ShonaTeam 1 Kings « 4 »

Machinda aSoromoni nefuma yake

4Zvino mambo Soromoni wakava mambo pamusoro paIsraeri wose.

2 Zvino awa ndiwo machinda aaiva nawo: Azariya mwanakomana waZadhoki waiva mupristi;

3 Erihorefi naAhija vanakomana vaShisha vaiva vanyori; Jehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva munyori wenhoroondo;

4 naBhenaya mwanakomana waJehoyadha waiva pamusoro pehondo; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;

5 naAzariya mwanakomana waNatani waiva pamusoro pevatariri; naZabhudhi mwanakomana waNatani waiva mupristi, shamwari yamambo.

6 Abhishari waiva pamusoro peimba; naAdhoniramu mwanakomana waAbhidha waiva pamusoro pemutero.

7 Zvino Soromoni waiva nevatariri gumi nevaviri pamusoro paIsraeri wose, vaitsvakira mambo neimba yake zvekudya; mwedzi pagore waiva paumwe neumwe kutsvaka zvekudya.

8 Zvino awa mazita avo: Bheni-Huri pamakomo aEfuremu;

9 Bheni-Dhekeri paMakazi, nepaSharibhimi, neBheti-Shemeshi, neEroni-Bheti-Hanani;

10 Bheni-Hesedhi paArubhoti; iye waiva neSokoho, nenyika yose yeHeferi;

11 Bheni-Abhinadhabhi panyika yose yeDhori; Tafati mukunda waSoromoni waiva mukadzi wake;

12 Bhaana mwanakomana waAhirudhi paTaanaki, neMegidho, neBheti-Sheani rose, iri paZaretani pazasi peJezireeri, kubva paBheti-Sheani kusvika paAbheri-Mehora kusvika mhiri kweJokimeami;

13 Bheni-Gebheri paRamoti-Giriyadhi; waiva nemisha yaJairi mwanakomana waManase, yaiva paGiriyadhi; iye waiva nedunhu reArigobhi iri paBhashani, maguta makuru makumi matanhatu aiva nemasvingo ane mazariro endarira;

14 Ahinadhabhi mwanakomana waIdho paMahanayimu;

15 Ahimaazi paNafutari; iyewo wakatora Bhasemati mukunda waSoromoni kuva mukadzi;

16 Bhaana mwanakomana waHushai paAsheri nepaAroti;

17 Josafati mwanakomana waParua paIsasikari;

18 Shimei mwanakomana waEra paBhenjamini;

19 Gebheri mwanakomana waUri panyika yeGiriyadhi, nyika yaSihoni mambo wevaAmori neyaOgi mambo weBashani; uye waiva iye ega mutariri waiva panyika iyo.

20 Judha naIsraeri vaiva vazhinji sejecha riri pagungwa pauwandu, vachidya, vachinwa, vachifara.

21 Zvino Soromoni wakatonga pamusoro peushe hwose kubva parwizi kusvika kunyika yevaFirisitia nekusvika kumuganhu weEgipita; vakauya nezvipo uye vaishandira Soromoni mazuva ose eupenyu hwake.

22 Zvino zvekudya zvaSoromoni zvezuva rimwe zvaiva zviyero makumi matatu zveupfu hwakatsetseka, nezviyero makumi matanhatu zveupfu,

23 nzombe gumi dzakakodzwa, nemombe makumi maviri dzekumafuro, nemakwai zana, kunze kwenondo, nemhara, nemhembwe, neshiri dzakakodzwa.

24 Nokuti wakatonga pamusoro pechekuno kose kwerwizi, kubva paTifisa kusvika paGaza, pamusoro pemadzimambo ose nechekuno kwerwizi; uye wakava nerugare kunhivi dzake dzose dzaiva dzakapoteredza.

25 Zvino Judha naIsraeri vakagara pakadzivirirwa, umwe neumwe pazasi pemuzambiringa wake nepazasi pemuonde wake, kubva paDhani kusvika paBheeri-Shebha, mazuva ose aSoromoni.

26 Soromoni waiva nezvidyiro zvuru makumi mana zvemabhiza engoro dzake, nevatasvi vemabhiza zvuru gumi nezviviri.

27 Zvino vatariri ava vaitsvakira mambo Soromoni zvekudya, newose waiswedera patafura yamambo Soromoni, umwe neumwe pamwedzi wake; havana kusiya kuchishaikwa chinhu.

28 Bhariwo* nemajanga emabhiza nemabhiza aimhanyisa vakauisa panzvimbo yazvaifanira kuva, umwe neumwe sezvaakatongerwa.

29 Mwari ndokupa Soromoni njere nekunzwisisa kukuru kwazvo, neupamhi hwemoyo, sejecha riri pamahombekombe egungwa.

30 Zvino njere dzaSoromoni dzakapfuura njere dzevose vanakomana vemabvazuva, nedzakapfuura njere dzose dzevaEgipita.

31 Nokuti waiva akachenjera kupfuura vanhu vese; kupfuura Etani muEzirahi, naHemani, naKarikori, naDharidha, vanakomana vaMahori; uye zita rake rakava kundudzi dzose dzaiva dzakapoteredza.

32 Zvino wakataura tsumo zvuru zvitatu, uye nziyo dzake dzaiva churu neshanu.

33 Zvino wakataura zvemiti, kubva pamusidhari uri paRebhanoni kusvika pamuhisopi unobuda parusvingo; akataurawo zvemhuka, nezveshiri, nezvezvinokambaira, nezvehove.

34 Zvino kwakasvika kubva kumarudzi ose kuzonzwa kuchenjera kwaSoromoni, kubva kumadzimambo ose enyika vakanzwa zvekuchenjera kwake.