ShonaTeam 1 Kings « 2 »

Kufa kwaDhavhidhi

2Zvino mazuva aDhavhidhi akaswedera kuti afe. Zvino wakaraira Soromoni mwanakomana wake achiti:

2 Ndinoenda nenzira yenyika yese; naizvozvo simba, uve murume.

3 Uye chengeta zvawakarairwa naJehovha Mwari wako, kuti ufambe nenzira dzake, uchichengeta zvimiso zvake, mirairo yake, nemitongo yake, nezvipupuro zvake, sezvazvakanyorwa pamurairo waMozisi, kuti ubudirire pazvose zvaunoita, uye kose kwaunotendeukira.

4 Kuti Jehovha asimbise shoko rake raakataura maererano neni, achiti: Kana vanakomana vako vakachenjera panzira yavo, kufamba pamberi pangu muchokwadi nemoyo wavo wose uye nemweya weupenyu wavo wose, achiti: Hakungagurwi kubva kwauri murume pachigaro cheushe chaIsraeri.

5 Uyezve iwe unoziva Joabhu mwanakomana waZeruya zvaakandiitira, zvaakaita kuvakuru vaviri vehondo dzaIsraeri, kuna Abhineri mwanakomana waNeri, nekuna Amasa mwanakomana waJeteri, vaakauraya ndokuteura ropa rehondo parugare, wakaisa ropa rehondo pabhanhire rake raiva pachiuno chake, nepashangu dzake dzaiva patsoka dzake.

6 Naizvozvo ita zvinoenderana neuchenjeri hwako, uye usarega musoro wake wachena uchiburukira muguva nerugare.

7 Asi uitire unyoro vanakomana vaBharizirai muGiriyadhi, uye ngavave pakati pevanodya patafura yako; nokuti saizvozvo vakaswedera kwandiri pakutiza kwangu pachiso chaAbhusaromu mukoma wako.

8 Uye tarira, kwauri kuna Shimei mwanakomana waGera muBhenjamini weBhahurimi, wakandituka nekutuka kunorwadza pazuva randaienda kuMahanayimu; asi iye wakauya kundichingamidza paJoridhani, zvino ndakamupikira naJehovha ndichiti: Handingakuurayi nemunondo.

9 Naizvozvo zvino usamurega ari asina mhosva, nokuti uri munhu wakachenjera; uye unoziva zvauchamuitira, uye uchaburusira musoro wake wachena une ropa muguva.

10 Zvino Dhavhidhi wakarara nemadzibaba ake, uye wakavigwa muguta raDhavhidhi.

11 Zvino mazuva Dhavhidhi aakatonga pamusoro paIsraeri aiva makore makumi mana. Makore manomwe wakatonga paHebhuroni, uye makore makumi matatu nematatu wakatonga paJerusarema.

Soromoni anosimbisa umambo hwake

12 Zvino Soromoni wakagara pachigaro cheushe chababa vake Dhavhidhi. Ushe hwake ndokusimbiswa kwazvo.

13 Zvino Adhonia mwanakomana waHagiti wakasvika kuna Bhati-Shebha mai vaSoromoni; ivo ndokuti: Unouya nerugare here? Iye ndokuti: Nerugare.

14 Iye ndokuti: Ndine shoko kwamuri. Ivo ndokuti: Taura.

15 Zvino wakati: Imwi munoziva kuti ushe hwaiva hwangu, uye Israeri wose waiva akaisa zviso zvavo kwandiri kuti ndichatonga; asi ushe hwakashandurwa hukazova hwemunin'ina wangu; nokuti hwaiva hwake kubva kuna Jehovha.

16 Zvino ikozvino ndinokumbira chikumbiro chimwe kwamuri; musafuratidza chiso changu. Ivo ndokuti kwaari: Taura.

17 Iye ndokuti: Taurai henyu naSoromoni mambo (nokuti haangafuratidzi chiso chenyu) kuti andipe Abhishagi muShunami ave mukadzi wangu.

18 Bhati-Shebha ndokuti: Zvakanaka, ini ndichakutaurira kuna mambo.

19 Naizvozvo Bhati-Shebha wakaenda kuna mambo Soromoni kunotaurira Adhonia kwaari. Mambo ndokusimuka kumuchingamidza, ndokumukotamira ndokugara pachigaro chake cheushe, ndokuti kuisirwe mai vamambo chigaro; ivo vakagara kuruoko rwake rwerudyi.

20 Zvino vakati: Ndinokumbira chikumbiro chimwe chidiki kwauri; usafuratidza chiso changu. Mambo ndokuti kwavari: Kumbirai, mai vangu, nokuti handingafuratidzi chiso chenyu.

21 Zvino vakati: Abhishagi muShunami ngaapiwe Adhonia mukuru wako ave mukadzi wake.

22 Zvino mambo Soromoni wakapindura ndokuti kuna mai vake: Uye munokumbirirei Adhonia Abhishagi muShunami? Mumukumbirirewo ushe, nokuti iye mukoma wangu ari mukuru kwandiri; hongu, iye, naAbhiatari mupristi, naJoabhu mwanakomana waZeruya.

23 Mambo Soromoni ndokupika naJehovha achiti: Mwari ngaaite saizvozvo kwandiri uye awedzere saizvozvo, zvirokwazvo Adhonia wataura shoko iri kurwisana neupenyu hwake.

24 Naizvozvo zvino, naJehovha mupenyu, iye wakandisimbisa, ndokundigadza pachigaro cheushe chababa vangu Dhavhidhi, uye wakandiitira imba sezvaakataura, zvirokwazvo, Adhonia uchaurawa nhasi.

25 Mambo Soromoni ndokutuma neruoko rwaBhenaya mwanakomana waJehoyadha, iye akamuwira, ndokufa.

26 Uye kuna Abhiatari mupristi, mambo wakati: Enda kuAnatoti kuminda yako, nokuti uri munhu wekufa; asi handingakuurayi nhasi, nokuti waitakura areka yaShe Jehovha pamberi pababa vangu Dhavhidhi, uye nokuti wakatambudzika pazvose baba vangu zvavakatambudzika nazvo.

27 Naizvozvo Soromoni akadzinga Abhiatari pakuva mupristi waJehovha; kuzadzisa shoko raJehovha raakataura maererano neimba yaEri paShiro.

28 Zvino shoko rakasvika kuna Joabhu, nokuti Joabhu waiva atendeuka kutevera Adhonia, kunyange asina kutendeuka kutevera Abhusaromu. Joabhu ndokutizira kutende raJehovha, ndokubatirira panyanga dzearitari.

29 Zvino kwakaudzwa mambo Soromoni kuti Joabhu watizira kutende raJehovha; zvino tarirai, ari parutivi rwearitari. Soromoni ndokutuma Bhenaya mwanakomana waJehoyadha achiti: Enda unomuwira.

30 Bhenaya ndokuenda kutende raJehovha, ndokuti kwaari: Ndizvo zvinoreva mambo: Budai! Iye ndokuti: Kwete, asi ndichafira pano. Bhenaya ndokudzosera shoko kuna mambo achiti: Ndizvo zvataura Joabhu, uye ndizvo zvaandipindura.

31 Mambo ndokuti kwaari: Ita sezvaataura, umuwire, ugomuviga muguva; kuti ubvise kwandiri nepaimba yababa vangu ropa risina mhosva Joabhu raakateura.

32 Uye Jehovha achadzosera ropa rake pamusoro wake, nokuti wakawira varume vaviri vaiva vakarurama uye vari nani kumupfuura ndokuvauraya nemunondo, uye baba vangu Dhavhidhi vasingazvizivi: Abhineri mwanakomana waNeri mukuru wehondo yaIsraeri, naAmasa mwanakomana waJeteri mukuru wehondo yaJudha.

33 Naizvozvo ropa ravo richadzokera pamusoro waJoabhu nepamusoro wembeu yake nekusingaperi; asi kuna Dhavhidhi nekumbeu yake nekuimba yake nekuchigaro chake cheushe kuchava nerugare kusvika rinhi narinhi rwunobva kuna Jehovha.

34 Bhenaya mwanakomana waJehoyadha ndokukwira ndokumuwira ndokumuuraya. Zvino wakavigwa muimba yake murenje.

35 Zvino mambo wakaisa Bhenaya mwanakomana waJehoyadha pachinzvimbo chake pamusoro pehondo; uye Zadhoki mupristi mambo wakamuisa pachinzvimbo chaAbhiatari.

36 Mambo ndokutuma nhume ndokudana Shimei, ndokuti kwaari: Uzvivakire imba paJerusarema, uye ugareko, usabudapo kuenda kupi nekupi.

37 Nokuti kuchati nezuva rekubuda kwako ndokuyambuka rukova Kidhironi, ziva zvirokwazvo kuti uchafa zvekufa; ropa rako richava pamusoro pemusoro wako.

38 Shimei ndokuti kuna mambo: Shoko iri rakanaka; sezvareva ishe wangu mambo, muranda wenyu achaita saizvozvo. Shimei ndokugara paJerusarema mazuva mazhinji.

39 Zvino zvakaitika pakupera kwemakore matatu kuti vaviri vevaranda vaShimei vakatizira kuna Akishi mwanakomana waMaaka mambo weGati. Zvino vakaudza Shimei vachiti: Tarira varanda vako vari paGati.

40 Zvino Shimei wakasimuka ndokusungirira chigaro pambongoro yake, ndokuenda kuGati kuna Akishi kunotsvaka varanda vake. Shimei ndokuenda ndokuunza varanda vake kubva paGati.

41 Zvino zvakaudzwa Soromoni kuti Shimei wakaenda kubva Jerusarema kuenda Gati, uye wakadzoka.

42 Mambo ndokutuma nhume ndokudana Shimei, ndokuti kwaari: Handina kukupikisa naJehovha here, ndikapupura kwauri ndichiti: Nezuva rekubuda kwako ukaenda kupi nekupi, uzive zvirokwazvo kuti uchafa zvekufa? Uye iwe wakati kwandiri: Shoko randanzwa rakanaka.

43 Zvino sei usina kuchengeta mhiko yaJehovha, nemurairo wandakaraira pamusoro pako?

44 Mambo wakatiwo kuna Shimei: Iwe unoziva kuipa kose moyo wako kwaunoziva kwawakaita kuna Dhavhidhi baba vangu; naizvozvo Jehovha achadzosera kuipa kwako pamusoro wako.

45 Asi mambo Soromoni acharopafadzwa, nechigaro cheushe chaDhavhidhi chichasimbiswa pamberi paJehovha kusvika rinhi narinhi.

46 Naizvozvo mambo wakaraira Bhenaya mwanakomana waJehoyadha; iye wakabuda ndokumuwira zvekuti wakafa. Naizvozvo ushe hwakasimbiswa muruoko rwaSoromoni.