ShonaTeam 1 Kings « 5 »

Soromoni anogadzira zvose kuti tembere ivakwe

5Zvino Hiramu mambo weTire wakatuma varanda vake kuna Soromoni, nokuti waiva anzwa kuti vakamuzodza kuva mambo pachinzvimbo chababa vake; nokuti Hiramu waida Dhavhidhi mazuva ose.

2 Zvino Soromoni wakatuma nhume kuna Hiramu achiti:

3 Imwi munoziva kuti Dhavhidhi baba vangu vaiva vasingagoni kuvakira zita raJehovha Mwari wavo imba nekuda kwehondo mavaiva vakamukomba madziri, kusvika Jehovha avaisa pasi pechitsiko chetsoka dzake.

4 Asi ikozvino Jehovha Mwari wangu wakandipa zororo kumativi ose. Hakuna muvengi uye hakuna chakaipa chinoitika.

5 Zvino tarirai, ndakazvipira kuvakira zita raJehovha Mwari wangu imba, Jehovha sezvaakataura kuna baba vangu Dhavhidhi, achiti: Mwanakomana wako wandichaisa pachigaro chako cheushe pachinzvimbo chako ndiye achavakira zita rangu imba.

6 Zvino ikozvino, rairai kuti vanditemere misidhari kubva kuRebhanoni. Zvino varanda vangu vachava pamwe nevaranda venyu; uye kwamuri ndichapa mubairo wevaranda venyu sezvose zvamuchareva; nokuti imwi munoziva kuti pakati pedu hapana munhu anoziva kutema matanda sevaSidhoni.

7 Zvino zvakaitika Hiramu paakanzwa mashoko aSoromoni, kuti wakafara kwazvo, ndokuti: Jehovha ngaarumbidzwe nhasi, iye wakapa Dhavhidhi mwanakomana wakachenjera pamusoro perudzi urwu rukuru.

8 Hiramu ndokutuma nhume kuna Soromoni achiti: Ndanzwa zvamanditumira; ini ndichaita zvishuwo zvenyu zvose maererano nematanda emisidhari nemaererano nematanda emisipiresi*.

9 Varanda vangu vachaaburusa kubva kuRebhanoni kuenda kugungwa; uye ini ndichaaisa mumakwande ekuyeredza negungwa kuenda kunzvimbo yamuchatuma kwandiri, uye ndichaasunungurira ipapo; uye imwi muchatorerapo, imwi muchaita chishuwo changu nekupa veimba yangu zvekudya.

10 Naizvozvo Hiramu wakapa Soromoni matanda emisidhari nematanda emisipiresi, chishuwo chake chose.

11 Zvino Soromoni wakapawo kuna Hiramu zviyero zvuru makumi maviri zvezviyo zvive zvekudya zveveimba yake, nezviyero makumi maviri zvemafuta akatakiwa. Saizvozvo Soromoni wakapa Hiramu gore negore.

12 Zvino Jehovha wakapa Soromoni njere sezvaaiva ataura kwaari; uye pakava nerugare pakati paHiramu naSoromoni; vakaita sungano vari vaviri.

13 Mambo Soromoni akasimudza vanhu vechibharo pakati paIsraeri wese; zvino vanhu vechibharo vaiva vanhu zvuru makumi matatu.

14 Akavatumira Rebhanoni, mwedzi umwe neumwe zvuru zvine gumi, vachiravana; vaiva paRebhanoni mwedzi umwe, kumusha mwedzi miviri; Adhoniramu ndiye waiva pamusoro pevanhu vechibharo.

15 Uye Soromoni waiva nevatakuri vemitoro zvuru makumi manomwe, nevatemi zvuru makumi masere pamakomo;

16 vasingaverengwi madzishe evatariri vaSoromoni, vaiva pamusoro pebasa, zvuru zvitatu nemazana matatu, vaiva pamusoro pevanhu vaibata pabasa.

17 Mambo akaraira, vakaunza mabwe makuru, mabwe aikosha, kuti vateye nheyo dzeimba nemabwe akavezwa.

18 Vavaki vaSoromoni nevavaki vaHiramu nevaGhebhari vakaaveza, vakagadzira matanda nemabwe kuzovaka imba.