ShonaTeam 2 Samuel « 16 »

16Dhavhidhi paaiva apfuura zvishoma panhongonya yegomo, tarira, Zibha muranda waMefibhosheti wakamuchingamidza, ane mbongoro mbiri dzine zvigaro, uye pamusoro padzo pane zvingwa mazana maviri, nemasumbu emazambiringa akaomeswa zana, nemichero yezhezha zana, nehomwe yewaini.

2 Mambo ndokuti kuna Zibha: Unotii neizvi? Zibha ndokuti: Mbongoro ndedzeimba yamambo kuti vatasve, nezvingwa nemichero yezhezha ndezvemajaya kuti adye, newaini ndeyevanopererwa nesimba murenje kuti vanwe.

3 Mambo ndokuti: Zvino mwanakomana washe wako aripi? Zibha ndokuti kuna mambo: Tarirai, agere paJerusarema, nokuti wakati: Nhasi imba yaIsraeri ichandidzosera ushe hwababa vangu.

4 Mambo ndokuti kuna Zibha: Tarira, zvose zviri zvaMefibhosheti ndezvako. Zibha ndokuti: Ndinokotama; ndiwane nyasha pameso enyu, ishe wangu, mambo.

5 Mambo Dhavhidhi paakasvika paBhahurimu, tarira, kwakabudako munhu wemhuri yeimba yaSauro, zita rake raiva Shimei, mwanakomana waGera, akabuda akafamba achituka.

6 Uye wakaposhera Dhavhidhi nemabwe pamwe nevaranda vose vamambo Dhavhidhi; nevanhu vose nevarume vose vesimba vaiva kurudyi rwake nekuruboshwe rwake.

7 Shimei ndokutaura seizvi pakutuka kwake: Buda, buda, iwe munhu weropa, uye munhu waBheriari.

8 Jehovha wadzosera pamusoro pako ropa rose reimba yaSauro, wawakatonga pachinzvimbo chake. Uye Jehovha wapa ushe muruoko rwaAbhusaromu mwanakomana wako; zvino tarira, wava mune zvakaipa zvako, nokuti uri munhu weropa.

9 Zvino Abhishai mwanakomana waZeruya wakati kuna mambo: Imbwa iyi yakafa inotukirei ishe wangu, mambo? Regai henyu ndiyambukire mhiri, ndibvise musoro wayo.

10 Mambo ndokuti: Ndinei nemwi, imwi vana vaZeruya; naizvozvo ngaatuke, nokuti Jehovha wakati kwaari: Tuka Dhavhidhi; ndiani angati: Waitirei saizvozvo?

11 Dhavhidhi ndokuti kuna Abhishai nekuvaranda vake vese: Tarira, mwanakomana wangu wakabuda muura hwangu anotsvaka upenyu hwangu; zvikuru sei ikozvino muBhenjamini uyu! Muregei, ngaatuke, nokuti Jehovha wakataura kwaari.

12 Zvimwe Jehovha achaona kutambudzwa kwangu, uye Jehovha andidzosera zvakanaka pachinzvimbo chekutuka kwake nhasi.

13 Dhavhidhi nevanhu vake ndokufamba nenzira, Shimei ndokuenda nerutivi rwegomo pakatarisana naye, ndokuenda achituka nekumuposhera nemabwe, nekupfumbura neguruva.

14 Mambo nevanhu vose vaiva naye ndokusvika vaneta, ndokuzvimutsurudzapo.

15 Zvino Abhusaromu nevanhu vose, varume vaIsraeri, ndokusvika kuJerusarema, naAhitoferi anaye.

16 Zvino zvakaitika, Hushai muAriki, shamwari yaDhavhidhi payakasvika kuna Abhusaromu, Hushai ndokuti kuna Abhusaromu: Mambo ngaararame, mambo ngaararame!

17 Zvino Abhusaromu wakati kuna Hushai: Ndidzo nyasha dzako kushamwari yako here? Wakaregerei kuenda neshamwari yako?

18 Hushai ndokuti kuna Abhusaromu: Kwete, asi uyo Jehovha waanosarudza, uye vanhu ava, uye varume vose vekwaIsraeri, ndichava wake, uye ndichagara naye.

19 Zvino kechipiri, ini ndichashumira ani? Kusava pamberi pechiso chemwanakomana wake here? Sezvo ndakashumira pamberi pababa venyu, saizvozvo ndichava pamberi penyu.

20 Abhusaromu ndokuti kuna Ahitoferi: Ipai zano renyu kuti tichaitei?

21 Ahitoferi ndokuti kuna Abhusaromu: Pindai kuvarongo vababa venyu vavakasiya kuchengeta imba. Zvino Israeri wose achanzwa kuti mosemwa nababa venyu; ipapo maoko evose vamunavo achasimba.

22 Naizvozvo vakatatamurira Abhusaromu tende pamusoro peimba; Abhusaromu ndokupinda kuvarongo vababa vake pamberi pemeso aIsraeri wose.

23 Zvino zano raAhitoferi raakaraira mumazuva iwawo raiva rakaita semunhu anobvunza shoko raMwari; raiva rakadaro zano rose raAhitoferi zvose kuna Dhavhidhi nekuna Abhusaromu.