ShonaTeam 2 Samuel « 19 »

19Zvino kwakaudzwa Joabhu: Tarira, mambo anochema nekuungudzira Abhusaromu.

2 Zvino ruponeso pazuva iro rwakava kuchema kuvanhu vose, nokuti vanhu vakanzwa nezuva iro zvichinzi: Mambo anorwadzirwa mwanakomana wake.

3 Zvino vanhu vakapinda vachiverevedza muguta nezuva iro sevanhu vanoverevedza vane nyadzi vachitiza kuhondo.

4 Asi mambo wakafukidza chiso chake; mambo ndokuchema nenzwi guru achiti: Mwanakomana wangu Abhusaromu, Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!

5 Zvino Joabhu wakapinda mumba kuna mambo, ndokuti: Manyadzisa nhasi zviso zvevaranda venyu vose vaponesa upenyu hwenyu nhasi, neupenyu hwevanakomana venyu nevanasikana venyu, neupenyu hwevakadzi venyu, neupenyu hwevarongo venyu;

6 pakuda vavengi venyu nekuvenga vanokudai. Nokuti mazivisa nhasi kuti machinda nevaranda havasi chinhu kwamuri. Nokuti ndaziva nhasi kuti dai Abhusaromu aiva ari mupenyu, uye isu tose takafa nhasi, kuti ipapo zvingadai zvakanaka pameso enyu.

7 Naizvozvo ikozvino, simukai budai munotaura kumoyo yevaranda venyu; nokuti ndinopika naJehovha, kana mukasabuda, zvirokwazvo hakuna munhu achagara nemwi usiku huno. Zvino izvi zvichava zvakaipa kwamuri kupfuura zvakaipa zvose zvakakuwirai kubva paudiki hwenyu kusvika ikozvino.

8 Zvino mambo wakasimuka ndokugara pasuwo. Zvino vakaudza vanhu vose, vachiti: Tarirai, mambo agere pasuwo. Vanhu vose ndokuuya pamberi pamambo. Zvino Israeri waiva atiza, umwe neumwe kuenda kumatende ake.

Dhavhidhi anodzokera kuJerusarema

9 Zvino vanhu vose vaiva vachipikisana kumarudzi ose aIsraeri, vachiti: Mambo wakatiponesa paruoko rwevavengi vedu; uye iye wakatinunura paruoko rwevaFirisitia; zvino ikozvino watiza kubva panyika nekuda kwaAbhusaromu.

10 Asi Abhusaromu watakazodza pamusoro pedu wafira muhondo. Zvino ikozvino munonyararirei pakudzosa mambo?

11 Zvino mambo Dhavhidhi wakatuma nhume kuna Zhadhoki nekuna Abhiatari vapristi achiti: Taurai kuvakuru vaJudha, muti: Sei muri vekupedzisira kudzosa mambo kumba kwake? Nokuti nhaurwa yaIsraeri yose yakasvika kuna mambo kumba kwake.

12 Muri hama dzangu, muri pfupa rangu nenyama yangu; naizvozvo sei muri vekupedzisira kudzosa mambo?

13 Zvino muti kuna Amasa: Iwe hausi pfupa rangu nenyama yangu here? Mwari ngaaite saizvozvo kwandiri, ngaawedzere saizvozvo, kana iwe usingazovi mukuru wehondo pamberi pangu mazuva ose pachinzvimbo chaJoabhu.

14 Zvino wakadzoredzera moyo yevanhu vose vaJudha semunhu umwe; ivo ndokutuma nhume kuna mambo vachiti: Dzokai imwi nevaranda venyu vose.

15 Mambo ndokudzoka ndokusvika paJoridhani; Judha ndokusvika paGirigari kuenda kuchingamidza mambo, kuyambusa mambo Joridhani.

16 Zvino Shimei, mwanakomana waGera, muBhenjamini, waiva weBhahurimu, wakakurumidza ndokuburuka nevarume vaJudha kuchingamidza mambo Dhavhidhi.

17 Nevanhu churu vekwaBhenjamini vaiva naye, naZibha muranda weimba yaSauro, nevanakomana vake gumi nevashanu, nevaranda vake makumi maviri vaiva naye; ndokukurumidza kuJoridhani pamberi pamambo.

18 Zvino kwakayambuka igwa kunoyambusa imba yamambo, nekuita izvo zvakanaka pameso ake. Zvino Shimei mwanakomana waGera wakawira pasi pamberi pamambo pakuyambuka kwake Joridhani.

19 Ndokuti kuna mambo: Ishe wangu ngaarege kuverengera kuipa kwandiri, kana kurangarira izvo muranda wenyu zvaakaita pakutsauka, nezuva iro ishe wangu mambo raakabuda muJerusarema, kuti mambo azviise mumoyo make.

20 Nokuti muranda wenyu anoziva kuti ini ndakatadza; zvino tarirai, ndasvika nhasi ndiri wekutanga weimba yose yaJosefa kuburuka kuzochingamidza ishe wangu mambo.

21 Asi Abhishai mwanakomana waZeruya wakapindura ndokuti: Shimei haangaurawi here nekuda kweichi, nokuti wakatuka muzodzwa waJehovha?

22 Dhavhidhi ndokuti: Ndinei nemwi, vanakomana vaZeruya, kuti muve mudzivisi kwandiri nhasi. Kuchaurawa munhu kwaIsraeri nhasi here? Nokuti handizivi here kuti nhasi ndiri mambo pamusoro paIsraeri?

23 Mambo ndokuti kuna Shimei: Haungafi. Mambo ndokupika kwaari.

24 Zvino Mefibhosheti mwanakomana waSauro wakaburuka kuchingamidza mambo; asi waiva asina kugadzirira tsoka dzake, kana kugadzirira ndebvu dzake dzekumusoro, kana kusuka nguvo dzake, kubva pazuva mambo raakaenda kusvika zuva raakadzoka naro nerugare.

25 Zvino zvakaitika paakasvika kuJerusarema kuchingamidza mambo, kuti mambo wakati kwaari: Wakaregerei kuenda neni, Mefibhosheti?

26 Iye ndokuti: Ishe wangu, mambo, muranda wangu wakandinyengera; nokuti muranda wenyu wakati: Ndichazviisira chigaro pambongoro kuti ndiitasve, ndigoenda namambo, nokuti muranda wenyu wakaremara.

27 Uye akanochera muranda wenyu kuna ishe wangu, mambo; asi ishe wangu mambo wakaita semutumwa waMwari; naizvozvo itai zvakanaka pameso enyu.

28 Nokuti imba yose yababa vangu dai isiri chinhu kunze kwekuva varume verufu pamberi pashe wangu mambo; asi makaisa muranda wenyu pakati pevaidya patafura yenyu. Zvino ndichine kodzeroi kuti ndichemezve kuna mambo?

29 Mambo ndokuti kwaari: Ucharamba uchitaurirei nyaya dzako? Ndinoti: Iwe naZibha govanai munda.

30 Mefibhosheti ndokuti kuna mambo: Haiwa ngaatore zvose, ishe wangu mambo zvaakasvika kumba kwake nerugare.

31 NaBharizirai muGiriyadhi waiva aburuka kubva kuRogerimi ndokuyambuka Joridhani namambo, kumuperekedza mhiri kwaJoridhani.

32 Zvino Bharizirai waiva mutana kwazvo ane makore makumi masere; uye iye waiva araramisa mambo paaigara paMahanayimu; nokuti waiva munhu mukuru kwazvo.

33 Mambo ndokuti kuna Bharizirai: Iwe yambuka pamwe neni, uye ndichakuraramisa pamwe neni paJerusarema.

34 Bharizirai ndokuti kuna mambo: Mangani mazuva emakore eupenyu hwangu kuti ndikwire pamwe namambo kuJerusarema?

35 Nhasi ndiri wemakore makumi masere. Ndingaparadzanisa chakanaka nechakaipa here? Varanda venyu vangaravira zvandinodya here nezvandinonwa? Ndichiri kunzwa inzwi revarume vanoimba nerevakadzi vanoimba here? Muranda wenyu achanoitirei mutoro kuna ishe wangu mambo?

36 Muranda wenyu achayambuka zvishoma Joridhani pamwe namambo; zvino mambo angandiripira nemubairo wakadai sei?

37 Regai henyu muranda wenyu adzokere, kuti ndinofira muguta rangu, paguva rababa vangu neramai vangu. Asi tarirai, muranda wenyu Chimuhamu, ngaayambuke nashe wangu mambo, mugomuitira zvakanaka pameso enyu.

38 Mambo ndokuti: Chimuhamu achayambuka neni, uye ini ndichamuitira zvakanaka pameso ako; uye zvose zvaunotsvaka kwandiri ndichakuitira izvo.

39 Zvino vanhu vose vakayambuka Joridhani, mambo ayambukawo; mambo wakatsvoda Bharizirai ndokumuropafadza, iye ndokudzokera kunzvimbo yake.

40 Naizvozvo mambo wakapfuurira kuGirigari, Chimuhamu ndokupfuurira naye, nevanhu vose vaJudha vakapfuudzira mberi mambo, uyewo hafu yerudzi rwaIsraeri.

41 Zvino tarira varume vose vaIsraeri vakauya kuna mambo, ndokuti kuna mambo: Hama dzedu varume vaJudha vakakubai nemhaka yei, vakayambusa mambo neimba yake Joridhani, nevarume vose vaDhavhidhi pamwe naye?

42 Zvino varume vose vaJudha vakapindura varume vaIsraeri ndokuti: Nokuti mambo ihama yedu yepedo; uye matsamwirei nenyaya iyi? Takatongodya zvamambo here? Kana wakatipa chipo here?

43 Varume vaIsraeri ndokupindura varume vaJudha ndokuti: Tine zvikamu gumi kuna mambo, uyezve tine zvizhinji kuna Dhavhidhi kupfuura imwi; zvino makatizvidzirei kuti inzwi redu risava rekutanga pakudzosa mambo wedu? Asi shoko revarume vaJudha raiva rakaoma kupfuura shoko revarume vaIsraeri.