ShonaTeam 2 Samuel « 15 »

Abhusaromu anomukira baba vake Dhavhidhi

15Zvino zvakaitika shure kweizvi kuti Abhusaromu wakazvigadzirira ngoro nemabhiza nevarume makumi mashanu vachimhanya mberi kwake.

2 Abhusaromu ndokumuka mangwanani, ndokumira parutivi rwenzira yesuwo; zvino zvakaitika, kana munhu upi neupi akava nemhosva yemurairo waiuya kuna mambo kuzotongwa, ipapo Abhusaromu waimudana ndokuti: Uri weguta ripi? Kana akati: Muranda wenyu ndewerimwe rwemarudzi aIsraeri;

3 zvino Abhusaromu waiti kwaari: Ona, nyaya yako yakanaka uye yakarurama, asi kuna mambo hakuna munhu achakunzwa.

4 Abhusaromu waitiwo: Dai ndaiva ndaiswa kuva mutongi panyika, kuti ani nani ane mhosva yemurairo kana nyaya auye kwandiri, zvino ndaimururamisira.

5 Zvino zvakaitika paiswedera munhu kumukotamira, kuti waitandavadza ruoko rwake, ndokumubata, ndokumutsvoda.

6 Zvino Abhusaromu waiita nenzira iyi kuna Israeri wose waiuya kuna mambo kuzotongwa; naizvozvo Abhusaromu wakatapa moyo yevarume vekwaIsraeri.

7 Zvino zvakaitika shure kwemakore makumi mana, kuti Abhusaromu wakati kuna mambo: Nditenderei henyu ndiende ndindoripira mhiko yangu yandakapikira Jehovha kuHebhuroni.

8 Nokuti muranda wenyu wakapika mhiko pandaiva ndichigere paGeshuri muSiriya, ndichiti: Kana Jehovha akandidzosera zvekundidzosera kuJerusarema, zvino ndichashumira Jehovha.

9 Mambo ndokuti kwaari: Enda nerugare. Zvino wakasimuka ndokuenda kuHebhuroni.

10 Asi Abhusaromu wakatuma vashori mumarudzi ose aIsraeri achiti: Pamunongonzwa kurira kwehwamanda, ipapo muchati: Abhusaromu ndimambo paHebhuroni.

11 Zvino kwakaenda pamwe naAbhusaromu varume mazana maviri kubva muJerusarema, vakakokwa; ivo ndokuenda muchokwadi chavo uye vasingazivi chinhu chipi nechipi.

12 Abhusaromu ndokutuma nhume kunodana Ahitoferi muGironi gurukota raDhavhidhi kubva kuguta rake kubva muGiro, paaibaira zvibairo. Bangano ndokusimba, uye vanhu vakaenda ndokuwanda kuna Abhusaromu.

13 Zvino kwakasvika nhume kuna Dhavhidhi ichiti: Moyo wevanhu vekwaIsraeri unotevera Abhusaromu.

14 Zvino Dhavhidhi wakati kuvaranda vake vose vaiva naye paJerusarema: Simukai, uye ngatitize, nokuti hatina mapukunyukiro pachiso chaAbhusaromu; kurumidzai kuenda, zvimwe angakurumidza akatiwana ndokutiitira zvakaipa, nekurova guta nekwakapinza kwemunondo.

15 Varanda vamambo ndokuti kuna mambo: Sezvose ishe wangu, mambo, zvaanosarudza, tarirai, varanda venyu vanoita.

16 Zvino mambo wakabuda, neimba yake yose iri patsoka dzake. Mambo ndokusiya vakadzi gumi varongo kuti vachengete imba.

17 Zvino mambo wakabuda, nevanhu vose vari patsoka dzake, ndokumira panzvimbo iri chinhambwe.

18 Zvino varanda vake vose vakapfuura kurutivi rwake, nevaKereti vose, nevaPereti vose, nevaGiti vose, varume mazana matanhatu vaiva vamutevera vachibva kuGati, vakapfuura pamberi pamambo.

19 Mambo ndokuti kuna Itai muGiti: Newe unoenderei nesu? Dzokera ugare namambo, nokuti iwe uri mutorwa uyewo uri mudzingwa kunzvimbo yako.

20 Wakasvika zuro, zvino nhasi ndingakufambisa-fambisa nekuenda nesu, sezvandinoenda kwandinoenda? Dzokera udzosewo hama yako; nyasha nechokwadi ngazvive newe.

21 Zvino Itai wakapindura mambo ndokuti: NaJehovha mupenyu, uye nashe wangu mambo mupenyu, zvirokwazvo panzvimbo iyo ishe wangu mambo pangava parufu kana paupenyu, muranda wenyu achava ipapowo.

22 Dhavhidhi ndokuti kuna Itai: Enda uyambuke. Itai muGiti ndokuyambuka, nevanhu vake vose, nevanana vose vaiva naye.

23 Nyika yose ndokuchema nenzwi guru, uye vanhu vose vakayambuka; namambo wakayambuka rukova Kidhoroni, nevanhu vose vakayambuka nechekunzira yerenje.

24 Zvino tarira, naZadhoki nevaRevhi vose vanaye vakatakura areka yesungano yaMwari; vakaisa areka yaMwari pasi, Abhiatari ndokukwira, kusvika vanhu vose vapera kupfuura vachibva muguta.

25 Mambo ndokuti kuna Zadhoki: Dzoserai areka yaMwari muguta; kana ndikawana nyasha pameso aJehovha, achandidzosazve agondionesa iyo nenzvimbo yake yekugara.

26 Asi kana achireva seizvi: Handifari newe; tarirai, ndiri pano, ngaandiitire sezvakanaka pameso ake.

27 Mambo ndokuti kuna Zadhoki mupristi: Uri muoni here? Dzokera muguta nerugare, naAhimaazi mwanakomana wako, naJonatani mwanakomana waAbhiatari, vanakomana venyu vaviri pamwe nemwi.

28 Ona, ndicharinda pamazambuko erenje, kusvika kwasvika shoko kubva kwamuri kundiudza.

29 Naizvozvo Zadhoki naAbhiatari vakadzosera areka yaMwari Jerusarema; ivo vakagarapo.

30 Dhavhidhi ndokukwira nekumukwidza weMiorivhi, ndokuchema paaikwira, uye wakafukidza musoro wake, ndokufamba asina shangu; nevanhu vose vaiva naye vakafukidza umwe neumwe musoro wake, ndokukwira, vachikwira vachichema.

31 Zvino kwakaudzwa Dhavhidhi zvichinzi: Ahitoferi ari pakati pebangano naAbhusaromu. Dhavhidhi ndokuti: Jehovha, itai henyu zano raAhitoferi rive upenzi.

32 Zvino zvakaitika kuti Dhavhidhi wakasvika pamusoro paainamata Mwari; uye tarira, Hushai muAriki wakasangana naye, nguvo refu yake yakabvarurwa, nevhu riri mumusoro wake.

33 Dhavhidhi ndokuti kwaari: Kana wopfuura neni, uchava mutoro kwandiri.

34 Asi kana ukadzokera kuguta, ukanoti kuna Abhusaromu: Ndichava muranda wenyu, mambo; ini ndaiva muranda wababa venyu ipapo, ikozvinowo ini ndichava muranda wenyu; ipapo uchandiparadzira zano raAhitoferi.

35 Uye havako here pamwe newe ipapo Zadhoki naAbhiatari vapristi? Naizvozvo kuchati nyaya yose yauchanzwa mumba mamambo, uchaiudza Zadhoki naAbhiatari vapristi.

36 Tarira, varipo ipapo pamwe navo vanakomana vavo vaviri, Ahimaazi waZadhoki, naJonatani waAbhiatari. Zvino uchatumira neruoko rwavo kwandiri chinhu chose chauchanzwa.

37 Zvino Hushai shamwari yaDhavhidhi wakasvika kuguta; Abhusaromu ndokupinda muJerusarema.