEgipita, ndokubatirira vamwe vamwari ndokuvashumira, ndokuvabatira; naizvozvo Jehovha wavaburusira chakaipa chese ichi.

Maguta akavakwa naSoromoni

10 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore makumi maviri Soromoni avaka dzimba idzi mbiri, imba yaJehovha neimba yamambo;

11 (nokuti Hiramu mambo weTire waiva atsigira Soromoni nematanda emisidhari uye nematanda emisipiresi uye negoridhe zvichienderana nechishuwo chake chese); nenguva iyo mambo Soromoni wakapa Hiramu maguta makumi maviri panyika yeGarirea.

12 Hiramu ndokubuda akabva Tire kuzoona maguta Soromoni aaiva amupa; asi aiva asina kunaka pameso ake.

13 Ndokuti: Magutai awa awandipa, hama yangu? Zvino wakaatumidza nyika yeKabhuri kusvika nhasi.

14 Zvino Hiramu wakatumira mambo matarenda egoridhe zana nemakumi maviri.

15 Zvino iyi inyaya yechibharo mambo Soromoni chaakasimudzira kuvaka imba yaJehovha neimba yake neMiro nerusvingo rweJerusarema neHazori neMegidho neGezeri.

16 Farao mambo weEgipita waiva akwira ndokutapa Gezeri, ndokuripisa nemoto, ndokuuraya vaKenani vaigara muguta, ndokupemberera naro mukunda wake, mukadzi waSoromoni.

17 Soromoni ndokuvaka Gezeri, neBheti-Horoni rezasi,

18 neBharati, neTamari murenje, munyika iyo,

19 nemaguta ese ematura Soromoni aaiva nawo, nemaguta engoro, nemaguta evatasvi vemabhiza, nechishuwo chaSoromoni chaakashuva kuvaka muJerusarema, nemuRebhanoni, nepanyika yese yaaiva nesimba pamusoro payo.

20 Vanhu vese vaiva vasara vevaAmori, vaHiti, vaPerezi, vaHivhi, nevaJebhusi, vaiva vasi vevana vaIsraeri;

21 vana vavo vaiva vasara shure kwavo panyika, avo vana vaIsraeri vavaiva vasingagoni kuparadza zvachose, Soromoni wakavasimudza kuita chibharo chevaranda kusvika nhasi.

22 Asi pavana vaIsraeri, Soromoni haana kuita varanda; asi vaiva varume vehondo nevabatsiri vake nemachinda ake nevakuru vake nevarairi vengoro dzake nevatasvi vemabhiza vake.

23 Ava vaiva vabati vevatariri vaiva pamusoro pebasa raSoromoni, mazana mashanu nemakumi mashanu, vaitonga vanhu vaibata pabasa.

24 Zvino mukunda waFarao wakakwira kubuda muguta raDhavhidhi kuenda kuimba yake yaaiva amuvakira; ipapo akavaka Miro.

25 Zvino katatu pagore Soromoni wakapa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa pamusoro pearitari yaakavakira Jehovha, ndokupisa zvipfungaidzo zvinonhuhwira pairi zvaiva pamberi paJehovha. Saizvozvo wakapedza imba.

26 Mambo Soromoni wakaitawo zvikepe paEziyoni-Gebheri riri pedo neEroti pamahombekombe eGungwa Dzvuku panyika yeEdhomu.

27 Hiramu ndokutuma muzvikepe izvo varanda vake, varume vezvikepe vaiva neruzivo rwegungwa, pamwe nevaranda vaSoromoni.

28 Zvino vakasvika Ofiri, ndokutorapo goridhe, matarenda mazana mana nemakumi maviri, ndokuunza kuna mambo Soromoni.