ShonaTeam 1 Kings « 7 »

Kuvakwa kweimba yaSoromoni

7Asi imba yake Soromoni wakaivaka makore gumi nematatu, ndokupedza imba yake yose.

2 Wakavakawo imba yesango reRebhanoni. Urefu hwayo hwaiva makubhiti zana, uye upamhi hwayo hwaiva makubhiti makumi mashanu, nekukwirira kwayo kwaiva makubhiti makumi matatu, pamusoro pemitsara mina yembiru dzemisidhari, nematanda emisidhari pamusoro pembiru.

3 Zvino yaiva yakafukidzwa nemisidhari kumusoro, pamusoro pemakamuri aiva pamusoro pembiru, makumi mana nemashanu, gumi nemashanu pamusara.

4 Uye kwaiva nemitsara mitatu yemahwindo, uye chiedza chakatarisana nechiedza, katatu.

5 Zvino mikova yose uye magwatidziro zvaiva nemativi mana akaenzana, ane mahwindo; uye chiedza chakatarisana nechiedza, katatu.

6 Wakaita berere rembiru; urefu hwaro hwaiva makubhiti makumi mashanu, uye upamhi hwaro hwaiva makubhiti makumi matatu; neberere pamberi padzo, nembiru nechikumbaridzo pamberi padzo.

7 Zvino wakaita berere rechigaro cheushe paanotongera, berere rekutonga; raiva rakafukidzwa nemusidhari kubva pasi kusvika pasi.

8 Neimba yake yaaigara, chimwe chivanze mukati meberere, yaiva yakafanana nebasa iri. Wakaitirawo mukunda waFarao, Soromoni waaiva awana, imba, yakafanana neberere iri.

9 Idzi dzose dzaiva mabwe anokosha akavezwa zvichienderana nezviyero, akachekwa nesaha mukati nekunze, uye kubva panheyo kusvika kumabwe ekumusoro, uye kubva kunze kusvika kuchivanze chikuru.

10 Zvino nheyo dzaiva dzakaitwa dzemabwe anokosha, mabwe makuru, mabwe emakubhiti gumi, nemabwe emakubhiti masere.

11 Zvino kumusoro kwaiva nemabwe anokosha akavezwa zvinoenderana nezviyero, nemusidhari.

12 Zvino chivanze chikuru chakapoteredza chaiva mitsara mitatu yemabwe akavezwa, nemusara wematanda emisidhari. Zvaiva zvakadaro nechivanze chemukati cheimba yaJehovha, uye neberere reimba.

13 Zvino mambo Soromoni wakatuma nhume ndokutora Hiramu kubva kuTire.

14 Iye waiva mwanakomana wemukadzi chirikadzi yerudzi rwaNafutari, uye baba vake vaiva munhu weTire, mupfuri wendarira; uye waiva akazadzwa nenjere nekunzwisisa neruzivo rwekuita basa ripi neripi nendarira. Zvino wakauya kuna mambo Soromoni, ndokuita basa rake rose.

15 Zvino wakaumba mbiru mbiri dzendarira; urefu hweimwe mbiru hwaiva makubhiti gumi nemasere; nerwonzi rwaiva makubhiti gumi nemaviri kupoteredza imwe mbiru.

16 Zvino wakaita misoro miviri yendarira yakanyunguduswa kuisa pamusoro wembiru; kukwirira kwemusoro umwe kwaiva makubhiti mashanu, uye kukwirira kweumwe musoro kwaiva makubhiti mashanu.

17 Mimbure iri basa rakarukwa, tambo dzakarukwa dzaiva basa remaketani, kuitira misoro iri pamusoro wembiru; minomwe pamusoro umwe uye minomwe pane umwe musoro.

18 Zvino wakaita mbiru mbiri nemitsara miviri kupoteredza pachirukwa chimwe kufukidza misoro yaiva pamusoro wemapomegiranati. Zvino saizvozvo wakaitira umwe musoro.

19 Zvino misoro yaiva pamusoro wembiru yaiva basa remaruva emusipiti muberere, makubhiti mana.

20 Zvino misoro yaiva pambiru mbiri nepamusoro pakatarisana nedumbu raiva pedo nemumbure; nemapomegiranati aiva mazana maviri aiva pamitsara yakapoteredza, pamusoro peumwe musoro.

21 Zvino wakamisa mbiru paberere retembere; ndokumisa mbiru yerudyi, ndokutumidza zita rayo Jakini; ndokumisa mbiru yeruboshwe, ndokutumidza zita rayo Bhowasi.

22 Zvino pamusoro wembiru paiva nebasa remaruva emusipiti; zvino basa rembiru rakapedzwa.

23 Zvino wakaita gungwa rakanyunguduswa; makubhiti gumi kubva kumupendero waro kusvika kumupendero waro, kutenderera kupoteredza, uye urefu hwaro hwaiva makubhiti mashanu; uye rwonzi rwemakubhiti makumi matatu rwakakomba kupoteredza.

24 Zvino pasi pemupendero waro paiva nemafundo akaripoteredza kuritenderedza, ari gumi pakubhiti, kupoteredza gungwa kuritenderedza; mitsara miviri yemafundo yakaumbwa nekunyungudusa pakuumbwa kwawo nekunyungudusa.

25 Rakamira pamusoro penzombe gumi nembiri, nhatu dzaiva dzakatarisa kumaodzanyemba, uye nhatu dzakatarisa kumavirazuva, uye nhatu dzakatarisa kuchamhembe, uye nhatu dzakatarisa kumabvazuva, uye gungwa raiva pamusoro padzo pamusoro, uye shure kwadzo kose kwaiva nechemukati.

26 Zvino ukobvu hwaro hwaiva upamhi hwechanza, uye mupendero waro waiva wakafanana nebasa remupendero wemukombe, seruva remusipiti; raiva rine mabhati* zvuru zviviri mukati.

27 Wakaitawo zvigadziko gumi zvendarira; urefu hwechigadziko chimwe hwaiva makubhiti mana, nemakubhiti mana upamhi hwacho, nemakubhiti matatu kukwirira kwacho.

28 Zvino iri raiva basa rezvigadziko: Zvaiva nemipendero; uye mipendero yaiva pakati pezvibatanidzi.

29 Zvino pamusoro pemipendero yaiva pakati pezvibatanidzi paiva neshumba, nzombe, nemakerubhi; nepamusoro pezvibatanidzi paiva nechigadziko pamusoro; uye pasi peshumba nenzombe paiva nezvirukwa zvemaruva zvebasa rakapfurwa.

30 Zvino chigadziko chimwe nechimwe chaiva nemavhiri mana endarira nemaekisera endarira; uye makona acho mana aiva nemafudzi; pasi pedhishi rekugezera paiva nemafudzi akaumbwa nekunyunguduswa kurutivi rwechirukwa chemaruva ichi neichi.

31 Zvino muromo wawo pakati pemusoro nechekumusoro waiva kubhiti; nemuromo wawo waiva wakapoteredza, basa rechigadziko, kubhiti nehafu yekubhiti; uyewo pamusoro pemuromo wawo paiva nezvakavezwa, uye mipendero yawo yaiva mativi mana akaenzana, kwete denderedzwa.

32 Uye mavhiri mana aiva pasi pemipendero, uye maekisera emavhiri aiva pachigadziko; uye kukwirira kwevhiri rimwe kwaiva kubhiti nehafu yekubhiti.

33 Zvino basa remavhiri raiva sebasa revhiri rengoro; maekisera awo nemarimu awo nemasipokisi awo nemahabhu awo zvaiva zvakaumbwa nekunyungudusa.

34 Zvino paiva nemafudzi mana pamakona ari mana echigadziko chimwe; mafudzi acho achibva pachigadziko.

35 Zvino pamusoro wechigadziko paiva nekukwirira hafu yekubhiti kutenderedza kupoteredza; uye pamusoro pechigadziko zvitsigiro zvacho nemipendero yacho zvichibva pachiri.

36 Zvino pamusoro pemapuranga ezvitsigiro zvayo uye pamusoro pemipendero yazvo wakaveza makerubhi, shumba, nemiti yemichindwe, zvakaringana nenzvimbo yazvo yose isina chinhu, nezvirukwa zvemaruva kunhivi dzose.

37 Wakaita saizvozvo zvigadziko gumi; zvose zvaiva zvine kuumbwa kumwe, chiyero chimwe, chimiro chimwe.

38 Zvino wakaita madhishi ekugezera endarira gumi; dhishi rekugezera rimwe nerimwe raipinda mabhati makumi mana; dhishi rekugezera rimwe nerimwe raiva makubhiti mana; dhishi rekugezera rimwe raiva pamusoro pechimwe nechimwe chezvigadziko gumi.

39 Zvino wakaisa zvigadziko zvishanu kurutivi rwerudyi rweimba, uye zvishanu kurutivi rweruboshwe rweimba; ndokuisa gungwa kurutivi rwerudyi rweimba nechekumabvazuva pakatarisana nekuchamhembe.

40 Hiramu ndokuita madhishi ekugezera nemafoshoro nembiya. Hiramu ndokupedza kuita mabasa ose aakaitira mambo Soromoni paimba yaJehovha:

41 Mbiru mbiri, nembiya dzemisoro yaiva pamusoro wembiru mbiri; uye mimbure miviri kufukidza mbiya mbiri dzemisoro yaiva pamusoro wembiru;

42 nemapomegiranati mazana mana emimbure miviri, mitsara miviri yemapomegiranati pamumbure umwe, kufukidza mbiya mbiri dzemisoro yaiva pamusoro pembiru;

43 nezvigadziko gumi, nemadhishi ekugezera gumi pamusoro pezvigadziko;

44 negungwa rimwe, nenzombe gumi nembiri pasi pegungwa;

45 nehari, nemafoshoro, nembiya, nenhumbi idzi dzose Hiramu wakadziitira mambo Soromoni paimba yaJehovha, dzaiva dzendarira yakakwenenzverwa.

46 Mambo wakadziumba nekunyungudusa mubani raJoridhani, pavhu rekuumba pakati peSukoti neZaretani.

47 Zvino Soromoni wakasiya midziyo yose isina kuyerwa nekuda kweuwandu ukuru kwazvo; uremu hwendarira hahuna kutsvagwa.

48 Soromoni ndokuita nhumbi dzose dzaiva dzeimba yaJehovha: Aritari yegoridhe, netafura yegoridhe paiva nezvingwa zvekuratidza;

49 nezvigadziko zvemwenje zvegoridhe rakazara, zvishanu kurutivi rwerudyi, nezvishanu kurutivi rweruboshwe, pamberi penzvimbo yeshoko; nemaruva, nemwenje, nembato dzegoridhe;

50 nemikombe, nembato dzemwenje, nembiya, nezvirongo, nezvaenga zvemoto zvegoridhe rakazara; nezvibato zvegoridhe zvemagonhi eimba yemukati, zvenzvimbo tsvene-tsvene, zvemagonhi eimba yetembere.

51 Zvino basa rose rakapera mambo Soromoni ravakaitira imba yaJehovha. Soromoni ndokupinza zvinhu zvakaitwa zvitsvene zvaDhavhidhi baba vake; sirivha negoridhe nemidziyo akazviisa pafuma yeimba yaJehovha.