ShonaTeam 2 Samuel « 23 »

23Zvino awa mashoko ekupedzisira aDhavhidhi. Dhavhidhi mwanakomana waJese wakati, uye munhu wakasimudzirwa kumusoro, muzodzwa waMwari waJakove, uye muimbiriri anonakidza waIsraeri, wakati:

2 Mweya waJehovha wakataura pandiri, uye shoko rake riri parurimi rwangu.

3 Mwari waIsraeri wakati, dombo raIsraeri rakataura kwandiri, rikati: Anotonga vanhu achava wakarurama, achitonga mukutya Mwari.

4 Uye achava sechiedza chemangwanani pakubuda kwezuva, mangwanani asina makore; sebumhudza pavhu nekupenya pashure pekunaya kwemvura.

5 Kunyange imba yangu isina kudaro kuna Mwari, zvakadaro wakaita neni sungano yekusingaperi, yakarongwa pazvose, yakasimba; nokuti ruponeso rwangu rwose, nechishuvo chose, kunyange asingazvikurisi.

6 Asi vari vaBheriyari vose vachava seminzwa inoraswa, nokuti haigoni kutorwa neruoko.

7 Asi munhu achaibata achashongedzwa neutare uye nerwiriko rwepfumo; uye ichapiswa zvekupiswa nemoto panzvimbo iyo.

Varume vane simba vaiva naDhavhidhi

8 Ndiwo mazita evarume vane simba Dhavhidhi vaaiva navo: Joshebhi-Bhashebheti muTakemoni, musoro wemachinda; ndiye waiva Adhino muEzini, nekuda kwevane mazana masere vakaurawa nenguva imwe.

9 Zvino shure kwake kwaiva naEriazari mwanakomana waDhodho, mwanakomana wemuAhohi, umwe wevarume vane simba vatatu vaiva naDhavhidhi pavakavamba vaFirisitia vaiva vakaunganirapo hondo, varume vaIsraeri pavaiva vakwira.

10 Iye wakasimuka ndokurova pakati pevaFirisitia kusvika ruoko rwake rwaneta, uye ruoko rwake rukanamatira pamunondo; Jehovha ndokuita ruponeso rukuru nezuva iro; vanhu ndokudzoka shure kwake kuzopamba chete.

11 Zvino shure kwake kwaiva naShama mwanakomana waAgee muHarari. VaFirisitia ndokuungana kuita chaunga, uye ipapo paiva nendima yemunda yaiva izere nenyemba diki; vanhu ndokutiza pachiso chevaFirisitia.

12 Asi wakamira pakati pendima, ndokuinunura, ndokuuraya vaFirisitia. Jehovha ndokuita ruponeso rukuru.

13 Zvino vatatu vemisoro makumi matatu vakaburuka, ndokusvika kuna Dhavhidhi mubako reAdhuramu nenguva yekukohwa; uye chaunga chevaFirisitia chaiva chadzika matende pamupata wevaRefaimu.

14 Zvino ipapo Dhavhidhi waiva munhare, uye boka revarwi revaFirisitia raiva paBheterehemu nenguva iyo.

15 Zvino Dhavhidhi wakashuva ndokuti: Haiwa! Dai umwe achindipa mvura ndinwe yetsime reBheterehemu riri pasuwo!

16 Zvino varume vane simba avo vatatu vakapoya ndokugura nemumusasa wevaFirisitia, ndokuchera mvura kubva mutsime reBheterehemu raiva pasuwo, vakatora vakauya nayo kuna Dhavhidhi. Zvakadaro haana kuda kuinwa, asi wakaidururira kuna Jehovha.

17 Ndokuti: Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite chinhu ichi! Harisi ropa revarume vakaenda neupenyu hwavo munjodzi here? Zvino akasada kuinwa. Ndizvo zvakaita varume vane simba vatatu ava.

18 Zvino Abhishai munin'ina waJoabhu, mwanakomana waZeruya, waiva musoro wevatatu avo; ndiye wakasimudzira pfumo rake vane mazana matatu, ndokuuraya; zvino akava nezita pakati pevatatu ava.

19 Haana kuremekedzwa zvikuru pavatatu ava here? Naizvozvo wakava musoro wavo. Asi haana kusvika pavatatu vekutanga.

20 Zvino Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare yeKabhizeeri, mukuru pazviito, iye waiva auraya vaviri vaiva vakaita seshumba yaMoabhu, akaburuka akanourayawo shumba mukati mehunza panguva yemagada echando.

21 Iye akaurayawo muEgipita, murume waionekara, uye muruoko rwemuEgipita maiva nepfumo; asi iye wakaburukira kwaari ane tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwemuEgipita, akamuuraya nepfumo rake.

22 Zvinhu izvi zvakaita Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, uye iye waiva ane zita pakati pevarume vane simba avo vatatu.

23 Waiva achirumbidzwa kupfuura vana makumi matatu, asi haana kusvika kuvatatu vekutanga. Dhavhidhi akamuisa pamusoro pevarindi vake.

24 Asaheri munin'ina waJoabhu waiva pakati pemakumi matatu; Erihanani mwanakomana waDhodho weBheterehemu;

25 Shama muHarodhi; Erika muHarodhi;

26 Herezi muPariti; Ira mwanakomana waIkeshi muTekoi;

27 Abhiezeri muAnatoti; Mebhunai muHushati;

28 Zarimoni muAhohi; naMaharai muNetofati;

29 Herebhu mwanakomana waBhaana muNetofati; Itai mwanakomana waRibhai kubva kuGibhiya wevana vekwaBhenjamini;

30 Bhenaya muPiratoni; Hidhai wehova dzeGaashi;

31 Abhi-Aribhoni muAribhati; Azimavheti muBharihumi;

32 Eriahibha muShaaribhoni; wevanakomana vaJasheni, Jonatani;

33 Shama muHarari; Ahiami mwanakomana waSharari muArari;

34 Erifereti mwanakomana waAhashibhai, mwanakomana wemuMaakati; Eriami mwanakomana waAhitoferi muGironi;

35 Hezirai muKarimeri; Paarai muAribhi;

36 Igari mwanakomana waNatani weZobha; Bhani muGadhi;

37 Zereki muAmoni; Naharai muBheeroti, mutakuri wezvombo zvaJoabhu mwanakomana waZeruya;

38 Ira muItiri; Garebhi muItiri;

39 Uriya muHiti; vose vaiva makumi matatu nevanomwe.