ShonaTeam 2 Samuel « 17 »

Mano aAhitoferi anokundwa nemano aHushai

17Zvino Ahitoferi wakati kuna Abhusaromu: Regai henyu ndisarudze varume zvuru gumi nezviviri, ndigosimuka ndidzingirire shure kwaDhavhidhi usiku huno.

2 Zvino ndichamusvikira, achakaneta uye asina simba mumaoko, uye ndichamuvhundusa, nevanhu vose vaanavo vachatiza; uye ndicharova mambo ega.

3 Zvino ndichadzosa vanhu vose kwamuri; munhu wamunotsvaka wakafanana nekudzoka kwavo vese; vanhu vose vachava murugare.

4 Shoko iri rikava rakarurama pameso aAbhusaromu nepameso evakuru vose vaIsraeri.

5 Abhusaromu ndokuti: Danaiwo henyu Hushai muAriki tigonzwa iyewo zviri mumuromo make.

6 Hushai paakasvika kuna Abhusaromu, Abhusaromu wakataura naye achiti: Ahitoferi wataura nenzira iyi; tichaita shoko rake here? Kana zvisi izvo, taura iwe.

7 Hushai ndokuti kuna Abhusaromu: Zano Ahitoferi raapanga harina kunaka panguva ino.

8 Uye Hushai wakati: Imwi munoziva baba venyu nevanhu vavo kuti magamba, uye vanovava pamoyo, sebheya ratorerwa mbwanana dzaro musango; uye baba venyu munhu wehondo, uye havangapedzi usiku nevanhu.

9 Tarirai, ikozvino iye wakavanda pane rimwe remakomba kana kune imwe yenzvimbo; zvino zvichaitika, vamwe vavo pavachawa pakutanga, kuti ani nani anonzwa achati: Kwanga kune kuurawa pakati pevanhu vanotevera Abhusaromu.

10 Zvino kunyange iye ane umhare ine moyo semoyo weshumba ichanyunguduka kwazvo; nokuti Israeri wose anoziva kuti baba venyu igamba, uye vaanavo vana veumhare.

11 Naizvozvo ndapanga kuti Israeri wose aungane zvekuungana kwamuri, kubva paDhani kusvikawo paBheeri-Shebha, sejecha riri pagungwa pakuwanda; uye imwi pachenyu muende kuhondo.

12 Naizvozvo tichamusvikira pane imwe yenzvimbo paangawanikwa, tigova pamusoro pake sedova rinowira pavhu; uye hakungasari kunyange umwe kwaari uye kuvanhu vose vaanavo.

13 Uye kana iye achiungana muguta, zvino Israeri wose achauya nemagodha kuguta iro, tigorikwevera murwizi, kusvika pasingawanikwi kunyange ibwe dikipo.

14 Zvino Abhusaromu nevarume vose vaIsraeri vakati: Zano raHushai muAriki riri nani pazano raAhitoferi. Nokuti Jehovha waiva araira kuvhuna zano rakanaka raAhitoferi, nechinangwa chekuti Jehovha auisire Abhusaromu chakaipa.

15 Zvino Hushai wakati kuna Zadhoki nekuna Abhiatari vapristi: Ahitoferi wakapanga Abhusaromu nevakuru vaIsraeri seizvi uye seizvi, asi ini ndapanga seizvi uye seizvi.

16 Naizvozvo zvino, tumai nekukurumidza muudze Dhavhidhi muti: Musarara pamapani erenje usiku huno, asi kurumidzai muyambuke zvimwe mambo angamedzwa, nevanhu vose vanaye.

17 Zvino Jonatani naAhimazi vaiva vakamira paEni-Rogeri; murandakadzi ndokuenda ndokuvaudza; ivo ndokuenda ndokuudza mambo Dhavhidhi; nokuti vaiva vasingagoni kuonekwa vachipinda muguta.

18 Zvakadaro mukomana wakavaona, ndokuudza Abhusaromu; asi vakaenda nekukurumidza vari vaviri, ndokusvika paimba yemunhu paBhahurimu; waiva ane tsime pachivanze chake, mavakaburukira.

19 Mukadzi akatora ndokuwarira chifukudzo pamusoro pemuromo wetsime, ndokunika zviyo zvakatswiwa pamusoro pacho; naizvozvo chinhu hachina kuzikanwa.

20 Varanda vaAbhusaromu pavakasvika kumukadzi paimba vakati: Ahimaazi naJonatani varipi? Mukadzi ndokuti kwavari: Vayambuka rukova rwemvura. Vakati vatsvaka vakasawana, vakadzokera kuJerusarema.

21 Zvino zvakaitika vaenda kuti vakakwira kubva mutsime ndokuenda ndokuudza mambo Dhavhidhi ndokuti kuna Dhavhidhi: Simukai mukurumidze kuyambuka mvura, nokuti Ahitoferi wakapanga saizvozvo kurwisana nemwi.

22 Dhavhidhi ndokusimuka, nevanhu vose vaiva naye. Zvino vakayambuka Joridhani; kusvika kwava pakuchena kwekuedza kwaiva kusina kusara kana umwe waiva asina kuyambuka Joridhani.

23 Ahitoferi wakati aona kuti zano rake harina kuitwa, wakasungira chigaro pambongoro, ndokusimuka, ndokuenda kumba kwake kuguta rake. Zvino wakaraira veimba yake, ndokuzviremberedza ndokufa, ndokuvigwa muguva rababa vake.

24 Zvino Dhavhidhi wakasvika paMahanayimu. Abhusaromu ndokuyambuka Joridhani, iye nevarume vose vaIsraeri vaiva naye.

25 Abhusaromu ndokuisa Amasa pamusoro pehondo pachinzvimbo chaJoabhu. Amasa waiva mwanakomana wemunhu wezita rake raiva Jitira muIsraeri, uyo waiva apinda kuna Abhigairi mukunda waNahashi munin'ina waZeruya mai vaJoabhu.

26 Zvino Israeri naAbhusaromu vakavaka musasa panyika yeGiriyadhi.

27 Zvino zvakaitika Dhavhidhi paakasvika paMahanayimu, kuti Shobhi mwanakomana waNahashi weRabha wevana vaAmoni, naMakiri mwanakomana waAmieri weRodhebhari, naBharizirai muGiriyadhi weRogerimi,

28 vakaunza mhasa, nemadhishi, nemidziyo yevhu, negorosi, nebhari, neupfu, nezvakakangwa, nenyemba, nenyemba diki, nezvimwe zvakakangwa,

29 neuchi, neruomba, nemakwai, nemagede emukaka wemombe, zvaDhavhidhi nezvevanhu vaiva naye kuti vadye; nokuti vakati: Vanhu vane nzara uye vaneta uye vane nyota murenje.