ShonaTeam 2 Samuel « 21 »

Nzara pakati paIsraeri nekuguma kwayo

21Zvino kwakava nenzara pamazuva aDhavhidhi makore matatu, gore negore achiteverana; Dhavhidhi ndokutsvaka chiso chaJehovha. Jehovha ndokuti: Imhaka yaSauro nemhaka yeimba yeropa, nokuti akauraya VaGibhiyoni.

2 Mambo ndokudana VaGibhiyoni, ndokuti kwavari: (Zvino VaGibhiyoni vaiva vasiri vevana vaIsraeri, asi vevasiiwa vevaAmori, uye vana vaIsraeri vaiva vapika kwavari; asi Sauro wakatsvaka kuvauraya neshungu dzake pavana vaIsraeri naJudha).

3 Naizvozvo Dhavhidhi wakati kuvaGibhiyoni: Ndichakuitirai chii? Uye ndichaita chiyananiso nei, kuti muropafadze nhaka yaJehovha?

4 VaGibhiyoni ndokuti kwaari: Hatichina sirivha kana goridhe pana Sauro nepaimba yake; uye hazvisi kwatiri kuuraya munhu kwaIsraeri. Iye ndokuti: Chamunoreva ndichakuitirai icho.

5 Ivo ndokuti kuna mambo: Munhu wakatipedza uye wakatirongera kuti tiparadzwe, tirege kugara pamuganhu upi neupi waIsraeri,

6 varume vanomwe vevanakomana vake ngavapiwe kwatiri. Zvino tichavaremberedzera Jehovha paGibhiya raSauro, musarudzwa waJehovha. Mambo ndokuti: Ini ndichakupai.

7 Asi mambo wakarega Mefibhosheti mwanakomana waJonatani, mwanakomana waSauro, nekuda kwemhiko yaJehovha yaiva pakati pavo, pakati paDhavhidhi naJonatani mwanakomana waSauro.

8 Asi mambo wakatora vanakomana vaviri vaRizipa, mukunda waAya, vaaiva aberekera Sauro, Arimoni naMefibhosheti, nevanakomana vashanu vaMikari mukunda waSauro, vaakaberekera Adhirieri mwanakomana waBharizirai muMehorati;

9 ndokuvapa muruoko rwevaGibhiyoni; ivo ndokuvaremberedza mugomo pamberi paJehovha; vanomwe ndokuwa pamwe chete. Uye vakaurawa pamazuva ekukohwa, ekutanga, pakutanga kwekukohwa bhari.

10 Zvino Rizipa mukunda waAya wakatora saga, ndokuzviwarira iro pamusoro pedombo, kubva pakutanga kwekukohwa kusvika mvura yadonhera pamusoro pavo kubva kumatenga; haana kutendera shiri dzekumatenga kuti dzimhare pamusoro pavo masikati, kana zvikara zvesango usiku.

11 Zvino zvakaudzwa Dhavhidhi izvo Rizipa mukunda waAya murongo waSauro zvaakaita.

12 Zvino Dhavhidhi wakaenda akatora mapfupa aSauro nemapfupa aJonatani mwanakomana wake kuvagari veJabheshi-Giriyadhi, vaiva vaaba kubva panzira yeBheti-Shani, vaFirisitia pavaiva vavaremberedza, pazuva revaFirisitia vachirova Sauro paGiribhoa.

13 Zvino wakakwidza kubvapo mapfupa aSauro nemapfupa aJonatani mwanakomana wake, uye vakaunganidza mapfupa evakaremberedzwa.

14 Zvino mapfupa aSauro neaJonatani mwanakomana wake vakaaviga munyika yaBhenjamini paZera, paguva raKishi baba vake. Vakaita zvose mambo zvaakaraira. Zvino shure kweizvozvo Mwari wakanyengetedzeka nekuda kwenyika.

Kurwa kwevaIsraeri nevaFirisitia

15 Zvino vaFirisitia vakavazve nehondo naIsraeri. Dhavhidhi ndokuburuka nevaranda vake vanaye, zvino vakarwa nevaFirisitia; Dhavhidhi ndokuneta.

16 Zvino Ishibhi-Bhenobhi, waiva wevanakomana vemurume ane simba, kurema kwepfumo rake kwaiva mashekeri mazana matatu endarira pakurema, iye waiva akasungira muchiuno munondo mutsva, akati acharova Dhavhidhi.

17 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakamubatsira, ndokurova muFirisitia, ndokumuuraya. Zvino varume vaDhavhidhi vakapika kwaari, vachiti: Hamuchabudizve nesu kuhondo, zvimwe mungadzima mwenje waIsraeri.

18 Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti kwakavazve nehondo nevaFirisitia paGobhi. Ipapo Sibhekai muHushati wakarova Safi, waiva wevanakomana vemurume ane simba.

19 Zvino kwakavazve nehondo paGobhi nevaFirisitia; Erihanani mwanakomana waJaari-Oregimi weBheterehemu paakarova mukoma waGoriati muGiti; uye rwiriko rwepfumo rake rwaiva rwakaita sedanda remuruki.

20 Zvino kwakavazve nehondo paGati, paiva nemunhu murefu waiva neminwe mitanhatu pamaoko ake, nezvigunwe zvitanhatu patsoka dzake, makumi maviri nezvina pauwandu; naiyewo waiva akaberekerwa murume ane simba.

21 Paakazvidza Israeri, Jonatani mwanakomana waShimea munin'ina waDhavhidhi wakamuuraya.

22 Ava vana vaiva vaberekerwa murume ane simba paGati; zvino vakawa neruoko rwaDhavhidhi uye neruoko rwevaranda vake.