ShonaTeam 1 Kings « 8 »

Tembere inotsaurirwa Jehovha

8Panguva iyoyo Soromoni wakaunganidza vakuru vaIsraeri, misoro yose yemarudzi, machinda emadzibaba evana vaIsraeri, kuenda kuna mambo Soromoni paJerusarema, kuti vakwidze areka yesungano yaJehovha kubva muguta raDhavhidhi, iro Ziyoni.

2 Varume vose vaIsraeri ndokuungana kuna mambo Soromoni pamutambo pamwedzi weEtanimi, unova mwedzi wechinomwe.

3 Vakuru vose vaIsraeri ndokuuya; vapristi vakasimudza areka.

4 Zvino vakakwidza areka yaJehovha, netende rekusangana, nemidziyo yose mitsvene yaiva mutende; vapristi nevaRevhi vakakwidzawo izvozvo.

5 Zvino mambo Soromoni neungano yose yaIsraeri yakaunganira kwaari, vaiva naye pamberi peareka, vachibaira makwai nenzombe, zvisingagoni kuraviwa kana kuverengwa neuwandu.

6 Zvino vapristi vakapinza areka yesungano yaJehovha panzvimbo yayo, panzvimbo yeshoko yeimba, panzvimbo tsvene-tsvene, pazasi pemapapiro emakerubhi.

7 Nokuti makerubhi akatandavadza mapapiro maviri pamusoro penzvimbo yeareka; makerubhi ndokufukidza areka nezvibatiso zvayo kubva kumusoro.

8 Zvino vakarebesa zvibatiso kuti misoro yezvibatiso ionekere panzvimbo tsvene pamberi penzvimbo yeshoko; asi yaiva isingaonekeri nechekunze; uye aripo kusvika nhasi.

9 Muareka maiva musina chinhu kunze kwemahwendefa maviri emabwe, Mozisi aaiva aisamo paHorebhu, Jehovha paakaitapo sungano nevana vaIsraeri pakubuda kwavo panyika yeEgipita.

10 Zvino zvakaitika pakubuda kwevapristi kubva panzvimbo tsvene, kuti gore rakazadza imba yaJehovha.

11 Naizvozvo vapristi vaiva vasingagoni kumira kuti vashumire nekuda kwegore; nokuti kubwinya kwaJehovha kwakazadza imba yaJehovha.

Mashoko aSoromoni nekunyengetera kwake

12 Panguva iyoyo Soromoni akati: Jehovha wakati achagara murima gobvu.

13 Ndakuvakirai zvekukuvakirai imba yenzvimbo yekugara, nzvimbo yakamiswa yekugara kwenyu rinhi narinhi.

14 Zvino mambo akatendeudza chiso chake, ndokuropafadza ungano yose yaIsraeri; uye ungano yose yaIsraeri yaiva yakasimuka.

15 Zvino wakati: Jehovha Mwari waIsraeri ngaakudzwe, iye wakataura nemuromo wake kuna Dhavhidhi baba vangu, uye akazadzisa neruoko rwake, achiti:

16 Kubva pazuva randakabudisa vanhu vangu Israeri kubva muEgipita, handina kusarudza guta kubva pamarudzi ose aIsraeri kuvaka imba, kuti zita rangu rivepo; asi ndakasarudza Dhavhidhi ave pamusoro pevanhu vangu Israeri.

17 Zvino zvaiva mumoyo maDhavhidhi baba vangu kuvakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.

18 Zvino Jehovha wakati kuna Dhavhidhi baba vangu: Sezvo zvanga zviri mumoyo mako kuvakira zita rangu imba, waita zvakanaka kuti zvanga zviri mumoyo mako.

19 Zvakadaro iwe haungavaki imba iyo, asi mwanakomana wako achabuda muchiuno chako, iye achavakira zita rangu imba.

20 Zvino Jehovha wasimbisa shoko rake raakataura, nokuti ndamuka pachinzvimbo chaDhavhidhi baba vangu, ndokugara pachigaro cheushe chaIsraeri, Jehovha sezvaakataura, uye ndavakira zita raJehovha Mwari waIsraeri imba.

21 Zvino ndaisamo nzvimbo yeareka mune sungano yaJehovha yaakaita nemadzibaba edu paakavabudisa panyika yeEgipita.

22 Zvino Soromoni wakamira pamberi pearitari yaJehovha pakatarisana neungano yose yaIsraeri, ndokutandavadzira maoko ake kumatenga,

23 ndokuti: Jehovha, Mwari waIsraeri, hakuna Mwari wakaita semwi kumatenga kumusoro kana panyika pasi, anochengeta sungano netsitsi nevaranda venyu vanofamba pamberi penyu nemoyo yavo yose.

24 Makachengetera muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvamakataura kwaari; uye makataura nemuromo wenyu, ndokuzvizadzisa neruoko rwenyu, sanhasi.

25 Naizvozvo ikozvino, Jehovha Mwari waIsraeri, chengetedzerai muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu zvamakamutaurira muchiti: Hakungashaikwi munhu kwauri pamberi pangu achagara pachigaro cheushe chaIsraeri, koga kana vana vako vakachengeta nzira yavo kufamba pamberi pangu sezvawakafamba pamberi pangu.

26 Zvino ikozvino, Mwari waIsraeri, dai shoko renyu rasimbiswa ramakataura kumuranda wenyu Dhavhidhi baba vangu.

27 Asi zvirokwazvo Mwari achagara panyika here? Tarira, matenga, nematenga ematenga haangakutakurii; kuzoti idiki sei imba ino yandakavaka!

28 Zvakadaro tendeukirai kumunyengetero wemuranda wenyu, nekukumbira kwake, Jehovha Mwari wangu, kuti munzwe kuchema nekumunyengetero muranda wenyu waanonyengetera pamberi penyu nhasi.

29 Kuti meso enyu azarurikire imba iyi siku nesikati, nzvimbo yamakati nezvayo: Zita rangu richavapo; kuteerera kumunyengetero muranda wenyu waanonyengetera akatarisa kunzvimbo ino.

30 Zvino inzwai kukumbira kwemuranda wenyu nekwevanhu venyu Israeri pavanonyengetera vakatarisa kunzvimbo ino. Hongu inzwai imwi muri panzvimbo yenyu yekugara kumatenga, uye pamunonzwa muregerere.

31 Kana munhu upi neupi atadzira umwe wake, mhiko ikaiswa pamusoro pake kuti amupikise, uye mhiko iuye pamberi pearitari yenyu muimba ino,

32 zvino inzwai imwi muri kumatenga, mugoita mugotonga varanda venyu, muti wakaipa wakaipa, kupa nzira yake kumusoro wake, uye kururamisira wakarurama, kumupa zvinoenderana nekururama kwake.

33 Kana vanhu venyu Israeri vakarohwa pamberi pemuvengi, nokuti vakutadzirai, zvino vakadzokera kwamuri ndokutenda zita renyu ndokunyengetera, uye vakaita chikumbiro kwamuri muimba ino,

34 zvino inzwai imwi muri kumatenga, mugoregerera chivi chevanhu venyu Israeri, mugovadzosera kunyika yamakapa madzibaba avo.

35 Kana matenga akavharwa, zvino kukasava nemvura, nokuti vakakutadzirai, kana vakanyengetera vakatarisa kunzvimbo ino, vakatenda zita renyu, vakatendeuka pazvivi zvavo, pamunovatambudza,

36 zvino inzwai imwi muri kumatenga, mugoregerera chivi chevaranda venyu nechevanhu venyu Israeri, nokuti munovadzidzisa nzira yakanaka yavangafamba nayo, uye mupe mvura panyika yenyu yamakapa vanhu venyu kuti ive nhaka.

37 Kana pakava nenzara panyika, kana pane denda, kuvhuvha, kufunuka, mhashu, kana kune mhondoro, kana muvengi wavo akavakomba panyika yemaguta avo, dambudziko ripi, hosha ipi;

38 munyengetero upi neupi, kukumbira kupi nekupi, zvinoitwa neupi neupi, nevanhu venyu vose Israeri, vachaziva uyo neuyo dambudziko remoyo wake, akatandavadzira maoko ake kuimba iyi,

39 zvino inzwai imwi muri kumatenga, nzvimbo yenyu yekugara yakamiswa, mugoregerera, uye muite, mugopa umwe neumwe zvichienderana nenzira dzake dzose, moyo wake wamunoziva, nokuti ndimwi mega munoziva moyo wevose vana vevanhu;

40 kuti vakutyei mazuva ose avachararama pachiso chenyika yamakapa madzibaba edu.

41 Zvinowo maererano nemutorwa, asiri wevanhu venyu Israeri, asi anobva kunyika iri kure nekuda kwezita renyu;

42 nokuti vachanzwa zvezita renyu guru uye zveruoko rwenyu rwakasimba uye zvechanza chenyu chakatandavadzwa; kana akauya ndokunyengetera akatarira kuimba ino;

43 inzwai imwi muri kumatenga, nzvimbo yenyu yekugara yakamiswa, mugoita zvinoenderana nezvose mutorwa zvaanokudanirai, kuti marudzi ose epanyika azive zita renyu, kukutyai, sevanhu venyu Israeri, uye kuti vazive kuti zita renyu rinodanwa pamusoro peimba ino yandakavaka.

44 Kana vanhu venyu vakabuda kuhondo kurwisa muvengi wavo, nenzira yamunovatuma nayo, ndokunyengetera kuna Jehovha vakatarisa kuguta ramakasarudza, nekuimba yandakavakira zita renyu,

45 ipapo inzwai imwi muri kumatenga munyengetero wavo nemukumbiro wavo, uye muite kururamisirwa kwavo.

46 Kana vakakutadzirai, nokuti hakuna munhu asingatadzi, uye mukavatsamwira, ndokuvapa kumuvengi, kuti vatapi vavo vavatapire kunyika yemuvengi, kure kana pedo;

47 kana vakazozvifunga kunyika kwavakatapirwa, vakadzokazve, vakakumbira kwamuri munyika yevatapi vavo, vachiti: Tatadza, uye tatsauka, taita zvakaipa;

48 zvino vakadzokera kwamuri nemoyo wavo wose uye nemweya weupenyu wavo wose munyika yevavengi vavo vakavatapa, ndokunyengetera kwamuri vakatarisa kunyika yavo yamakapa kumadzibaba avo, guta ramakasarudza, neimba yandakavakira zita renyu;

49 ipapo inzwai imwi muri kumatenga, nzvimbo yenyu yekugara yakamiswa, munyengetero wavo nemukumbiro wavo, uye muite kururamiswa kwavo;

50 uye muregerere vanhu venyu vakakutadzirai, nekudarika kwavo kose kwavakadarika nako kwamuri; muvape tsitsi pamberi pevakavatapa, kuti vave netsitsi kwavari.

51 Nokuti ivo vanhu venyu nenhaka yenyu yamakabudisa kubva muEgipita pakati pevira rematare;

52 kuti meso enyu azarukire kumukumbiro wemuranda wenyu, uye kumukumbiro wevanhu venyu Israeri, kuvateerera pakuchema kwavo kose kwamuri.

53 Nokuti imwi makavaparadzanisa kuva nhaka yenyu kubva pamarudzi ose enyika, sezvamakataura neruoko rwaMozisi muranda wenyu, pamakabudisa madzibaba edu kubva muEgipita, Ishe Jehovha.

54 Zvino kwakati Soromoni apedza kunyengetera munyengetero uyu wose nemukumbiro kuna Jehovha, wakasimuka kubva pamberi pearitari yaJehovha pakupfugama nemabvi ake nemaoko ake akatandavadzirwa kumatenga.

55 Zvino wakamira ndokuropafadza ungano yose yaIsraeri nenzwi guru achiti:

56 Jehovha ngaakudzwe wakapa vanhu vake Israeri zororo zvichienderana nezvose zvaakataura. Hakuna kuwa shoko rimwe pachivimbiso chake chose chakanaka chaakataura neruoko rwaMozisi muranda wake.

57 Jehovha Mwari wedu ngaave nesu, sezvaaiva nemadzibaba edu; ngaarege kutisiya, kana kutirega;

58 kuti arerekerese moyo yedu kwaari, kufamba munzira dzake dzose, uye kuchengeta mirairo yake, nezvimiso zvake, nemitongo yake, zvaakaraira madzibaba edu.

59 Zvino mashoko awa andakakumbira nawo pamberi paJehovha, ngaave pedo naJehovha Mwari wedu masikati neusiku, kuti aite kururamisirwa kwemuranda wake, nekururama kwevanhu vake Israeri, nyaya yezuva pazuva rayo;

60 kuti vanhu vose venyika vazive kuti Jehovha ndiMwari; hakuna umwe.

61 Naizvozvo moyo wenyu ngauve wakaperedzerwa kuna Jehovha Mwari wedu, kufamba muzvimiso zvake nekuchengeta mirairo yake, sanhasi.

62 Zvino mambo naIsraeri wose anaye ndokupa chibairo pamberi paJehovha.

63 Zvino Soromoni wakapa chibairo chezvipo zvekuyananisa, zvaakapa kuna Jehovha, nzombe zvuru makumi maviri nezviviri, nemakwai zvuru zana nemakumi maviri. Mambo nevana vaIsraeri vose ndokutsaura imba yaJehovha.

64 Nezuva iroro mambo wakatsvenesa pakati pechivanze chaiva pamberi peimba yaJehovha, nokuti ipapo wakapa chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa nemafuta ezvipo zvekuyananisa; nokuti aritari yendarira yaiva pamberi paJehovha yaiva iri diki zvikuru kuringana chipo chinopiswa nechipo chechidyiwa nemafuta ezvipo zvekuyananisa.

65 Zvino nenguva iyo Soromoni wakaita mabiko, naIsraeri wose pamwe naye, ungano huru, kubva pakupinda paHamati kusvika parukova rweEgipita, pamberi paJehovha Mwari wedu, mazuva manomwe nemazuva manomwe, mazuva gumi nemana.

66 Pazuva rerusere wakaendesa vanhu, ivo ndokuropafadza mambo, ndokuenda kumatende avo nerufaro uye kunaka kwemoyo nezvose Jehovha zvaakaitira Dhavhidhi muranda wake naIsraeri vanhu vake.