ShonaTeam 1 Kings « 3 »

Kurota kwaSoromoni

3Zvino Soromoni wakasangana pawanano naFarao mambo weEgipita, ndokutora mukunda waFarao ndokumuunza kuguta raDhavhidhi kusvika apedza kuvaka imba yake neimba yaJehovha nerusvingo reJerusarema rwunopoteredza.

2 Zvakadaro vanhu vaipa zvibairo panzvimbo dzakakwirira, nokuti kwaiva kusina kuvakirwa zita raJehovha imba kusvika pamazuva iwawo.

3 Zvino Soromoni wakada Jehovha, achifamba muzvimiso zvaDhavhidhi baba vake; zvakadaro waibaira zvibairo nekupisa zvinonhuhwira panzvimbo dzakakwirira.

4 Zvino mambo wakaenda kuGibhiyoni kunobairapo, nokuti yaiva nzvimbo huru yakakwirira; Soromoni ndokupa zvipo zvinopiswa churu paaritari iyo.

5 PaGibhiyoni Jehovha wakazviratidza kuna Soromoni muchiroto usiku. Mwari ndokuti: Kumbira chandingakupa.

6 Soromoni ndokuti: Imwi makaitira muranda wenyu Dhavhidhi baba vangu tsitsi huru, sezvaakafamba pamberi penyu muchokwadi uye mukururama, uye pakuvimbika kwemoyo kwamuri; mukamuchengeterawo tsitsi idzi huru, uye makamupa mwanakomana agere pachigaro chake cheushe, sezvazviri nhasi.

7 Naizvozvo zvino Jehovha Mwari wangu, imwi makaita muranda wenyu mambo pachinzvimbo chababa vangu Dhavhidhi, asi ndiri mwanana; handizivi kubuda kana kupinda.

8 Zvino muranda wenyu ari pakati pevanhu venyu vamakatsaura, vanhu vazhinji, vasingagoni kuverengwa kana kurahwa neuwandu.

9 Naizvozvo ipai muranda wenyu moyo unonzwisisa, kutonga vanhu venyu, kuti ndizive kuparadzanisa pakati pezvakanaka nezvakaipa; nokuti ndiani anogona kutonga rudzi rwenyu urwu rwunorema?

10 Zvino chinhu ichi chaiva chakanaka pameso aIshe, kuti Soromoni wakakumbira chinhu ichi.

11 Mwari ndokuti kwaari: Nekuda kwekuti wakumbira chinhu ichi, uye hauna kuzvikumbirira mazuva mazhinji, uye hauna kuzvikumbirira fuma, uye hauna kukumbira mweya weupenyu wevavengi vako; asi wazvikumbirira kunzwisisa kunzwa mutongo;

12 tarira, ndaita zvinoenderana nemashoko ako; tarira ndakupa moyo wakachenjera uye unonzwisisa, zvekuti hakuna newakaita sewe mberi kwako, uye shure kwako hakungamuki wakaita sewe.

13 Uye ndakupawo zvausina kukumbira, zvose fuma nerukudzo, zvekuti hakungazovi neumwe pakati pemadzimambo wakaita sewe mazuva ako ose.

14 Zvino kana ukafamba nenzira dzangu, kuchengeta zvimiso zvangu nemirairo yangu, sezvakafamba baba vako Dhavhidhi, ipapo ndicharebesa mazuva ako.

15 Zvino Soromoni wakamuka, zvino tarira, chaiva chiroto. Zvino wakauya kuJerusarema ndokumira pamberi peareka yesungano yaIshe, ndokupa zvipo zvinopiswa, ndokupa zvipo zvekuyananisa, ndokuitira varanda vake vose mabiko.

16 Ipapo kwakasvikapo vakadzi vaviri vaiva zvifeve kuna mambo ndokumira pamberi pake.

17 Umwe mukadzi ndokuti: Haiwa ishe wangu, ini nemukadzi uyu tinogara muimba imwe; zvino ndikapona ndinaye mumba.

18 Zvino zvakaitika pazuva retatu shure kwekunge ndapona kuti mukadzi uyu wakaponawo, uye taiva pamwe, pasina mweni nesu mumba, kunze kwedu tiri vaviri mumba.

19 Zvino mwana wemukadzi uyu wakafa usiku, nokuti wakarara pamusoro pake.

20 Zvino wakamuka pakati peusiku ndokutora mwanakomana wangu kubva parutivi rwangu, murandakadzi wenyu achakarara, ndokumuradzika pachipfuva chake, ndokuradzika mwana wake wakafa pachipfuva changu.

21 Pandamuka mangwanani kuyamwisa mwana wangu, zvino tarirai, wakafa; asi ndati ndichimucherekedza mangwanani, zvino tarirai, haasi mwanakomana wangu wandakabereka.

22 Zvino umwe mukadzi wakati: Kwete, asi mupenyu mwanakomana wangu, uye wakafa mwanakomana wako; uyu ndokuti: Kwete, asi wakafa mwanakomana wako, mupenyu mwanakomana wangu. Vakataura saizvozvo pamberi pamambo.

23 Zvino mambo wakati: Uyu anoti: Uyu mwanakomana wangu mupenyu uye mwanakomana wako ndewakafa; uye umwe anoti: Kwete, asi mwanakomana wako ndewakafa uye mwanakomana wangu mupenyu.

24 Mambo ndokuti: Nditorerei munondo. Zvino vakaunza munondo pamberi pamambo.

25 Mambo ndokuti: Pamurai mwana mupenyu kuita mapandi maviri, uye mupe umwe hafu, neumwe hafu.

26 Zvino mukadzi waiva wemwanakomana mupenyu wakataura kuna mambo, nokuti ura hwake hwakamunzwira pamusoro pemwanakomana wake, zvino wakati: Haiwa, ishe wangu, mupei mwana mupenyu, uye musatongomuuraya. Asi umwe wakati: Ngaarege kuva wangu kana wako, pamurai.

27 Zvino mambo wakapindura ndokuti: Ipai iye mwana mupenyu, musatongomuuraya; ndiye mai vake.

28 Zvino Israeri wose wakanzwa mutongo mambo waakatonga, ndokutya pamberi pamambo; nokuti vakaona kuti uchenjeri hwaMwari hwaiva maari kuita mutongo.