ShonaTeam 2 Samuel « 20 »

Shebha anomukira Dhavhidhi

20Zvino zvakaitika ipapo kuti kuvepo munhu waBheriari, zita rake raiva Shebha mwanakomana waBhikiri, muBhenjamini. Zvino wakaridza hwamanda ndokuti: Hatina mugove kuna Dhavhidhi, uye hatina nhaka kumwanakomana waJese; munhu umwe neumwe kutende rake, Israeri.

2 Naizvozvo munhu wose wekwaIsraeri wakakwira kubva shure kwaDhavhidhi kutevera Shebha mwanakomana waBhikiri; asi vanhu vekwaJudha vakanamatira kuna mambo wavo, kubva paJoridhani kusvika paJerusarema.

3 Zvino Dhavhidhi wakasvika kumba kwake paJerusarema; mambo ndokutora vakadzi gumi, varongo vaaiva asiya kuti varinde imba, ndokuvaisa muimba yakachengetwa, ndokuvariritira, asi haana kupinda kwavari. Naizvozvo vaiva vakapfigirwa kusvika pazuva rekufa kwavo, vachirarama pauchirikadzi.

4 Zvino mambo wakati kuna Amasa: Ndidanire varume vaJudha mumazuva matatu; newe uvepo pano.

5 Amasa ndokuenda kunodanira pamwe Judha, asi wakanonoka kudarika nguva yakatarwa yaaiva amutarira iye.

6 Zvino Dhavhidhi wakati kuna Abhishai: Ikozvino Shebha mwanakomana waBhikiri achatiitira zvakaipa kupfuura Abhusaromu. Iwe tora varanda vashe wako, umudzingirire shure, zvimwe angazviwanira maguta akashoshewa, ndokuzvinunura kubva pameso edu.

7 Zvino kwakabuda shure kwake varume vaJoabhu, nevaKereti, nevaPereti, nevarume vose veumhare, ndokubuda muJerusarema kudzingirira shure Shebha mwanakomana waBhikiri.

8 Vakati vava pabwe guru raiva paGibhiyoni, Amasa wakapinda pamberi pavo. Zvino Joabhu waiva akazvisunga chiuno nenguvo yaaiva akapfeka, uye pamusoro payo paiva nebhanhire rine munondo wakasungirwa pachiuno chake uri mumuhara mawo; zvino ari kuenderera mberi, munondo wakawa.

9 Joabhu ndokuti kuna Amasa: Wakasimba here, munin'ina wangu? Joabhu ndokubata Amasa nechirebvu neruoko rwerudyi kuti amutsvode.

10 Asi Amasa haana kucherekedza munondo waiva muruoko rwaJoabhu; naizvozvo wakamurova nawo mudumbu, ndokutumburira ura hwake pavhu, akasamudzokorora, ndokufa. Zvino Joabhu nemunin'ina wake Abhishai ndokudzingirira shure Shebha mwanakomana waBhikiri.

11 Zvino murume wemajaya aJoabhu waiva amirepo naye, ndokuti: Anoda Joabhu, neari waDhavhidhi, tevera Joabhu.

12 Asi Amasa wakaumburuka muropa pakati penzira huru. Murume uyu paakaona kuti vanhu vose vakamira, wakabvisa Amasa panzira huru ndokumuisa musango, ndokukanda nguvo pamusoro pake, paakaona kuti wose anosvika kwaari wakamira.

13 Paakabviswa kubva panzira huru, vanhu vose vakapfuura vakatevera Joabhu, kudzingirira shure Shebha mwanakomana waBhikiri.

14 Zvino wakapfuura nemumarudzi ose aIsraeri kusvika paAbheri nekuBheti-Maaka, nevaBheri vese; ndokuungana naivo ndokumutevera.

15 Zvino vakasvika ndokumukomba paAbheri reBheti-Maaka, vakatutira churu chevhu pakatarisana neguta, ndokumira panhare; vanhu vose vaiva naJoabhu vakakanganisa rusvingo kuti varuputsire pasi.

16 Zvino kwakadanidzira mukadzi wakachenjera ari muguta, akati: Inzwai, inzwai, itii henyu kuna Joabhu: Swedera pano, kuti nditaure newe.

17 Zvino wakaswedera kwaari. Mukadzi ndokuti: Ndiwe Joabhu here? Iye ndokuti: Ndini. Iye ndokuti kwaari: Inzwai mashoko emurandakadzi wenyu. Iye ndokuti: Ndinonzwa.

18 Zvino wakataura achiti: Kare vaiva vakajaira kutaura vachiti: Ngavabvunzisise muAbheri. Vakapedza saizvozvo.

19 Ndiri weverugare, wevakavimbika kwaIsraeri; munotsvaka kuparadza guta uye amai kwaIsraeri; unomedzerei nhaka yaJehovha?

20 Joabhu ndokupindura ndokuti: Ngazvive kure, ngazvive kure neni kuti ndimedze kana kuparadza.

21 Nyaya haina kudaro; asi munhu wegomo raEfuremu, ndiShebha mwanakomana waBhikiri zita rake, wakasimudzira mambo ruoko rwake, kurwisa Dhavhidhi; mupei iye ega, zvino ndichabva paguta. Mukadzi ndokuti kuna Joabhu: Tarirai, musoro wake uchakandirwa nepamusoro perusvingo.

22 Zvino mukadzi wakaenda muuchenjeri hwake kuvanhu vose. Ivo ndokugura musoro waShebha mwanakomana waBhikiri, ndokuukandira kuna Joabhu. Iye ndokuridza hwamanda, zvino vakapararira kubva muguta, umwe neumwe kuenda kutende rake. Joabhu ndokudzokera kuJerusarema kuna mambo.

23 Zvino Joabhu waiva pamusoro pehondo yose yaIsraeri; naBhenaya mwanakomana waJehoyadha waiva pamusoro peKereti nevaPereti;

24 naAdhoramu waiva pamusoro pechibharo; naJehoshafati mwanakomana waAhirudhi waiva munyori wenhoroondo;

25 uye Sheva waiva munyori; naZadhoki naAbhiatari vaiva vapristi;

26 uye naIra muJairi waiva mupristi waDhavhidhi.