ShonaTeam 2 Samuel « 24

24Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakapfutirazve Israeri, ndokuvamutsira Dhavhidhi, achiti: Enda uverenge Israeri naJudha.

2 Naizvozvo mambo wakati kuna Joabhu mukuru wehondo waiva naye: Enda ikozvino upote pamarudzi ose aIsraeri, kubva paDhani kusvikawo paBheeri-Shebha, uye uverenge vanhu, kuti ndizive uwandu hwevanhu.

3 Joabhu ndokuti kuna mambo: Dai Jehovha Mwari wenyu awedzera pavanhu, sezvavakaita uye saivo, zvipamhidzirwe rune zana, kuti meso ashe wangu mambo aone. Asi ishe wangu mambo anofadzirwei nechinhu ichi?

4 Zvakadaro shoko ramambo rakakurira Joabhu uye vakuru vehondo. Joabhu nevakuru vehondo ndokubuda pamberi pamambo kuti vaverenge vanhu, iye Israeri.

5 Zvino vakayambuka Joridhani, ndokudzika matende paAroeri, kurudyi rweguta, riri pakati perukova rweGadhi, nepakananga Jazeri.

6 Zvino vakasvika paGiriyadhi nepanyika yeTahetimi-Hodhisi; ndokusvika paDhani-Jaani, nekupoteredza kusvika paSidhoni.

7 Ndokusvika kunhare yeTire, nemaguta ose evaHivhi, neevaKenani; ndokubudira kuchamhembe kwaJudha paBheeri-Shebha.

8 Zvino vakapota vakagura nepanyika yose, vakasvika paJerusarema pakupera kwemwedzi mipfumbamwe nemazuva makumi maviri.

9 Zvino Joabhu wakapa uwandu hwekuverengwa kwevanhu kuna mambo. Zvino kwaIsraeri kwaiva nemhare zvuru mazana masere vaivhomora munondo; uye varume vaJudha vaiva varume zvuru mazana mashanu.

10 Zvino hana yaDhavhidhi yakamurova shure kwekunge averenga vanhu. Dhavhidhi ndokuti kuna Jehovha: Ndatadza kwazvo neizvo zvandaita; asi ikozvino Jehovha, bvisai henyu kuipa kwemuranda wenyu; nokuti ndaita neupenzi kwazvo.

11 Dhavhidhi paakamuka mangwanani, shoko raJehovha rakasvika kumuporofita Gadhi, muoni waDhavhidhi, richiti:

12 Enda unoti kuna Dhavhidhi: Ndizvo zvinoreva Jehovha: Ndinokuisira zvitatu; zvisarudzire chimwe chazvo, kuti ndichiite kwauri.

13 Gadhi ndokusvika kuna Dhavhidhi, ndokumuudza ndokuti kwaari: Kuuye kwauri makore manomwe enzara panyika yako here? Kana kuti utize pamberi pevavengi vako mwedzi mitatu vachikudzingirira here? Dai kwava nedenda panyika yako mazuva matatu here? Ikozvino ziva uone kuti imhinduroi yandichadzosera kune wakandituma.

14 Dhavhidhi ndokuti kuna Gadhi: Ndiri pakumanikidzwa kwazvo; regai henyu ikozvino tiwire muruoko rwaJehovha, nokuti ngoni dzake ihuru, asi ndirege kuwira muruoko rwemunhu.

15 Naizvozvo Jehovha wakaisa denda muIsraeri kubva mangwanani kusvika panguva yaiva yatarwa. Zvino kwakafa kubva pavanhu varume zvuru makumi manomwe, kubva paDhani kusvika paBheeri-Shebha.

16 Mutumwa paakatandavadzira ruoko rwake paJerusarema kuti ariparadze, Jehovha akazvidemba pamusoro pechakaipa ichi, ndokuti kumutumwa waiparadza vanhu: Zvakwana, ikozvino chidzosa ruoko rwako. Zvino mutumwa waJehovha waiva paburiro raArauna muJebhusi.

17 Zvino Dhavhidhi wakataura kuna Jehovha paakaona mutumwa wairova vanhu, ndokuti: Tarirai, ndini ndatadza, ndini ndaita zvakaipa; zvino makwai awa akaitei? Ruoko rwenyu ngarurwise henyu ini uye rurwise imba yababa vangu.

18 Zvino Gadhi wakasvika kuna Dhavhidhi nezuva iro, ndokuti kwaari: Kwira umisire Jehovha aritari paburiro raArauna muJebhusi.

19 Dhavhidhi ndokukwira zvichienderana neshoko raGadhi, Jehovha sezvaakaraira.

20 Zvino Arauna wakatarisa pasi ndokuona mambo nevaranda vake vachiyambukira kwaari; Arauna ndokubuda, ndokukotamira pasi nechiso chake pamberi pamambo.

21 Arauna ndokuti: Sei ishe wangu mambo auya kumuranda wake? Dhavhidhi ndokuti: Kuti nditenge buriro kwauri, kuti ndivakire Jehovha aritari, kuti dambudziko ribatike kubva kuvanhu.

22 Arauna ndokuti kuna Dhavhidhi: Ishe wangu mambo ngaatore ape zvakanaka pameso ake; onai, nzombe dzechipo chinopiswa, nemipuro nezvinhu zvenzombe zvive huni.

23 Izvi zvose, mambo, Arauna anopa mambo. Arauna ndokuti kuna mambo: Jehovha Mwari wenyu akugamuchirei.

24 Mambo ndokuti kuna Arauna: Kwete, asi ndichazvitenga zvekuzvitenga kwauri nemutengo; uye handingapi Jehovha Mwari wangu zvipo zvinopiswa zvisina kundidhurira. Dhavhidhi ndokutenga buriro nenzombe nemashekeri esirivha makumi mashanu.

25 Dhavhidhi ndokuvakirapo Jehovha aritari, akapa zvipo zvinopiswa nezvipo zvekuyananisa. Naizvozvo Jehovha wakanyengetedzeka nekuda kwenyika, dambudziko ndokubatika kubva pana Israeri.