ShonaTeam 2 Samuel « 18 »

Abhusaromu anokundwa uye anourawa

18Zvino Dhavhidhi wakaverenga vanhu vaiva naye, ndokuisa pamusoro pavo vakuru vezvuru nevakuru vemazana.

2 Dhavhidhi ndokutuma chetatu chevanhu pasi peruoko rwaJoabhu, uye chetatu pasi peruoko rwaAbhishai mwanakomana waZeruya munin'ina waJoabhu, uye chetatu pasi peruoko rwaItai muGiti. Mambo ndokuti kuvanhu: Iniwo ndichabuda zvekubuda pamwe nemwi.

3 Asi vanhu vakati: Hamungabudi. Nokuti kana tikatiza zvekutiza, havaisi moyo kwatiri, kunyange kukafa hafu yedu, havangaisi moyo kwatiri; asi imwi makaita sezvuru gumi zvedu; naizvozvo zviri nani kuti muve rubatsiro rwedu muri muguta.

4 Mambo ndokuti kwavari: Icho chakanaka pameso enyu ndichachiita. Mambo ndokumira parutivi rwesuwo, vanhu vose ndokubuda vachiita mazana-mazana nezvuru-zvuru.

5 Zvino mambo wakaraira Joabhu naAbhishai naItai, achiti: Mubate zvakanaka jaya Abhusaromu nekuda kwangu. Vanhu vose ndokunzwa mambo paakaraira vakuru vose pamusoro penyaya yaAbhusaromu.

6 Zvino vanhu vakabudira kusango kurwisa Israeri. Zvino hondo yaiva mudondo rekwaEfuremu.

7 Vanhu vaIsraeri ndokurohwa ipapo pamberi pevaranda vaDhavhidhi; ndokuvapo nekuuraya kukuru nezuva iro, zvuru makumi maviri.

8 Nokuti hondo yaivapo yakapararira pachiso chenyika yose. Dondo ndokuparadza vanhu vazhinji kupfuura avo munondo wawakaparadza nezuva iro.

9 Zvino Abhusaromu ndokuita mahwekwe nevaranda vaDhavhidhi. Uye Abhusaromu waiva akatasva nyurusi; nyurusi parakasvika nepasi pematavi makobvu emuoki mukuru, musoro wake ndokubatira pamuoki, iye ndokurembera pakati pematenga nepasi; nyurusi raiva pasi pake ndokupfuurira.

10 Zvino umwe murume wakaona ndokuudza Joabhu, ndokuti: Tarira, ndaona Abhusaromu akarembera mumuoki.

11 Joabhu ndokuti kumunhu wakamuudza: Tarira, waona, zvino waregerei kumurovera pasi ipapo? Uye ndingadai ndakupa masirivha gumi nebhanhire rimwe.

12 Murume ndokuti kuna Joabhu: Kunyange ndikaera masirivha churu muruoko rwangu, handingatambanudziri ruoko rwangu kumwanakomana wamambo; nokuti munzeve dzedu mambo wakaraira imwi naAbhishai naItai, achiti: Chenjerai, ani nani asabata jaya Abhusaromu.

13 Zvimwe ndingadai ndaita unyengeri neupenyu hwangu, nokuti hakuna chinhu chakavanzirwa mambo, nemwi mungazvimisa kurwisana neni.

14 Joabhu ndokuti: Handinganonoki kudai newe. Zvino wakatora mapfumo matatu muruoko rwake ndokuabaya nepamoyo waAbhusaromu achiri mupenyu mukati memuoki.

15 Zvino majaya gumi aitakura zvombo zvaJoabhu akamukomba ndokurova Abhusaromu ndokumuuraya.

16 Zvino Joabhu wakaridza hwamanda, vanhu ndokudzoka pakudzingirira shure kwaIsraeri, nokuti Joabhu wakadzivisa vanhu.

17 Zvino vakatora Abhusaromu ndokumukanda mugomba guru mudondo, ndokuisa pamusoro pake murwi mukuru kwazvo wemabwe. Israeri wose ndokutiza, umwe neumwe kutende rake.

18 Zvino Abhusaromu muupenyu hwake waiva atora ndokuzvimisira shongwe iri pamupata wamambo, nokuti wakati: Handina mwanakomana kuchengeta zita rangu pachirangaridzo. Ndokutumidza shongwe iyo zvichienderana nezita rake, rikanzi, chirangaridzo chaAbhusaromu, kusvika nhasi.

Dhavhidhi anochema Abhusaromu

19 Zvino Ahimaazi mwanakomana waZadhoki wakati: Regai ndimhanye ikozvino ndigonoudza mambo kuti Jehovha wakamutsivira paruoko rwevavengi vake.

20 Joabhu ndokuti kwaari: Haungavi muturi wemashoko nhasi, asi uchatura mashoko nerimwe zuva; asi nhasi haungaturi mashoko, nokuti mwanakomana wamambo wafa.

21 Zvino Joabhu wakati kumuItiyopiya: Enda unoudza mambo zvawaona. MuItiyopiya akakotamira Joabhu, ndokumhanya.

22 Ahimaazi mwanakomana waZadhoki ndokutizve zvekare kuna Joabhu: Kunyange zvakadaro, regai henyu ndimhanye neni nditevere muItiyopiya. Joabhu ndokuti: Uchamhanyirei, mwana wangu, zvausina mashoko aungatura?

23Iye akati: Kunyange zvakadaro, regai ndimhanye. Iye ndokuti kwaari: Mhanya. Ahimaazi ndokumhanya nenzira yebani, ndokupfuura muItiyopiya.

24 Zvino Dhavhidhi wakagara pakati pemasuwo maviri; nharirire ndokuenda kudenga resuwo parusvingo, ndokusimudza meso ake, ndokuona, zvino tarira, munhu anomhanya ari ega.

25 Nharirire ndokudanidzira, ndokuudza mambo. Mambo ndokuti: Kana ari ega, ane mashoko mumuromo make. Iye ndokuenda ndokuuya achiswedera.

26 Nharirire ndokuona umwe munhu achimhanya; nharirire ndokudanidzira kumurindi wesuwo, ndokuti: Tarira, umwe munhu anomhanya ari ega. Mambo ndokuti: Naiye unouya nemashoko.

27 Nharirire ndokuti: Ini ndinoona kumhanya kwewekutanga kwakaita sekumhanya kwaAhimaazi mwanakomana waZadhoki. Mambo ndokuti: Iye munhu wakanaka, anouya nemashoko akanaka.

28 Ahimaazi ndokudanidzira ndokuti kuna mambo: Rugare! Ndokukotamira mambo nechiso chake pasi, ndokuti: Jehovha Mwari wenyu ngaakudzwe, iye wakapa vanhu vakasimudzira ruoko rwavo kurwisa ishe wangu mambo.

29 Mambo ndokuti: Kwakanaka here pajaya, pana Abhusaromu? Ahimaazi ndokuti: Ndakaona nyonga-nyonga huru Joabhu paakatuma muranda wamambo nemuranda wenyu, asi handina kuziva kuti chii.

30 Mambo ndokuti: Tsaukira kurutivi, uzvimise ipapo. Zvino wakatsaukira kurutivi ndokumira.

31 Zvino tarira, muItiyopiya wakasvika. MuItiyopiya ndokuti: Gamuchirai mashoko, ishe wangu mambo; nokuti Jehovha wakakutsivirai nhasi muruoko rweavo vose vanokumukirai.

32 Mambo ndokuti kumuItiyopiya: Kwakanaka here pajaya, pana Abhusaromu? MuItiyopiya ndokuti: Vavengi vashe wangu mambo, nevose vanokumukirai zvakaipa, ngavave sejaya iro.

33 Mambo ndokushungurudzika zvikuru, ndokukwira kukamuri yaiva pamusoro pesuwo, ndokuchema misodzi; achifamba wakataura seizvi: Mwanakomana wangu Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu Abhusaromu! Kungadai kwafa ini pachinzvimbo chako, Abhusaromu, mwanakomana wangu, mwanakomana wangu!